ShonaTeam John « 21

Jesu anozviratidza kuvadzidzi vake pagungwa reTibheriasi

21Shure kwezvinhu izvi Jesu wakazviratidzazve kuvadzidzi pagungwa reTibheriasi; uye wakazviratidza sezvizvi:

2 Vaiva pamwe Simoni Petro, naTomasi anonzi Dhidhimo, naNatanieri waibva Kana yeGarirea, nevanakomana vaZebhedhi, nevamwe vaviri vevadzidzi vake.

3 Simoni Petro akati kwavari: Ndoenda kunobata hove. Vakati kwaari: Nesu toenda newe. Vakabuda ndokupinda muchikepe pakarepo, asi usiku uhwo havana kubata chinhu.

4 Zvino kwakati kwatova mambakwedza, Jesu akamira pamahombekombe, asi vadzidzi havana kuziva kuti ndiJesu.

5 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Vana vadiki, mune chero usavi here? Vakamupindura, vachiti: Kwete.

6 Ndokuti kwavari: Kandai mumbure kurutivi rwerudyi rwechikepe, uye muchawana. Naizvozvo vakakanda, zvino vakasazogonazve kuukweva nekuwanda kwehove.

7 Naizvozvo mudzidzi uya Jesu waaida wakati kuna Petro: NdiIshe. Ipapo Simoni Petro anzwa kuti ndiIshe, wakamonera nguvo yekunze (nokuti waiva akashama), akazviwisira mugungwa.

8 Asi vamwe vadzidzi vakauya nechikepe chidiki, vachikweva mumbure une hove, nokuti vaiva vasiri kure nenyika, asi mbimbi dzinenge mazana maviri.

9 Zvino vakati vachisvika panyika, vakaona moto wemazimbe wakaiswapo, nehove yakaradzikwa pamusoro pawo, nechingwa.

10 Jesu akati kwavari: Uisai dzimwe dzehove dzamabata ikozvino.

11 Simoni Petro akakwira, akakwevera mumbure panyika, uzere nehove huru, zana nemakumi mashanu nenhatu; uye kunyange dzaiva zhinji dzakadai, mumbure hauna kubvaruka.

12 Jesu akati kwavari: Uyai mudye. Asi hakuna kuvadzidzi wakatsunga kumubvunza kuti: Ndimwi ani imwi? vachiziva kuti ndiIshe.

13 Naizvozvo Jesu wakauya, ndokutora chingwa, akavapa, nehove saizvozvo.

14 Urwu rwatova rwechitatu Jesu achizviratidza kuvadzidzi vake, amutswa kubva kuvakafa.

15 Zvino vakati vadya, Jesu akati kuna Simoni Petro: Simoni waJona, unondida kupfuura ava here? Akati kwaari: Hongu Ishe; imwi munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Chedza makwayana angu.

16 Akati kwaarizve rwechipiri: Simoni waJona, unondida here? Akati kwaari: Hongu Ishe; imwi munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Fudza makwai angu.

17 Akati kwaari rwechitatu: Simoni waJona, unondida here? Petro akarwadziwa nokuti wakati kwaari rwechitatu: Unondida here? Akati kwaari: Ishe, imwi munoziva zvinhu zvose; imwi munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Chedza makwai angu.

18 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Pawaiva mudiki, waizvisunga bhande, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatandavadza maoko ako, uye umwe achakusunga bhande, achikuisa kwausingadi.

19 Wakareva izvi, achiratidza kuti mafiro rudzii aaizokudza Mwari nawo. Zvino wakati areva izvi, akati kwaari: Nditevere.

20 Petro achitendeuka wakaona mudzidzi Jesu waaida achitevera, ndiyewo wakazendamira pachifuva chake pachirairo, akati: Ishe, ndiani achakutengesai?

21 Petro wakati achimuona akati kuna Jesu: Ishe, ko uyu?

22 Jesu akati kwaari: Kana ndikada kuti agare kusvika ndichiuya, unei nazvo? Nditevere iwe.

23 Zvino shoko iri rakabudira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haazofi; asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haazofi; asi wakati: Kana ndichida kuti agare kusvika ndichiuya, unei nazvo?

Mashoko ekupedzisira

24 Ndiyeyu mudzidzi anopupura zvezvinhu izvi, nekunyora zvinhu izvi; uye tinoziva kuti uchapupu hwake ichokwadi.

25 Uyewo zvimwe zvizhinji zviriko Jesu zvaakaita; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinofunga kuti kunyange nyika pachayo haizaiva nenzvimbo yemabhuku anganyorwa. Ameni.