ShonaTeam Acts « 12 »

Petro anosungwa naHerodhi ndokubudiswa nemutumwa waIshe

12Nenguva iyoyo Herodhi mambo wakaisa maoko kuti atambudze vamwe kubva mukereke.

2 Ndokuuraya Jakobho mukoma waJohwani nemunondo.

3 Zvino wakati achiona kuti zvinofadza vaJudha, wakapfuurira mberi akabata Petrowo; zvino aiva mazuva ezvingwa zvisina mbiriso;

4 akati amubatawo akaisa mutirongo, akamukumikidza kumapoka mana evanhu vana emauto kuti vamurinde, achida kumuisa kuvanhu mushure mepasika.

5 Naizvozvo Petro wakachengetwa mutirongo; asi munyengetero wakaenderera mberi uchiitwa nekereke kuna Mwari uchiitirwa iye.

6 Zvino Herodhi wakati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petro waiva arere pakati pemauto maviri, akasungwa nemaketani maviri; nevarindi pamberi pemusuwo vakarinda tirongo.

7 Zvino tarira, mutumwa waIshe wakamirapo, chiedza ndokupenya muchitokisi; zvino akarova rutivi rwaPetro, akamumutsa achiti: Simuka nekukurumidza. Zvino maketani ake akawa pamaoko ake.

8 Mutumwa ndokuti kwaari: Zvisunge chiuno, uye sunga manyatera ako. Ndokuita saizvozvo. Zvino akati kwaari: Monera nguvo yako, unditevere.

9 Zvino wakabuda akamutevera; uye asingazivi kuti ichokwadi chinoitwa nemutumwa, asi waifunga kuti anoona chiratidzo.

10 Zvino vakati vapfuura chirindo chekutanga nechepiri, vakasvika pasuwo reutare raipinda muguta; iro rakavazarukira rega; zvino vakabuda, vakapfuura nzira imwe yemumusha, pakarepo mutumwa ndokubva kwaari.

11 Zvino Petro, wakati apengenuka, akati: Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe watuma mutumwa wake, uye wandisunungura paruoko rwaHerodhi netarisiro yose yevanhu vevaJudha.

12 Zvino wakati arangarira akaenda kumba kwaMaria mai vaJohwani wainzi Mariko, vazhinji pavaiva vakaungana vachinyengetera.

13 Zvino Petro wakati agogodza pagonhi resuwo, murandakadzi wakauya kuzoteerera, wainzi Rodha.

14 Zvino wakati achiziva inzwi raPetro, haana kuzarura suwo nekuda kwemufaro, asi wakamhanyira mukati akavaudza kuti Petro amire pamberi pesuwo.

15 Asi vakati kwaari: Unopenga. Asi wakaramba achisimbisa kuti zvaiva zvakadaro. Ivo ndokuti: Mutumwa wake.

16 Asi Petro wakaramba achigogodza; zvino vakati vazarura vakamuona, vakashamisika.

17 Zvino wakavaninira neruoko kuti vanyarare, akavarondedzera kuti Ishe wakamubudisa sei mutirongo, akati: Pirai kuna Jakobho nekuhama zvinhu izvi. Zvino akabuda akaenda kune imwe nzvimbo.

18 Zvino kwakati kwaedza, bongozozo risati riri diki rikavapo pakati pemauto, kuti chii chakawira Petro.

19 Zvino Herodhi wakati amutsvaka akasamuwana, wakabvunzisisa varindi, akaraira kuti vabviswe. Zvino akabva Judhiya akaburukira Kesariya akagarako.

Kufa kwaHerodhi

20 Zvino Herodhi wakatsamwira zvikuru veTire nevaSidhoni; asi vakauya kwaari nemoyo umwe, vakashamwaridzana naBhurasto mutariri weimba yekurara yamambo, vakakumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa kudya nenyika yamambo.

21 Zvino nezuva rakatarwa Herodhi wakapfeka nguvo dzeumambo, akagara pachigaro chekutonga, akaita nhaurwa kwavari.

22 Vanhu ndokudanidzira vachiti: Inzwi raMwari, uye kwete remunhu.

23 Zvino pakarepo mutumwa waIshe wakamurova, nokuti haana kupa Mwari rukudzo; ndokudyiwa nehonye, akapera.

24 Asi shoko raMwari rakakura rikawanda.

25 Zvino Bhanabhasi naSauro vakadzoka vachibva kuJerusarema, vapedzisa basa, vakaenda naJohwaniwo wainzi Mariko.