ShonaTeam Acts « 13 »

Rwendo rwaSauro rwekutanga. Kutumwa kwaSauro naBhanabhasi

13Zvino paivapo muAndiyokiya mukereke ipapo vamwe vaporofita nevadzidzisi, Bhanabhasi naSimioniwo wainzi Nigeri, naRukio muKurini, naManaeni waiva arerwa pamwe naHerodhi umwe wevatungamiriri vana, naSauro.

2 Vakati vachishumira kuna Ishe nekutsanya, Mweya Mutsvene akati: Nditsaurirei Bhanabhasi pamwe naSauro pabasa randakavadanira.

3 Ipapo vatsanya nekunyengetera nekuisa maoko pamusoro pavo, vakavaendesa.

Vanodziviswa naErimasi paPafosi

4 Naizvozvo zvirokwazvo ivo vakati vatumwa naMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia, vakabvapowo vakaenda kuSaipuresi nechikepe.

5 Zvino vasvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge evaJudha; uye vaiva vanaJohwaniwo mubatsiri.

6 Zvino vakati vagura nemuchiwi kusvika paPafosi, vakawana imwe n'anga, muporofita wenhema, muJudha, wainzi Bhari-Jesu.

7 Wainge ane mutungamiriri Sejiyo Pauro, murume wakachenjera. Iye wakadanira kwaari Bhanabhasi naSauro akatsvaka kunzwa shoko raMwari.

8 Asi Erimasi n'anga, nokuti ndiro zita rake kana zvichishandurwa, akavapikisa, achitsvaka kutsausa mutungamiriri parutendo.

9 Asi Sauro, ndiye Paurowo, azadzwa neMweya Mutsvene, uye amutarisisa,

10 wakati: Iwe uzere nekubiridzira kose nekunyengera kose, mwanakomana wadhiabhorosi, muvengi wekururama kose, haugumi here kutsausa nzira dzakarurama dzaIshe?

11 Uye ikozvino tarira, ruoko rwaIshe rwuri pamusoro pako, uye uchava bofu, usingaoni zuva kwenguva. Pakarepo mhute nerima zvakamuwira, akatenderera achitsvaka vangamutungamirira neruoko.

12 Panguva iyo mutungamiriri wakati aona zvakaitika akatenda, achishamiswa nedzidziso yaIshe.

Pauro anoparidza paAndiyokiya paPisidhiya

13 Zvino Pauro nevaiva naye vakabva Pafosi nechikepe vakasvika paPega muPamufiriya. Asi Johwani wakabva kwavari akadzokera kuJerusarema.

14 Asi ivo vakati vagura vachibva paPega, vakasvika kuAndiyokiya muPisidhiya; vakapinda musinagoge nezuva resabata, vakagara pasi.

15 Zvino shure kwekuverengwa kwemurairo nevaporofita, vakuru vesinagoge vakatumira kwavari, vachiti: Varume hama, kana kune shoko mukati menyu rekurudziro kuvanhu, taurai.

16 Zvino Pauro wakasimuka, ndokuninira neruoko, akati: Varume vaIsraeri, nemwi munotya Mwari, teererai.

17 Mwari werudzi urwu rwaIsraeri wakasarudza madzibaba edu, akakudza vanhu vachiri vatorwa munyika yeEgipita, uye neruoko rwakakwirira akavabudisa mairi.

18 Uye akava nemoyo murefu nemaitiro avo nguva inenge makore makumi mana murenje.

19 Zvino wakati aparadza marudzi manomwe munyika yeKenani, akavagovera nyika yavo nemujenya.

20 Zvino shure kweizvozvo, makore anenge mazana mana nemakumi mashanu, wakavapa vatongi kusvika kuna Samueri muporofita.

21 Uye kubvira ipapo vakakumbira mambo; Mwari ndokuvapa Sauro mwanakomana waKishi, murume werudzi rwaBhenjamini, makore makumi mana.

22 Zvino wakati amubvisa, wakavamutsira Dhavhidhi kuva mambo, waakapupurirawo akati: Ndawana Dhavhidhi waJese, murume anoenderana nemoyo wangu, achaita chido changu chose.

