ShonaTeam Acts « 9 »

Kutendeuka kwaSauro

9Zvino Sauro, achiri kufema kutyisa nekuuraya akamirisana nevadzidzi vaIshe, wakaenda kumupristi mukuru,

2 akakumbira kwaari magwaro ekuenda Dhamasiko kumasinagoge, kuti kana awana chero venzira iyo, vose varume nevakadzi, avauise vakasungwa kuJerusarema.

3 Zvino pakufamba, wakaswedera kuDhamasiko; zvino kamwe-kamwe kwakapenya kwakamupoteredza chiedza kubva kudenga;

4 zvino wakawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: Sauro, Sauro, unondishushirei?

5 Zvino akati: Ndimwi ani, Ishe? Ishe ndokuti: Ndini Jesu waunoshusha iwe; zvinokuremera kukavana nezvibayo.

6 Achidederawo nekushamisika wakati: Ishe, chii chamunoda kuti ndiite? Ishe ndokuti kwaari: Simuka upinde muguta, zvino uchaudzwa zvaunofanira kuita.

7 Zvino varume vaifamba naye vakamira vasina remuromo, vachinzwa inzwi, asi vasingaoni munhu.

8 Zvino Sauro akasimuka kubva pasi; asi meso ake azarurwa, haana kuona munhu. Zvino vakamubata ruoko, vakamuuisa kuDhamasiko.

9 Akava nemazuva matatu asingaoni, uye asingadyi kana kunwa.

10 Zvino paiva pane umwe mudzidzi paDhamasiko wainzi Ananiasi; Ishe ndokuti kwaari muchiratidzo: Ananiasi! Zvino akati: Tarirai ndiri pano Ishe.

11 Ishe ndokuti kwaari: Simuka uende munzira yemuguta inonzi Yakarurama, ugobvunza mumba maJudhasi munhu anonzi Sauro, weTaso; nokuti tarira anonyengetera,

12 uye waona muchiratidzo murume anonzi Ananiasi achipinda nekuisa ruoko paari, kuti aonezve.

13 Asi Ananiasi wakapindura akati: Ishe, ndakanzwa nevazhinji zvemurume uyu, zvakakura sei zvakaipa zvaakaitira vatsvene venyu paJerusarema;

14 uye pano ane simba kubva kuvapristi vakuru, kusunga vose vanodana zita renyu.

15 Asi Ishe wakati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasarudzwa kwandiri, kutakurira zita rangu pamberi pevahedheni nemadzimambo nevana vaIsraeri;

16 nokuti ini ndichamuratidza kuti anofanira kutambura zvakadini nekuda kwezita rangu.

17 Zvino Ananiasi wakaenda ndokupinda mumba, ndokuisa maoko pamusoro pake akati: Sauro hama, Ishe wandituma, Jesu wakaonekwa kwauri munzira yawakauya nayo, kuti uonezve uye uzadzwe neMweya Mutsvene.

18 Zvino pakarepo kwakawa mumeso ake zvinenge mafunurwa, akaonazve pakarepo, uye asimuka wakabhabhatidzwa.

19 Zvino wakati agamuchira kudya akawana simba. Sauro wakavawo nevadzidzi vaiva paDhamasiko mamwe mazuva.

20 Zvino pakarepo wakaparidza Kristu mumasinagoge, kuti iye Mwanakomana waMwari.

21 Asi vose vakazvinzwa vakashamisika ndokuti: Ko uyu haasi iye waiparadza avo vaidana zita iri muJerusarema here, uye akauyira izvozvo pano, kuti avatinhire vakasungwa kuvapristi vakuru?

22 Asi Sauro wakaramba achisimbiswa, akavhiringidza vaJudha vaigara paDhamasiko, achibudisa pachena kuti uyu ndiye Kristu.

Sauro anodzingwa paDhamasiko neJerusarema

23 Zvino mazuva mazhinji akati azadziswa, vaJudha vakarangana pamwe chete kuti vamuuraye;

24 asi zano ravo rakazikanwa kuna Sauro. Vakarindawo masuwo masikati neusiku, kuti vamuuraye;

25 asi vadzidzi vakamutora usiku, vakamuburusa neparusvingo vachimuburusa ari mudengu.

26 Zvino Sauro wakati asvika kuJerusarema, akaidza kuzvibatanidza kuvadzidzi; asi vose vaimutya, vasingatendi kuti mudzidzi.

27 Asi Bhanabhasi wakamutora akamuuisa kuvaapositori, ndokurondedzera kwavari kuti wakaona Ishe sei munzira, uye kuti waiva ataura kwaari, uye kuti wakataura akashinga sei paDhamasiko muzita raJesu.

28 Zvino wakava navo achipinda nekubuda paJerusarema,

29 ndokutaura akashinga muzita raIshe Jesu, akataurawo achipikisa vaHerenisiti*; asi vakaidza kumuuraya.

30 Asi hama dzakati dzazviziva dzikamuburusira Kesariya, ndokumutumira kuTaso.

31 Naizvozvo kereke paJudhiya yose neGarirea neSamariya dzikava nerugare, dzikavakwa, dzikawedzerwa, dzichifamba mukutya Ishe nemunyaradzo yeMweya Mutsvene.

Kuporeswa kwaEneasi

32 Zvino zvakaitika Petro achigura nzvimbo dzose, akaburukirawo kuvatsvene vaiva vagere paRidha.

33 Akawanapo umwe munhu wainzi Eneasi, waiva arere panhovo makore masere, akafa mitezo.

34 Petro ndokuti kwaari: Eneasi, Jesu Kristu anokuporesa; simuka, uzviwaridzire. Zvino akasimuka pakarepo.

35 Zvino vose vaiva vagere Ridha neSaroni vakamuona, vakatendeukira kuna Ishe.

Kumutswa kwaTabhita parufu

36 Zvino paivapo paJopa umwe mudzidzikadzi wainzi Tabhita, ndiko kuti Dhokasi kana zvichitsanangurwa; uyo waiva azere nemabasa akanaka nemabasa erudo aaiita.

37 Zvino zvakaitika mumazuva iwayo kuti iye akarwara ndokufa; vakati vamushambidza, vakamuradzika mukamuri yekumusoro.

38 Zvino Ridha zvaraiva riri pedo neJopa, vadzidzi vaiva vanzwa kuti Petro waiva aripo, vakatumira kwaari varume vaviri, vachikumbira zvikuru kuti asanonoka kuuya kwavari.

39 Zvino Petro wakasimuka akaenda navo; akati asvika vakamuisa kuimba yekumusoro, uye chirikadzi dzose dzikamirapo naye dzichichema dzichiratidza nguvo refu nezvipfeko Dhokasi zvaaiva aita achiri navo.

40 Asi Petro wakavabudisira panze vose akafugama akanyengetera; ndokutendeukira kumutumbi, akati: Tabhita, muka! Akazarura meso ake; zvino wakati achiona Petro, akagara.

41 Zvino wakamupa ruoko, akamusimudza; ndokuti adana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo achirarama.

42 Zvino zvikazikanwa paJopa yose; vazhinji ndokutenda kuna Ishe.

43 Zvino zvikaitika kuti wakagara mazuva mazhinji paJopa neumwe Simoni musuki wematehwe.