ShonaTeam Acts « 16 »

Rwendo rwaPauro rwechipiri rwunoenderera mberi

16Zvino wakasvika kuDhebhe neRistra; zvino tarira, ipapo paiva neumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana weumwe mukadzi muJudhakadzi waitenda, asi wababa muGiriki;

2 waipupurirwa zvakanaka nehama dzepaRistra neIkonio.

3 Uyu Pauro wakada kuti abude naye, ndokumutora akamudzingisa nekuda kwevaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vose vaiva vachiziva baba vake, kuti muGiriki.

4 Zvino vakati vachigura nemumaguta, vakavakumikidza zviga zvakatemwa nevaapositori nevakuru vaiva paJerusarema kuti vachengete.

5 Naizvozvo makereke akasimbiswa parutendo, ndokuwedzera pauwandu zuva nezuva.

6 Zvino vakati vagura Frigia nedunhu reGaratiya, vadziviswa neMweya Mutsvene kutaura shoko paAsia.

7 Vakati vasvika pakatarisana neMisia vakaidza kuenda kuBhitinia; asi Mweya haana kuvatendera.

8 Zvino vakati vapfuura paMisia vakaburukira kuTroasi.

9 Chiratidzo ndokuonekwa kuna Pauro usiku; umwe murume muMakedhonia waiva amirepo, achimukumbira zvikuru achiti: Yambukira kuMakedhonia, utibatsire.

10 Zvino wakati achiona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kubuda tiende kuMakedhonia, tapedza tichiti Ishe watidana kunoparidza evhangeri kwavari.

Pauro naSirasi paFiripi

11 Naizvozvo takabva Troasi nechikepe, tikaruramira kuSamotirasi, fumewo kuNeapori,

12 ndokubvapo tikaenda kuFiripi, rinova guta rekutanga redunhu reMakedhonia, raitongwa neimwe nyika; uye takagara mamwe mazuva muguta iri.

13 Zvino nezuva resabata tikabuda kunze kweguta kurutivi rwerwizi, paifanira kuitirwa munyengetero; zvino takagara pasi tikataura nevakadzi vaiva vaunganapo.

14 Zvino umwe mukadzi wainzi Ridhia, mutengesikadzi wemicheka yeruvara rwehute weguta reTiatira, wainamata Mwari, wakatinzwa; moyo wake Ishe waakazarura, kuti ateerere zvinhu zvinotaurwa naPauro.

15 Zvino wakati abhabhatidzwa, neimba yake, akakumbira achiti: Kana matonga kuti ndakatendeka kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare. Zvino akatigombedzera.

16 Zvino takati pataipinda kumunyengetero, umwe murandasikana waiva nemweya wekuuka wakasangana nesu, waivigira vatenzi vake mubairo muzhinji nekuuka.

17 Uyu wakatevera Pauro nesu, achidanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wekumusoro-soro, vanotiparidzira nzira yeruponeso.

18 Zvino izvi wakazviita mazuva mazhinji. Pauro wakati asemburwa, akatendeuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Zvino ukabuda nenguva iyoyo.

19 Vatenzi vake vakati vaona kuti tariro yemubairo yavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pevakuru,

20 vakati vavauisa kuvatungamiriri vakati: Vanhu ava vanovhiringidza guta redu, vari vaJudha,

21 uye vanoparidza tsika dzisiri pamutemo kwatiri kugamuchira kana kuita, tiri vanhu vaRoma.

22 Zvino chaunga chikavamukira pamwe, uye vatungamiriri vakavabvarurira nguvo vakaraira kuti vavarove netsvimbo.

23 Vakati vaisa mavanga mazhinji pamusoro pavo vakavakanda mutirongo, vakaraira murindi wetirongo kuti avachengete kwazvo;

24 iye, agamuchira murairo wakadaro, wakavakanda mutirongo remukati, akasimbisa tsoka dzavo mudanda.

Kutendeuka kwemurinditirongo

25 Zvino panenge pakati peusiku Pauro naSirasi vaiva vachinyengetera nekuimba nziyo dzekurumbidza kuna Mwari, uye vasungwa vaivanzwa;

26 zvino pakarepo kwakavapo kudengenyeka kwenyika kukuru, zvekuti nheyo dzetirongo dzakazununguswa; zvino pakarepo mikova yose ikazarurwa, nezvisungo zvevose zvikasunungurwa.

27 Murindi wetirongo wakati apepuka, uye aona mikova yetirongo yakazarurwa, akavhomora munondo, oda kuzviuraya, achifunga kuti vasungwa vatiza.

28 Asi Pauro wakadanidzira nenzwi guru, achiti: Usazvikuvadza; nokuti tiri muno tose.

29 Zvino wakakumbira mwenje akasvetukiramo, uye achibvunda akawira pasi pamberi paPauro naSirasi,

30 zvino akati avabudisira kunze akati: Madzishe, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?

31 Zvino vakati: Tenda kuna Ishe Jesu Kristu, zvino uchaponeswa iwe neimba yako.

32 Zvino vakataura kwaari shoko raIshe, nekune vose vaiva mumba make.

33 Ndokuvatora nenguva iyoyo yeusiku akavashambidza pamavanga, ndokubhabhatidzwa pakarepo iye nevake vose.

34 Zvino wakati avaisa mumba make ndokugadzika tafura pamberi pavo, akafara neimba yake yose achitenda kuna Mwari.

35 Zvino kwakati kwaedza vatungamiriri vakatuma mapurisa vachiti: Sunungurai vanhu avo.

36 Murindi wetirongo ndokuudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatungamiriri vatuma shoko, kuti musunungurwe; naizvozvo budai ikozvino muende murugare.

37 Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena tisina kubatwa mhosva tiri vanhu vaRoma, vakatikanda mutirongo, zvino ikozvino votikanda panze chinyararire here? Haiwa, kwete! Asi vanofanira kuuya vamene vatibudise.

38 Mapurisa ndokuudza vatungamiriri mashoko iwayo; zvino vakatya pavakanzwa kuti vaRoma,

39 ndokuuya vakavakumbira, zvino vakavabudisa vakakumbira kuti vabude muguta.

40 Zvino vakabuda mutirongo vakapinda kwaRidhia; ndokuti vaona hama, vakavanyaradza, vakabva ndokuenda.