23 Pambeu yeuyu sechivimbiso, Mwari wakamutsira Israeri Muponesi Jesu;

24 iye asati asvika Johwani wakaparidza pakutanga rubhabhatidzo rwekutendeuka kuvanhu vose vaIsraeri.

25 Zvino Johwani wakati azadzisa rwendo, akati: Munofunga kuti ndini ani? Ini handisi iye, asi tarirai, shure kwangu anouya, wandisakafanira kusunungura shangu dzetsoka dzake.

26 Varume hama, vana verudzi rwaAbhurahama, neavo pakati penyu vanotya Mwari, shoko reruponeso urwu ratumirwa kwamuri.

27 Nokuti avo vanogara muJerusarema nevatungamiriri vavo havana kumuziva uyu, uye manzwi evaporofita anoverengwa sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumurasa;

28 uye kunyange vasina kuwana mhosva yerufu, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe.

29 Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuradzika muguva.

30 Asi Mwari wakamumutsa kubva kuvakafa;

31 iye wakaonekwa kwemazuva mazhinji neavo vaiva vakwira naye kuJerusarema vachibva Garirea, vari zvapupu zvake kuvanhu.

32 Nesu tinoparidza kwamuri mashoko akanaka echivimbiso chakaitwa kumadzibaba,

33 kuti Mwari wakazadzisa ichi kwatiri, isu vana vavo, pakuti wakamutsa Jesu; sezvazvakanyorwawo mupisarema rechipiri kuti: Iwe uri Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka.

34 Zvino zvekuti wakamumutsa kubva kuvakafa, asadzokerazve kukuora, wakareva sezvizvi: Ndichakupai maropafadzo matsvene anovimbika aDhavhidhi.

35 Naizvozvowo anoti pane imwe nzvimbo: Hamungapi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.

36 Nokuti Dhavhidhi, ashumira zano raMwari pazera rake pachake, wakarara, uye wakaradzikwa kumadzibaba ake, ndokuona kuora;

37 asi Mwari waakamutsa, haana kuona kuora.

38 Naizvozvo ngazvizikanwe kwamuri, varume hama, kuti neuyu kanganwiro yezvivi inoparidzirwa imwi;

39 uye neuyu ani nani anotenda anonzi wakarurama pazvinhu zvose zvamaiva musingagoni kunzi makarurama pazviri nemurairo waMozisi.

40 Naizvozvo onai kuti zvirege kuwira pamusoro penyu zvakarehwa muvaporofita, zvinoti:

41 Tarirai, imwi vazvidzi, uye mushamisike, nekuparadzwa; nokuti ini ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramusingatombotendi, kunyange umwe achikurondedzerai.

42 Zvino pakubuda kwevaJudha musinagoge, vahedheni vakakumbira kuti mashoko awa ataurwe kwavari pasabata raitevera.

43 Zvino vesinagoge vakati vapera, vazhinji vevaJudha nevakatendeukira kuvaJudha vainamata vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataura kwavari, vachivagombedzera kuti varambire munyasha dzaMwari.

44 Zvino nesabata rakatevera guta rinenge rose rakaungana kuzonzwa shoko raMwari.

45 Zvino vaJudha vakati vachiona zvaunga vakazadzwa negodo, vakapikisa zvinhu zvakarehwa naPauro, vachipikisa uye vachinyomba.

46 Asi Pauro naBhanabhasi vachitaura vakashinga vakati: Zvaiva zvakafanira kuti shoko raMwari ritaurirwe kwamuri pakutanga; asi zvamarininira kure, uye mazvitongera kusafanira upenyu husingaperi, tarirai, tinotendeukira kuvahedheni.

47 Nokuti Ishe wakatiraira saizvozvo achiti: Ndakakugadza kuva chiedza chevahedheni, kuti uve weruponeso kusvika kumugumo wenyika.

48 Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvi vakafara, uye vakakudza shoko raIshe; uye uwandu hwevese vaiva vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda.

49 Uye shoko raIshe rikaparadzirwa kudunhu rose.

50 Asi vaJudha vakamutsa vakadzi vaishumira vaikudzwa, nevakuru veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi rushusho, vakavadzinga kubva kumiganhu yavo.

51 Asi ivo vakavazuzira guruva retsoka dzavo, vakasvika Ikonio.

52 Zvino vadzidzi vakazadzwa nemufaro neMweya Mutsvene.