ShonaTeam Acts « 17 »

Pauro naSirasi paTesaronika

17Zvino vakati vagura nemuAmufipori neAporonia, vakasvika paTesaronika, paiva nesinagoge revaJudha;

2 zvino setsika yaPauro wakapinda kwavari, uye kwemasabata matatu akataurirana navo kubva mumagwaro,

3 achizarura nekuratidza kuti Kristu waifanira kutambudzika nekumuka kubva kuvakafa, uye kuti: Uyu Jesu, ini wandinoparidza kwamuri, ndiye Kristu.

4 Zvino vamwe vavo vakatenda, vakazvibatanidza naPauro naSirasi, nechaunga chikuru chevaGiriki vaishumira, nekuvakadzi vaikudzwa vasiri vashoma.

5 Asi vaJudha vasingatendi vakaita godo, vakatora vamwe varume vakaipa dzaiva simbe dzepamusika, vakaita chaunga, vakamutsira guta bongozozo; vakawira imba yaJasoni, vachitsvaka kuvabudisira kuvanhu;

6 asi vakati vasingavawani, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama kuvatungamiriri veguta, vachidanidzira vachiti: Ava vakanyonganisa nyika, ivo vasvika panowo,

7 avo Jasoni vaakagamuchira; uye ava vose vanoita zvinopesana nezviga zvaKesari, vachiti umwe mambo ariko, anonzi Jesu.

8 Uye vakanyonganisa chaunga nevatungamiriri veguta vachinzwa zvinhu izvi.

9 Zvino vakati vatora chibatiso kuna Jasoni nekuvamwe, vakavaregedza.

Pauro naSirasi paBheriya

10 Zvino pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi kuBheriya neusiku; vakati vachisvika vakabva vakaenda musinagoge revaJudha.

11 Ava vaiva vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nechido chose, vachinzvera magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvi zvaiva zvakadaro.

12 Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, nevevakadzi vaikudzwa vevaGiriki, nevevarume vasiri vashoma.

13 Asi vaJudha veTesaronika vakati vachiziva kuti shoko raMwari rinoparidzwa naPauro paBheriyawo, vakasvikapowo vakabvongodza zvaunga.

14 Zvino nenguva iyoyo pakarepo hama dzakatuma Pauro seanoenda kugungwa; asi Sirasi naTimotio vakasarapo.

15 Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa kuAtene; ndokuti vagamuchira kuraira kuna Sirasi naTimotio kuti vakurumidzise kuuya kwaari, vakabva vaenda.

Pauro paAtene

16 Zvino Pauro achakavagarira paAtene, mweya wake wakabvongonyodzeka maari, achiona guta rizere zvifananidzo.

17 Naizvozvo wakapikisana nevaJudha musinagoge nevainamata Mwari, nepamusika zuva rimwe nerimwe nevanenge varipo.

18 Zvino dzimwe nyanzvi dzekufunga dzevaEpikuro nedzevaStoiko dzakaita nharo naye. Vamwe ndokuti: Uyu mubvotomoki anoda kurevei? Asi vamwe vakati: Anenge muparidzi wevamwari vekumwe; nokuti neevhangeri wakavaparidzira Jesu nekumuka.

19 Zvino vakamubata, vakamuisa paAreopago vachiti: Tingaziva here kuti dzidziso iyi itsva inotaurwa newe chii?

20 Nokuti unouisa zvimwe zvinhu zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kuziva kuti zvinhu izvi zvinoda kuva zvii?

21 Nokuti vose vaAtene nevatorwa vaigarapo vakashandisa nguva yavo kwete pane chimwe chinhu, asi kunzwa kana kutaura chinhu chitsva.

22 Zvino Pauro amira pakati peAreopago, wakati: Varume vaAtene, pazvinhu zvose ndinoona semune chitendero chikuru.

23 Nokuti ndati ndichipfuura nekucherekedza zvinhu zvenyu zvamunonamata, ndawana aritariwo yakanyorwa kuti: KUNA MWARI ASINGAZIKANWI. Naizvozvo uyo wamunonamata musingazivi, ndiye ini wandinokuparidzirai.

24 Mwari wakaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi, iye ari Ishe wedenga nepasi, haagari mutembere dzakaitwa nemaoko,

25 uye haashumirwi nemaoko evanhu, seanoshaiwa chinhu, nokuti iye anopa vose upenyu nekufema nezvinhu zvose;

26 uye wakaita kubva paropa rimwe marudzi ose evanhu, kuti agare pachiso chose chenyika, atara nguva dzakagara dzatemwa uye miganhu yeugaro hwavo;

27 kuti vatsvake Ishe, zvimwe zvirokwazvo vamutsvangadzire vamuwane, kunyange asiri kure neumwe neumwe wedu.

28 Nokuti maari tinorarama uye tinofamba uye tiripo; sezvo vamwewo vanyanduri vekwenyu vakati: Nokuti tiri zvizvarwa zvakewo.

29 Naizvozvo zvatiri zvizvarwa zvaMwari, hatifaniri kufunga kuti uMwari hwakafanana negoridhe kana sirivha kana ibwe, zvakavezwa neumhizha kana murangariro wemunhu.

30 Naizvozvo nguva dzekusaziva Mwari wakarega kurangarira, ikozvino anoraira vanhu vose kose-kose kuti vatendeuke.

31 Nokuti wakatara zuva, raachatonga nyika mukururama, nemurume waakagadza, akasimbisa kune vose, pakumumutsa kubva kuvakafa.

32 Zvino vakati vanzwa zvekumuka kwevakafa, vamwe vakasveveredza, asi vamwe vakati: Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi.

33 Zvino nokudaro Pauro wakabuda pakati pavo.

34 Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo Dhionisiowo muAreopago, nemukadzi wainzi Dhamarisi, nevamwe vanavo.