ShonaTeam Acts « 6 »

Kusarudzwa kwemadhikoni manomwe

6Zvino nemazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, kwakamuka kunyunyuta kwemaHerenisiti* akanangana nevaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaiva dzisingatariswi pakugoverwa kwemusi umwe neumwe.

2 Zvino vanegumi nevaviri vakadanira kwavari chaunga chevadzidzi, vakati: Hazvina kufanira kuti isu tisiye shoko raMwari, tishande matafura.

3 Naizvozvo, hama, tarirai pakati penyu varume vanomwe vanopupurirwa zvakanaka, vazere neMweya Mutsvene nenjere, vatingagadza pabasa rakafanira iri.

4 Asi isu tichatsungirira pamunyengetero neushumiri hweshoko.

5 Zvino shoko rikafadza pamberi pechaunga chose; uye vakasarudza Sitefano, murume azere nerutendo uye neMweya Mutsvene, naFiripi, naProkoro, naNikanori, naTimoni, naPamenasi, naNikoraosi weAndiyokiya wakatendeukira kuvaJudha,

6 vavakagadza pamberi pevaapositori; uye vakati vanyengetera vakaisa maoko pamusoro pavo.

7 Zvino shoko raMwari rikakura, uye uwandu hwevadzidzi hukapamhidzira muJerusarema zvikurusa, nechaunga chikuru chevapristi chakateerera rutendo.

Sitefano anourawa

8 Zvino Sitefano azere nerutendo nesimba wakaita zvishamiso nezviratidzo zvikuru pakati pevanhu.

9 Zvino kwakamuka vamwe vesinagoge rinonzi revakasununguka, nevaKureni, nevaAreksandiria, nereavo vaibva Kirikia neAsia, vachikakavadzana naSitefano.

10 Asi vaiva vasingagoni kupikisa uchenjeri neMweya waaitaura nawo.

11 Ipapo vakamutsa varume vaiti: Tamunzwa achitaura mashoko anonyomba akanangana naMozisi naMwari.

12 Zvino vakamutsa vanhu nevakuru nevanyori, vakamusvikira vakamubata vakamuuisa kudare remakurukota,

13 ndokuisapo zvapupu zvenhema zvakati: Munhu uyu haamiri kutaura mashoko anomhura achipokana nenzvimbo iyi tsvene nemurairo,

14 nokuti tamunzwa achiti uyu Jesu muNazareta achaparadza nzvimbo iyi, uye achashandura tsika Mozisi dzaakatikumikidza.

15 Zvino vose vaiva vagere padare remakurukota vakamudzvokora, vakaona chiso chake sechainge chiso chemutumwa.