ShonaTeam Acts « 10 »

Chiratidzo chaKoneriyo

10Kwaiva kune umwewo murume muKesariya wainzi Koneriyo, mukuru wezana wehondo yainzi yeItaria,

2 wakazvipira uye anotya Mwari pamwe neimba yake yose, waiita mabasa erudo mazhinji kuvanhu, nekunyengetera kuna Mwari nguva yose;

3 akaona muchiratidzo pachena, neawa rinenge repfumbamwe rezuva, mutumwa waMwari achipinda kwaari, achiti kwaari: Koneriyo!

4 Zvino wakati amutarisisa akatya, akati: Chii, Ishe? Zvino akati kwaari: Minyengetero yako nemabasa ako erudo zvakwira kuva chirangaridzo pamberi paMwari.

5 Zvino ikozvino tuma varume kuJopa, udane Simoni anonzi Petro;

6 anogara neumwe Simoni musuki wematehwe, imba yake iri parutivi rwegungwa; iye achakuudza zvaunofanira kuita.

7 Zvino mutumwa waiva ataura naKoneriyo wakati abva, wakadana vaviri vevaranda vake vemumba nemurwi wakatendeka pane vaimumirira nguva dzose,

8 zvino wakati arondedzera zvinhu zvose kwavari, akavatuma kuJopa.

9 Zvino chifume ivo vachiri kufamba voswedera muguta, Petro wakakwira pamusoro pedenga reimba kunonyengetera, neawa rinenge rechitanhatu.

10 Akava nenzara kwazvo, akashuva kudya; asi ivo vakati vachagadzirira, chiyeverwa chikamuwira;

11 ndokuona denga rakazaruka, neumwe mudziyo uchiburukira kwaari, semucheka mukuru, wakasungwa makona mana uchiburusirwa pasi.

12 Maiva nemhuka dzose dzemakumbo mana dzenyika nemhuka dzesango nezvinokambaira neshiri dzedenga.

13 Zvino inzwi rikauya kwaari richiti: Simuka, Petro, baya udye.

14 Asi Petro wakati: Aiwa kwete, Ishe; nokuti handina kutongodya chero chinhu chisakachena kana chine tsvina.

15 Zvino inzwi rikauyazve kwaari rwechipiri richiti: Mwari chaanatsa, iwe usati chakasviba.

16 Zvino izvi zvakaitwa kusvika katatu; mudziyo ndokukwidzwazve kudenga.

17 Zvino Petro wakati achakashamiswa maari kuti chiratidzo chaaiva aona chairevei, zvino tarira, varume vaiva vatumwa kubva kuna Koneriyo, vabvunza imba yaSimoni, vakamira pasuwo,

18 vakadanidzira vachibvunza kana Simoni, anonzi Petro achigarapo.

19 Zvino Petro achafunga nezvechiratidzo, Mweya wakati kwaari: Tarira, varume vatatu vanokutsvaka.

20 Naizvozvo simuka uburuke, uende navo usiri asina chokwadi nechinhu; nokuti ndini ndavatuma.

21 Petro ndokuburukira kuvarume vaiva vatumwa kwaari kubva kuna Koneriyo, akati: Tarirai, ndini wamunotsvaka; chikonzeroi chamauyira?

22 Zvino vakati: Koneriyo mukuru wezana, murume wakarurama neanotya Mwari, anopupurirwa nerudzi rwose rwevaJudha, wakayambirwa naMwari nemutumwa mutsvene kuti akudanirei kumba kwake, uye kuti anzwe mashoko kwamuri.

23 Ipapo akavadanira mukati, akavagarisapo. Zvino chifume Petro wakabuda akaenda navo, nedzimwe dzehama dzaibva paJopa dzikamuperekedza.

24 Zvino chifume vapinda Kesariya. NaKoneriyo waiva akavamirira, uye akadanira pamwe chete hama dzake neshamwari dzepedo.

