ShonaTeam John « 20 »

Kumuka kwaJesu

20Zvino newekutanga wevhiki Maria Magidharini wakasvika mangwanani-ngwanani paguva, kuchakasviba, akaona ibwe rabviswa kubva paguva.

2 Naizvozvo wakamhanya akauya kuna Simoni Petro nekune umwe mudzidzi Jesu waaida, ndokuti kwavari: Vabvisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuradzika.

3 Zvino Petro akabuda neumwe mudzidzi, vakasvika kuguva.

4 Zvino vakamhanya vari vaviri pamwe chete; zvino umwe mudzidzi akamhanya kusiya Petro, akatanga kusvika paguva.

5 Zvino akotama achidongorera, wakaona micheka yerineni yakawaridzwa, asi haana kupinda.

6 Zvino Simoni Petro akasvika achimutevera, akapinda muguva, akaona micheka yerineni yakawaridzwa,

7 nemucheka wekumeso waiva uri mumusoro make, usina kuwaridzwa nemicheka yerineni, asi wakapetwa uri pane imwe nzvimbo wega.

8 Naizvozvo ipapo umwe mudzidzi wakatanga kusvika paguva akapindawo, akaona, akatenda;

9 nokuti vaiva vachigere kunzwisisisa rugwaro, kuti anofanira kumuka kubva kuvakafa.

10 Naizvozvo vadzidzi vakabva vakaendazve kwavo.

Jesu anozviratidza kuna Maria

11 Asi Maria wakamira kunze paguva achichema; zvino wakati achichema akakotama akadongorera muguva,

12 akaona vatumwa vaviri vane nguvo chena vagere, umwe kumusoro, neumwe kutsoka, ipapo pakambenge parere mutumbi waJesu.

13 Ivo ndokuti kwaari: Mukadzi, unochemei? Akati kwavari: Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuradzika.

14 Zvino wakati areva zvinhu izvi akatendeukira kumashure, akaona Jesu amire, asi haana kuziva kuti ndiJesu.

15 Jesu akati kwaari: Mukadzi, unochemei? Unotsvaka ani? Iye achifunga kuti ndiye murimi wemunda, akati kwaari: Ishe, kana imwi mamubvisa, ndiudzei pamamuradzika, uye ini ndichanomutora.

16 Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeuka akati kwaari: Rabhoni! ndiko kuti: Mudzidzisi.

17 Jesu akati kwaari: Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna Baba vangu; asi enda kuvanin'ina vangu, uti kwavari: Ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, naMwari wangu naMwari wenyu.

18 Maria Magidharini akauya ndokuudza vadzidzi kuti waona Ishe, uye wamuudza zvinhu izvi.

Jesu anozviratidza kuvadzidzi Tomasi asipo

19 Zvino ava madekwani nezuva iroro rekutanga revhiki, mikova yapfigwa paiva pakaungana vadzidzi nekutya vaJudha, Jesu akauya akamira pakati, akati kwavari: Rugare kwamuri.

20 Zvino wakati ataura izvi akavaratidza zvanza nerutivi rwake. Naizvozvo vadzidzi vakafara vachiona Ishe.

21 Naizvozvo Jesu akatizve kwavari: Rugare kwamuri; Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumai.

22 Zvino wakati areva izvi akafuridzira kwavari, ndokuti kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene.

23 Vose vamunokanganwira zvivi, vazvikanganwirwa; vose vamunobata zvavo zvabatwa.

Jesu anozviratidza kuvadzidzi Tomasi avapo

24 Asi Tomasi, umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Dhidhimo, waiva asipo navo Jesu paakauya.

25 Naizvozvo vamwe vadzidzi vakati kwaari: Taona Ishe. Asi iye wakati kwavari: Kana ndisingaoni vanga rembambo muzvanza zvake, nekuisa munwe wangu muvanga rembambo, nekuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.

26 Zvino mushure memazuva masere vadzidzi vake vaiva vari mukatizve, naTomasi anavo. Jesu akauya, mikova yakapfigwa, ndokumira pakati akati: Rugare kwamuri.

27 Ipapo akati kuna Tomasi: Uisa munwe wako pano uone zvanza zangu; uuise ruoko rwako uise murutivi rwangu, usava asingatendi, asi anotenda.

28 Zvino Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu naMwari wangu!

29 Jesu akati kwaari: Nokuti wandiona, Tomasi, watenda; vakaropafadzwa vasina kuona asi vatenda.

30 Zvino zvirokwazvo Jesu wakaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pevadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri.

31 Asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiKristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti muchitenda muve neupenyu muzita rake.