ShonaTeam Acts « 5 »

Ananiasi naSafira

5Asi umwe murume wainzi Ananiasi, naSafira mukadzi wake, wakatengesa nhumbi dzake,

2 akazvisiira pamutengo, mukadzi wake achizivawo, akauya nechimwe chikamu, ndokuisa patsoka dzevaapositori.

3 Asi Petro wakati: Ananiasi, Satani wazadzirei moyo wako kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nekuzvisiira pamutengo wemunda?

4 Uchiripo hauna kuramba uri wako here, uye watengeswa waiva usi musimba rako here? Sei waisa mumoyo mako chiito ichi? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kuna Mwari.

5 Zvino Ananiasi achinzwa mashoko awa, wakawira pasi, akapera; kutya kukuru ndokuwira pamusoro pevose vakanzwa zvinhu izvi.

6 Nemajaya akasimuka akamuputira ndokutakurira kunze vakamuviga.

7 Zvino zvakaitika maawa anenge matatu apfuura, kuti mukadzi wake asingazivi zvaitika wakapinda.

8 Petro ndokumupindura akati: Ndiudze kana matengesa munda nezvakadai? Ndokuti: Hongu, nezvakadai.

9 Petro ndokuti kwaari: Sei matenderana kuedza Mweya waIshe? Tarira, tsoka dzevaviga murume wako pamukova, newe vachakutakurira kunze.

10 Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akapera; majaya akapinda akamuwana afa, akamutakurira kunze ndokuviga nechepamurume wake.

11 Kutya kukuru ndokuwira pamusoro pekereke yose nepamusoro pevose vakanzwa zvinhu izvi.

12 Uye nemaoko evaapositori kwakaitwa zviratidzo nezvishamiso zvizhinji pakati pevanhu; uye vose vaiva nemoyo umwe muberere raSoromoni.

13 Asi pavamwe kwaiva kusina munhu wakashinga kuzvisanganisa kwavari; asi vanhu vaivakudza.

14 Uye vatendi vakanyanya kuwedzerwa kuna Ishe, zvaunga zvinoti zvevarume zvikati zvevakadzi.

15 Zvekuti vatakurira kunze varwere munzira dzemuguta, uye vakaradzika pamibhedha nepanhovo, kuti kana Petro achiuya, kunyange mumvuri udzikatire umwe wavo.

16 Zvino kwakaunganawo chaunga chemaguta akapoteredza kuJerusarema, vachitakura varwere, nevaitambudzwa nemweya yetsvina, vakaporeswa vose.

Vaapositori vanobudiswa mutirongo

17 Zvino mupristi mukuru akasimuka, nevose vaiva naye vari sangano revaSadhusi, vakazara negodo,

18 vakaisa maoko avo pavaapositori vakavaisa mutirongo revanhu vose.

19 Asi mutumwa waIshe neusiku wakazarura mikova yetirongo akavabudisa akati:

20 Endai, mugomira muchitaura mutembere kuvanhu mashoko ose eupenyu uhu.

21 Zvino vakati vanzwa, vakapinda mutembere mangwanani-ngwanani vakadzidzisa. Asi mupristi mukuru wakasvika nevaiva naye, vakakokera dare remakurukota pamwe neungano yose yedare revakuru revana vaIsraeri, vakatumira mapurisa kutirongo kuti vauiswe.

22 Asi mapurisa akati achisvika, akasavawana mutirongo; akadzoka akapira shoko,

23 achiti: Tirongo zvirokwazvo takawana rakavharwa nekuchengetedzwa kose, nevarindi vamire panze pamberi pemikova; asi tati tazarura, mukati hatina kuwana munhu.

24 Zvino mupristi nemutungamiriri wetembere nevapristi vakuru vakati vanzwa mashoko iwayo, vakasava nechokwadi pamusoro pavo, kuti izvi zvichazovei.

25 Zvino kwakasvika umwe akavaudza achiti: Tarirai, varume vamakaisa mutirongo vamire mutembere vachidzidzisa vanhu.

26 Zvino mutungamiriri nemapurisa vakaenda vakauya navo kwete nesimba, nokuti vaitya vanhu kuti vasatakwa nemabwe.

27 Vakati vavauisa vakavamisa pamberi pedare remakurukota. Mupristi mukuru ndokuvabvunza,

28 achiti: Hatina kukurairisai kuti musadzidzisa nezita iri here? Zvino tarirai, mazadza Jerusarema nedzidziso yenyu, uye muchishuva kuuisa ropa remunhu uyu pamusoro pedu.

29 Zvino Petro nevaapositori vakapindura vakati: Zvakafanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.

30 Mwari wemadzibaba edu wakamutsa Jesu, iye wamakauraya imwi, mukaremberedza pamuti.

31 Iye uyu Mwari wakamusimudza neruoko rwake rwerudyi, ave Muvambi neMuponesi, kupa Israeri kutendeuka nekanganwiro yezvivi.

32 Uye isu tiri zvapupu zvake zvezvinhu izvi, neMweya Mutsvenewo, Mwari waakapa avo vanomuteerera.

33 Zvino vakati vanzwa vakashatirwa kwazvo, vakarangana kuvauraya.

34 Ipapo kukasimuka umwe padare remakurukota, muFarisi wainzi Gamarieri, mudzidzisi wemurairo, waikudzwa nevanhu vose, akaraira kuti vaapositori vabudiswe chinguva chidiki.

35 Ndokuti kwavari: Varume vaIsraeri, zvichenjererei maererano nevanhu ava, zvamoda kuita.

36 Nokuti mazuva ano asati asvika kwakamuka Tudhasi, achiti iye pachake waiva ari munhu, uwandu hwevanhu hunenge mazana mana vakazvisanganisa naye; iye wakaurawa, nevose vaimuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa, vakava pasina.

37 Shure kweuyu kukamuka Judhasi muGarirea, pamazuva ekuverengwa, akakwevera vanhu vazhinji shure kwake; iyewo wakaparara, nevose vakamuteerera neuwandu hwavo vakaparadzirwa.

38 Zvino ikozvino ndinoti kwamuri: Sudurukai kuvanhu ava, muvarege, nokuti kana zano iri kana basa iri riri revanhu, richaparadzwa.

39 Asi kana zviri zvaMwari, hamugoni kuzviparadza; kuti zvimwe muwanikwe muchirwa naMwariwo.

40 Vakamuteerera; uye vakati vadanira vaapositori kwavari vakavarova, vakavaraira kusataura muzita raJesu, vakavaregedza.

41 Naizvozvo vakabva pazviso zvedare remakurukota, vachifara kuti vakafanirwa nekuzvidzwa nekuda kwezita rake.

42 Uye mazuva ose mutembere nepaimba imwe neimwe havana kumira kudzidzisa nekuparidza Jesu Kristu.