25 Zvino zvakaitika kuti Petro apinda, Koneriyo akamuchingamidza, akawira patsoka dzake, akamunamata.

26 Asi Petro wakamusimudza, achiti: Simuka; ini pachangu ndiri munhuwo.

27 Zvino wakati achataura naye akapinda, akawana vazhinji vakaungana,

28 ndokuti kwavari: Imwi munoziva kuti hazvisi pamutemo kumurume ari muJudha kufambidzana kana kuuya kumunhu werumwe rudzi; asi Mwari wandiratidza kuti ndirege kuti munhu haana kunaka kana kuchena;

29 naizvozvowo ndauya ndisingapikisi zvandangodanwa. Naizvozvo ndinobvunza kuti mandidanira chinangwai?

30 Koneriyo ndokuti: Mazuva mana apfuura kusvika paawa rino ndaiva ndichitsanya, neawa repfumbamwe ndaiva ndichinyengetera mumba mangu; zvino tarira, murume wakamira pamberi pangu ane nguvo dzinopenya,

31 ndokuti: Koneriyo, munyengetero wako wanzwikwa, nemabasa ako erudo arangarirwa pamberi paMwari.

32 Tumira naizvozvo kuJopa, uye udane Simoni anonzi Petro; iye anogara mumba maSimoni musuki wematehwe parutivi rwegungwa; iye kana auya achataura newe.

33 Naizvozvo pakarepo ndatuma kwamuri; zvino imwi maita zvakanaka kuti mauya. Naizvozvo ikozvino tose tiripo pamberi paMwari, kuti tinzwe zvinhu zvose zvamakarairwa naIshe.

34 Zvino Petro wakashamisa muromo, akati: Zvirokwazvo ndinonzwisisa kuti Mwari haasi musaruri wevanhu;

35 asi parudzi rupi nerupi uyo anomutya achiita kururama anogamuchirika kwaari.

36 Shoko raakatuma kuvana vaIsraeri achiparidza rugare naJesu Kristu (iye ndiIshe wevese).

37 Imwi munoziva shoko rakaitika paJudhiya rose, kutanga paGarirea, shure kwerubhabhatidzo Johwani rwaakaparidza;

38raJesu weNazareta, kuti Mwari wakamuzodza sei neMweya Mutsvene nesimba, waipfuura, achiita zvakanaka uye achiporesa vose vakamanikidzwa nadhiabhorosi, nokuti Mwari waiva naye.

39 Nesu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita, zvose munyika yevaJudha nemuJerusarema; iye wavakauraya, nekuremberedza pamuti.

40 Iye Mwari waakamutsa nezuva retatu, akamupa kuti aonekwe,

41 kwete kuvanhu vose, asi kuzvapupu zvakagara zvasarudzwa naMwari, kwatiri taidya nekunwa naye, mushure mekunge amuka kubva kuvakafa.

42 Zvino wakatiraira kuti tiparidze kuvanhu, nekupupura kwazvo kuti ndiye wakagadzwa naMwari kuva mutongi wevapenyu nevakafa.

43 Vaporofita vose vanopupura nezvake, kuti nezita rake ani nani anotenda maari achagamuchira kanganwiro yezvivi.

44 Petro wakati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene wakaburukira pamusoro pavo vose vakanzwa shoko.

45 Zvino vekudzingiswa vaitenda vakashamisika, vose vaiva vauya naPetro, nokuti nepamusoro pevahedheni chipo cheMweya Mutsvene chaiva chadururwa;

46 nokuti vakavanzwa vachitaura nendimi, vachikudza Mwari. Ipapo Petro akapindura akati:

47 Kune munhu anogona kurambidza mvura here, kuti ava vasabhabhatidzwa, vakagamuchira Mweya Mutsvene sesuwo?

48 Zvino akaraira kuti vabhabhatidzwe muzita raIshe. Ipapo vakamukumbira kuti agare mamwe mazuva.