ShonaTeam Acts « 1 »

Kukwira kwaJesu kudenga

1 Rondedzero yekutanga ndakaiita, haiwa Teofiro, pamusoro pezvose Jesu zvaakatanga kuita uyewo kudzidzisa,

2 kusvika zuva raakakwidzwa, amboraira neMweya Mutsvene kuvaapositori vaaiva asarudza;

3 vaakazviratidzawo kwavari ari mupenyu shure kwekutambudzika kwake neuchapupu uzhinji hunopwisa, achionekwa navo kwemazuva makumi mana, achitaura zvinhu zveushe hwaMwari.

4 Zvino aungana navo, akavaraira kuti varege kubva muJerusarema asi vamirire chivimbiso chaBaba, chamakanzwa neni;

5 nokuti Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene pasina mazuva mazhinji kubva ikozvino.

Kukwira kwaJesu

6 Naizvozvo ivo vakati vaungana vakamubvunza vachiti: Ishe, muchadzosera ushe kuna Israeri nenguva ino here?

7 Zvino akati kwavari: Hazvisi zvenyu kuziva nguva kana misi Baba yavakatara nesimba ravo pachavo;

8 asi muchagamuchira simba, Mweya Mutsvene asvika pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu zvose paJerusarema nemuJudhiya mose nemuSamariya, kusvikirawo kumugumo wenyika.

9 Zvino wakati areva zvinhu izvi, akakwidzwa vakatarira, negore rikamubvisa pameso avo.

10 Zvino vachakatarisisa kudenga, achikwira, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo nenguvo chena;

11 ivowo vakati: Varume veGarirea, makamirirei makatarisisa kudenga? Iyeyu Jesu, anobviswa kwamuri achikwidzwa kudenga, achauya saizvozvo sezvamunomuona achienda kudenga.

Vadzidzi vanogarira Mweya

12 Zvino vakadzokera kuJerusarema vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi riri pedo neJerusarema, pane chinhambwe cherwendo rwesabata.

13 Vakati vapinda, vakakwira mukamuri yepamusoro apo paigara vose Petro naJakobho naJohwani naAndiriya, Firipi naTomasi, Bhatironomiyo naMatewu, Jakobho waArifio naSimoni muZiroti, naJudhasi waJakobho.

14 Ava vose vakatsungirira nemoyo umwe mumunyengetero nemukumbiro, pamwe nevakadzi, naMaria mai vaJesu, uye nevanin'ina vake.

Vanosanangura Matiasi panzvimbo yaJudhasi

15 Zvino mumazuva iwayo Petro wakasimuka pakati pevadzidzi akati (kwaiva nechaunga nevanhu pamwe vanenge zana nemakumi maviri):

16 Varume hama, zvakafanira kuti rugwaro urwu rwuzadziswe, Mweya Mutsvene zvawakagara wataura nemuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi, waiva ari mutungamiriri wevaya vakabata Jesu,

17 nokuti waiva achiverengwa pamwe nesu, akagamuchira mugove weushumiri uhu.

18 Zvino uyu wakawana munda nemubairo wezvakaipa, akawa nemusoro, akaparuka nepakati, ura hwake hwose hukabvajukira kunze.

19 Zvikanzwikwa kuvagari vose paJerusarema, zvekuti munda uyo watumidzwa nerurimi rwavo pachavo kuti Akeridhama, ndiko kuti: Munda weropa.

20 Nokuti zvakanyorwa mubhuku reMapisarema zvichinzi: Musha wake ngauve dongo, uye kurege kuva neanogara mauri; uye: Utariri hwake, umwe ngaatore.

21 Naizvozvo zvakafanira pavarume ava vaifamba nesu munguva yose, apo Ishe Jesu aipinda nekubuda pakati pedu,

22 kutanga parubhabhatidzo rwaJohwani, kusvika pazuva raakwidzwa kubva kwatiri, umwe wavo ngaave chapupu pamwe nesu chekumuka kwake.

23 Zvino vakamisa vaviri: Josefa wainzi Bharisabhasi, wakatumidzwawo Jusito, naMatiasi.

24 Vakanyengetera vachiti: Imwi Ishe, imwi muzivi wemoyo yevose, taridzai umwe pavaviri ava wamasarudza,

25 kugamuchira mugove paushumiri nevuapositori, Judhasi hwaakatsauka pahuri, kuti aende panzvimbo yake pachake.

26 Zvino vakavapa mijenya yavo, mujenya ukawira pana Matiasi; akaverengwa pamwe nevaapositori vanegumi neumwe.