ShonaTeam Acts « 14 »

Pauro anoparidza paIkonio

14Zvino zvakaitika paIkonio, vakapinda pamwe musinagoge revaJudha, vakataura kudai zvekuti chaunga chikuru chevaJudha nechevaGirikiwo chakatenda.

2 Asi vaJudha vasingatendi vakamutsa nekuipisa moyo yevahedheni kuvapesanisa nehama.

3 Naizvozvo vakagara nguva refu vachitaura vakashinga muna Ishe anopupurira shoko renyasha dzake, uye anovapa kuti kuitwe zviratidzo nezvishamiso nemaoko avo.

4 Asi chaunga cheguta chakakamurwa; vamwe ndokuva nevaJudha, vamwewo nevaapositori.

5 Zvino kwakati kwava nekushushwa kwevahedheni nekwevaJudhawo nevatungamiriri vavo, kuvabata zvakaipa nekuvataka nemabwe,

6 vakati vazviziva, vakatizira kumaguta eRikaonia, Ristra neDhebhe, nekudunhu rakapoteredza;

7 ipapowo vakaparidza evhangeri.

8 Zvino paRistra paigara umwe murume waiva asina simba patsoka, ari chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.

9 Uyu wakanzwa Pauro achitaura; iye akamutarisisa, akaona kuti ane rutendo kuti aporeswe,

10 akati nenzwi guru: Simuka, uti tasa netsoka dzako. Zvino akakwakuka akafamba.

11 Zvino zvaunga, zvakati zvaona Pauro zvaaiva aita, zvakasimudza manzwi azvo zvichiti nechiRikaonia: Vamwari vaburukira kwatiri vakafanana nevanhu.

12 Bhanabhasi vakamutumidzawo Zeusi, naPauro Herimesi, nokuti ndiye waiva mutungamiriri wekutaura.

13 Zvino mupristi waZeusi waiva pamberi peguta ravo, wakauisa nzombe nezvishongo pamisuwo, achida kubaira pamwe nezvaunga.

14 Asi vaapositori Bhanabhasi naPauro vakati vanzwa, vakabvarura nguvo dzavo, vakamhanyira pakati pechaunga, vachidanidzira,

15 ndokuti: Varume, munoitirei zvinhu izvi? Isuwo tiri vanhu vane manzwiro mamwe nemwi, tinokuparidzirai mashoko akanaka kuti pane izvozvi zvisina maturo mutendeukire kuna Mwari mupenyu, wakaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mazviri.

16 Iye pamazera akapfuura wakatendera vahedheni vose kufamba nenzira dzavo.

17 Zvakadaro haana kuzvisiya asina uchapupu, pakuti wakaita zvakanaka akatipa mvura kubva kudenga nenguva dzezvibereko, achizadza moyo yedu nekudya nemufaro.

18 Zvino vachitaura zvinhu izvi, zvairema kugumisa zvaunga kuti vasabaira kwavari.

19 Asi kwakasvika vaJudha vakabva Andiyokiya neIkonio, vanyengetedza zvaunga, zvino vataka Pauro nemabwe, vakamukwevera kunze kweguta, vachifunga kuti wafa.

20 Asi vadzidzi vakati vamukomba, akasimuka akapinda muguta; zvino chifume akabuda naBhanabhasi akaenda kuDhebhe.

21 Vakati vaparidzawo evhangeri kuguta iro, uye vaita vazhinji vadzidzi, vakadzokera kuRistra neIkonio neAndiyokiya,

22 vachisimbisa mweya yeupenyu yevadzidzi, vachivakurudzira kurambira parutendo, uye kuti tinofanira kupinda muushe hwaMwari nemumatambudziko mazhinji.

23 Zvino vakati vavagadzira vakuru pakereke imwe neimwe, vanyengetera nekutsanya, vakavakumikidza kuna Ishe, wavaitenda kwaari.

24 Zvino vakati vagura nePisidhiya vakasvika Pamufiriya.

25 Uye vakati vaparidza shoko paPega, vakaburukira Atariya;

26 vakabvapo nechikepe vakaenda kuAndiyokiya, apo pavaiva vakumikidzwa munyasha dzaMwari pabasa ravaiva vapedzisa.

27 Vakatiwo vasvika vakaunganidza kereke, vakarondedzera zvose Mwari zvaaiva aita navo, uye kuti waiva azarurira vahedheni mukova werutendo.

28 Ipapo vakagara nguva isati iri pfupi nevadzidzi.