ShonaTeam Acts « 11 »

Petro anotsanangura nezvaKoneriyo paJerusarema

11Zvino vaapositori nehama dzaiva paJudhiya vakanzwa kuti vahedheni vagamuchirawo shoko raMwari.

2 Zvino Petro wakati akwira kuJerusarema, vekudzingiswa vakapokana naye,

3 vachiti: Wakapinda muvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.

4 Asi Petro atanga wakavarondedzera zvichitevedzana achiti:

5 Ini ndaiva ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, zvino muchiyeverwa ndakaona chiratidzo, umwe mudziyo wakaburuka, semucheka mukuru unoburuswa kubva kudenga nemakona mana, ndokusvika kwandiri;

6 wandakati ndatarisisa ndacherekedza, zvino ndakaona mhuka dzine makumbo mana dzenyika nemhuka dzesango nezvinokambaira neshiri dzedenga.

7 Zvino ndakanzwa inzwi richiti kwandiri: Simuka, Petro, baya udye.

8 Asi ndakati: Aiwa kwete Ishe; nokuti hakuna chisakachena kana chine tsvina chakatongopinda mumuromo mangu.

9 Asi inzwi rakandipindura rwechipiri richibva kudenga richiti: Mwari chaachenesa, iwe usati chakasviba.

10 Uye izvi zvakaitika kusvika katatu, zvose ndokukweverwazve kumusoro kudenga.

11 Zvino tarira, pakarepo varume vatatu vamire pamberi pemba yandaiva ndiri, vatumwa kwandiri kubva kuKesariya.

12 Mweya ndokuti kwandiri ndiende navo, ndisiri asina chokwadi nechinhu; nehama idzi nhanhatuwo dzakaenda neni, zvino takapinda mumba memurume uyu;

13 iye akatipira kuti wakaona sei mutumwa amire mumba make, achiti kwaari: Tumira varume kuJopa, ugodana Simoni, anonzi Petro,

14 achakuudza mashoko, auchaponeswa nawo iwe nemhuri yako yose.

15 Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene wakaburukira pamusoro pavo, sezvazvakaitawo pamusoro pedu pakutanga.

16 Zvino ndakarangarira shoko raIshe, kuti wakataura sei achiti: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene.

17 Naizvozvo kana Mwari avapa chipo chakafanana nechaakapa kwatiriwo, takatenda kuna Ishe Jesu Kristu, ini ndaiva ani waigona kudzivisa Mwari?

18 Zvino vakati vanzwa zvinhu izvozvi vakanyarara, vakarumbidza Mwari, vachiti: Naizvozvo Mwari wakapawo kuvahedheni kutendeukira kuupenyu.

Bhanabhasi naSauro vanoparidza paAndiyokiya

19 Zvino avo vakapararira nekushushwa kwakaitika pamusoro paSitefano vakagura kusvika paFenikia neSaipuresi neAndiyokiya, vasingatauri shoko kuna ani asi kuvaJudha chete.

20 Asi kwaiva nevamwe vavo, varume vaSaipuresi nevaSairini vakati vasvika kuAndiyokiya, vakataura kuvaHerenisiti*, vachiparidza mashoko akanaka aIshe Jesu.

21 Neruoko rwaIshe rwaiva navo; uye uwandu ukuru hwakatenda hukatendeukira kuna Ishe.

22 Zvino shoko pamusoro pavo rikanzwikwa munzeve dzekereke yaiva paJerusarema; zvino vakatuma Bhanabhasi kuti agure kunosvika Andiyokiya;

23 iye asvika ndokuona nyasha dzaMwari akafara, akavakurudzira vose kuti varambire panaIshe nekuzvipira kwemoyo;

24 nokuti waiva murume wakanaka, uye azere neMweya Mutsvene uye nekutenda; chaunga chikuru ndokuwedzerwa kuna Ishe.

25 Bhanabhasi ndokubuda akaenda kuTaso kunotsvaka Sauro.

26 Zvino wakati amuwana akamuuisa kuAndiyokiya. Zvino zvikaitika kuti gore rose vakaungana mukereke vakadzidzisa chaunga chikuru; uye vadzidzi vakatanga kunzi vaKristu paAndiyokiya.

VaKristu vanotumira zvipo kuhama dzepaJudhiya

27 Zvino nemazuva iwayo, vaporofita vakaburukira kuAndiyokiya vachibva kuJerusarema.

28 Zvino kwakasimuka umwe wavo wainzi Agabhusi, ndokuratidza neMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yose; yakaitikawo panguva yaKiraudhio Kesari.

29 Uye vadzidzi vakazvipira kuti chero ani paaigona napo, umwe neumwe wavo atume zvinobatsira kuhama dzigere muJudhiya;

30 zvavakaitawo, vakatumira kuvakuru neruoko rwaBhanabhasi naSauro.