ShonaTeam Acts « 15 »

Dare paJerusarema pamusoro pekudzingiswa nekuchengeta murairo waMozisi

15Zvino vamwe vakaburuka kubva kuJudhiya, vakadzidzisa hama kuti: Kana musingadzingiswi netsika yaMozisi, hamugoni kuponeswa.

2 Naizvozvo, kwakati kwava nekupesana nekupikisana kusati kuri kudiki kwaPauro naBhanabhasi navo, vakaronga kuti Pauro naBhanabhasi nevamwezve vavo vakwire kuJerusarema kuvaapositori nevakuru, pamusoro peshoko iri.

3 Naizvozvo vakati vachiperekedzwa nekereke, vakagura neFenike neSamariya, vachirondedzera zvekutendeuka kwevahedheni; uye vakaitira hama dzose mufaro mukuru.

4 Zvino vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke nevaapositori nevakuru, vakarondedzera zvose Mwari zvaakaita navo.

5 Asi kwakamuka vamwe vebato revaFarisi vaitenda, vachiti: Zvinofanira kuvadzingisa, nekuvaraira kuchengeta murairo waMozisi.

6 Vaapositori nevakuru vakaungana pamwe kuti vaongorore zveshoko iri.

7 Zvino kwakava nekukakavadzana kukuru, Petro wakasimuka akati kwavari: Varume hama, imwi munoziva kuti kubva pamazuva akare Mwari wakasarudza pakati pedu, kuti nemuromo wangu vahedheni vanzwe shoko reevhangeri, uye vatende.

8 Uye Mwari muzivi wemoyo wakapupura kwavari, achivapa Mweya Mutsvene, sekwatiriwo;

9 uye haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, achichenura moyo yavo nerutendo.

10 Naizvozvo ikozvino munoidzirei Mwari, kuisa joko pamutsipa wevadzidzi, ratisina kugona kutakura kana madzibaba edu kana isu?

11 Asi nenyasha dzaIshe Jesu Kristu tinotenda kuti tinoponeswa, nenzira imwe savowo.

12 Chaunga chose ndokunyarara; ndokuteerera Bhanabhasi naPauro vachirondedzera kuti zvikuru sei zviratidzo nezvishamiso Mwari zvaakaita navo pakati pevahedheni.

13 Zvino ivo vakati vanyarara, Jakobho akapindura achiti: Varume hama, nditeererei:

14 Simioni warondedzera kuti Mwari wakashanyira vahedheni sei pakutanga kuti atorere zita rake vanhu kwavari.

15 Nemashoko evaporofita anobvumirana neizvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi:

16 Shure kweizvi ndichadzoka, uye ndichavakazve tabhenakeri yaDhavhidhi yakawa; uye ndichavakazve matongo aro, uye ndicharimisazve;

17 kuti vakasara vevanhu vatsvake Ishe, nevechirudzi vose, pavanodanwa nezita rangu, ndizvo zvinoreva Ishe anoita zvinhu izvi zvose.

18 Anozikanwa kuna Mwari mabasa ake ose kubva pakusingaperi.

19 Naizvozvi ini ndinogura kuti tirege kutambudza vakabva kuvahedheni vakatendeukira kuna Mwari;

20 asi tivanyorere kuti vabve pazvakashatiswa zvezvifananidzo neupombwe nezvakadzipwa neropa.

21 Nokuti Mozisi anavo kubva pamazera akare vanomuparidza paguta rimwe nerimwe, achiverengwa mumasinagoge sabata rimwe nerimwe.

22 Ipapo zvikaonekwa zvakanaka kuvaapositori nevakuru vane kereke yose, kuti vatume varume vakasarudzwa pakati pavo kuAndiyokiya pamwe naPauro naBhanabhasi: Judhasi wainzi Bharisabhasi, naSirasi, varume vatungamiriri pakati pehama,

23 vakanyora seizvi neruoko rwavo: Vaapositori nevakuru nehama, kuhama dzekuvahedheni paAndiyokiya neSiriya neKirikia, kwaziwai;

24 sezvatakanzwa kuti vamwe vakabuda kwatiri vakakutambudzai nemashoko, vachikanganisa mweya yeupenyu yenyu, vachiti mudzingiswe nekuchengeta murairo, ivo vatisina kuraira;

25 zvaonekwa zvakanaka kwatiri tava nemoyo umwe, kutuma kwamuri varume vakasarudzwa, pamwe nevadikanwi vedu Bhanabhasi naPauro,

26 vanhu vakazvipira upenyu hwavo nekuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu.

27 Naizvozvo tatuma Judhasi naSirasi, ivo vachataurawo zvimwe chete neshoko remuromo.

28 Nokuti zvakaonekwa zvakanaka kuMweya Mutsvene, nekwatiri, kuti tirege kuchikutakudzai mutoro mukuru, kunze kwezvinhu izvi zvakafanira:

29 Kuti mubve pazvakabairwa zvifananidzo neropa nechakadzipwa neupombwe; kana mukazvisunungura pazviri, muchaita zvakanaka. Sarai zvakanaka.

30 Zvino vakati vaendeswa vakasvika kuAndiyokiya; vakati vaunganidza chaunga, vakakumikidza tsamba.

31 Zvino vakati vaverenga, vakafara pamusoro pekukurudzirwa.

32 Judhasiwo naSirasi, vaiva vaporofitawo pachavo, vakakurudzira hama nenhaurwa zhinji, nekuvasimbisa.

33 Vakati vagara kwenguva, vakaendeswa nehama murugare kuvaapositori,

34 asi zvakaonekwa zvakanaka kuna Sirasi kuti asarepo.

35 Paurowo naBhanabhasi vakasara muAndiyokiya vachidzidzisa nekuparidza shoko raIshe, nevamwewo vazhinji.

Pauro naBhanabhasi vanoparadzana

36 Zvino shure kwemamwe mazuva Pauro wakati kuna Bhanabhasi: Ngatidzokere ikozvino tishanyire hama dzedu muguta rimwe nerimwe, matakaparidza shoko raIshe, tione kuti vakadini.

37 Zvino Bhanabhasi waiva aronga kutora Johwani wainzi Mariko, kuti afambe navo.

38 Asi Pauro wakafunga kuti zvakanaka kusamutora afambe navo uyu wakavasiya kubva paPamufiriya, akasaenda navo kubasa.

39 Zvino kwakauya kukakavadzana kukuru, zvekuti vakaparadzana, umwe kubva kune umwe; Bhanabhasi ndokutora Mariko kufamba naye, akaenda kuSaipuresi nechikepe.

Rwendo rwaPauro rwechipiri

40 Asi Pauro wakasarudza Sirasi akabuda akaenda, akumikidzwa nehama panyasha dzaMwari.

41 Ndokugura neSiriya neKirikia, achisimbisa makereke.