ShonaTeam Acts « 3 »

Petro anoporesa chirema

3Zvino Petro naJohwani vakakwira pamwe kuenda kutembere paawa rekunyengetera repfumbamwe.

2 Zvino kwaitakurwa umwe murume waiva chirema kubva mudumbu ramai vake; wavaiisa zuva rimwe nerimwe pamusuwo wetembere unonzi Wakanaka, kuti akumbire chipo kune vaipinda mutembere.

3 Iye wakati achiona Petro naJohwani voda kupinda mutembere, akakumbira chipo.

4 Zvino Petro akamutarisisa anaJohwani, akati: Titarire!

5 Akavacherekedza, achitarisira kugamuchira chinhu kwavari.

6 Petro ndokuti: Sirivha negoridhe handina; asi icho chandinacho ndinokupa: Muzita raJesu Kristu muNazareta, simuka ufambe.

7 Akamubata ruoko rwerudyi akamusimudza; zvino pakarepo tsoka nezviziso zvetsoka dzake zvikasimbiswa.

8 Zvino akauruka akamira ndokufamba, ndokupinda navo mutembere, achifamba nekuuruka nekurumbidza Mwari.

9 Uye vanhu vose vakamuona achifamba, nekurumbidza Mwari.

10 Vakamuziva kuti ndiye waigarira chipo pamukova Wakanaka wetembere; vakazadzwa nekushamisika nekukatyamara nezvaiva zvaitika kwaari.

Kuparidza kwaPetro

11 Zvino waikamhina waiva aporeswa achakabatira Petro naJohwani, vanhu vose vakamhanyira pamwe kwavari paberere rinonzi raSoromoni, vachishamisika zvikuru.

12 Zvino Petro wakati achizviona akapindura kuvanhu achiti: Varume vaIsraeri, mashamisika sei pamusoro pezvizvi, kana munotidzvokora sei, sezvinonzi nesimba kana utsvene hwedu pachedu taita uyu kuti afambe?

13 Mwari waAbhurahama newaIsaka newaJakobho, Mwari wemadzibaba edu, wakudza Mwanakomana wake Jesu; wamakakumikidza imwi kuvatongi nekumuramba pamberi pechiso chaPirato, iye atema kumusunungura.

14 Asi imwi makaramba Mutsvene neWakarurama, mukakumbira murume mhondi kuti ipiwe kwamuri,

15 mukauraya Muvambi weupenyu; iye Mwari waakamutsa kubva kuvakafa; zvatiri zvapupu zvazvo isu.

16 Uye nerutendo kuzita rake, uyu wamunoona uye wamunoziva, zita rake ramusimbisa; nerutendo rwuri nemaari rwamupa kuporeswa uku kwakazara pamberi penyu mose.

17 Uye ikozvino, hama, ndinoziva kuti makaita nekusaziva, sevatongi venyuwo.

18 Asi Mwari zvaakagara areva nemuromo wevaporofita vake vose, kuti Kristu achatambudzika, wakazvizadzisa saizvozvo.

19 Naizvozvo tendeukai mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzekufefeterwa dzinobva pachiso chaIshe dzisvike,

20 uye achatuma Jesu Kristu, wakagara aparidzirwa kwamuri;

21 wakafanira kuti denga rimugamuchire kusvika nguva dzekuvandudzwa kwezvinhu zvose, Mwari dzaakareva nemuromo wevaporofita vake vatsvene vose kubva panguva dzakare.

22 Nokuti Mozisi zvirokwazvo wakati kumadzibaba: Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muporofita pahama dzenyu, wakaita seni; iye muchamuteerera pazvose zvaachataura kwamuri.

23 Uye zvichaitika, mweya weupenyu umwe neumwe ucharega kuteerera muporofita uyo uchaparadzwa kubva pavanhu.

24 Uye nevaporofita vose kubva kuna Samueri nevakatevera, vose vakataura, vakagara vaparidzawo zvemazuva awa.

25 Imwi muri vana vevaporofita, nevesungano Mwari yaakaita nemadzibaba edu, achiti kuna Abhurahama: Nemumbeu yako marudzi ose enyika acharopafadzwa.

26 Mwari amutsa Mwanakomana wake Jesu, wakamutuma kwamuri pakutanga kukuropafadzai, pakudzora umwe neumwe pazvakaipa zvenyu.