ShonaTeam John « 18 »

Kusungwa kwaJesu

18Jesu areva zvinhu izvi wakabudira mhiri kwerukova Kedhironi nevadzidzi vake, paiva nebindu, maakapinda iye nevadzidzi vake.

2 NaJudhasiwo, wakamutengesa, waiva achiziva nzvimbo iyi; nokuti Jesu kazhinji waiunganapo nevadzidzi vake.

3 Naizvozvo Judhasi, atora boka remauto, nemapurisa kubva kuvapristi vakuru nevaFarisi, wakauyapo nemwenje nemarambi nezvombo.

4 Naizvozvo Jesu, achiziva zvinhu zvose zvaizomuwira, wakabuda akati kwavari: Ndiani wamunotsvaka?

5 Vakamupindura vakati: Jesu muNazareta. Jesu akati kwavari: Ndini. NaJudhasiwo wakamutengesa waiva amire navo.

6 Zvino wakati achiti kwavari: Ndini; vakasudurukira shure, vakawira pasi.

7 Zvino akavabvunzazve achiti: Ndiani wamunotsvaka? Ivo vakati: Jesu muNazareta.

8 Jesu akapindura achiti: Ndakuudzai kuti ndini iye; naizvozvo kana muchitsvaka ini, regai ava vaende;

9 kuti shoko rizadziswe raakareva rekuti: Vamakapa kwandiri, handina kurasa umwe wavo.

10 Naizvozvo Simoni Petro ane munondo wakauvhomora ndokutema muranda wemupristi mukuru, ndokugura nzeve yake yerudyi. Uye zita remuranda uyo raiva Marikosi.

11 Naizvozvo Jesu wakati kuna Petro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe Baba wavakandipa, handingatongounwi here?

Jesu anoiswa kuna Anasi

12 Zvino boka remauto nemukuru wechuru nemapurisa evaJudha vakabata Jesu, vakamusunga,

13 ndokutanga kumuendesa kuna Anasi; nokuti waiva ari mukarahwa waKayafasi, waiva mupristi mukuru gore iroro.

14 Zvino Kayafasi ndiye waiva araira vaJudha, kuti zvakanaka kuti munhu umwe afire rudzi.

Kuramba kwaPetro

15 Zvino Simoni Petro wakatevera Jesu, neumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu waizikanwa nemupristi mukuru, akapinda naJesu muchivanze chemupristi mukuru;

16 asi Petro waiva amire pamukova panze. Naizvozvo kwakabuda umwe mudzidzi waizikanwa nemupristi mukuru, akataura nemurindikadzi wemukova, ndokupinza Petro.

17 Zvino murandakadzi murindi wemukova akati kuna Petro: Iwewo hausi umwe wevadzidzi vemunhu uyu here? Iye akati: Handisi.

18 Zvino varanda nemapurisa vaiva vamire vavesa moto wemazimbe, nokuti kwaitonhora, uye vaidziya. Petrowo akamira navo achidziya.

19 Naizvozvo mupristi mukuru wakabvunza Jesu nezvevadzidzi vake, nezvedzidziso yake.

20 Jesu akamupindura akati: Ini ndakataura pachena kunyika; ini ndaidzidzisa nguva dzose musinagoge nemutembere, panoungana vaJudha nguva dzose, uye handina kureva chinhu pakavanda.

21 Unobvunzirei ini? Bvunza avo vainzwa, zvandaitaura kwavari; tarira, ndivo vanoziva ini zvandakareva.

22 Wakati areva zvinhu izvi, umwe wemapurisa waiva amirepo akarova Jesu nembama, achiti: Ko unopindura mupristi mukuru saizvozvo?

23 Jesu akamupindura akati: Kana ndareva zvakaipa, pupura zvezvakaipa zvacho; asi kana zvakanaka, wandiroverei?

24 Zvino Anasi akamutumira akasungwa kuna Kayafasi mupristi mukuru.

25 Zvino Simoni Petro waiva amire achidziya moto; naizvozvo vakati kwaari: Hausi iwewo umwe wevadzidzi vake here? Iye akaramba, akati: Handisi.

26 Umwe wevaranda vemupristi mukuru, ari hama yewenzeve Petro yaakagura akati: Ini handina kukuona mubindu unaye here?

27 Naizvozvo Petro akarambazve; zvino pakarepo jongwe rakarira.

Jesu pamberi paPirato

28 Zvino vakabvisa Jesu kuna Kayafasi vakamuisa kuimba yemutungamiriri; uye aiva mambakwedza, asi ivo havana kupinda mumba memutungamiriri, kuti varege kusvibiswa, asi kuti vadye pasika.

29 Naizvozvo Pirato akabudira kwavari, akati: Imhosva yei yamunoisa pamunhu uyu?

30 Vakapindura vakati kwaari: Dai uyu asaiva anoita zvakaipa, tingadai tisina kumukumikidza kwamuri.

31 Naizvozvo Pirato wakati kwavari: Mutorei imwi, mumutonge zvinoenderana nemurairo wenyu. Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Hazvisi pamutemo kwatiri kuti tiuraye munhu;

32 kuti shoko raJesu rizadziswe raakareva, achiratidza kuti kufa rudzii kwaaifanira kufa nako.

33 Naizvozvo Pirato wakapindazve mumba memutungamiriri, akadana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo wevaJudha here?

34 Jesu akamupindura akati: Unozvireva izvi pachako here, kana vamwe vakuudza pamusoro pangu?

35 Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJudha here? Rudzi rwako nevapristi vakuru vakukumikidza kwandiri; waitei?

36 Jesu akapindura akati: Ushe hwangu hahuzi hwenyika ino; kana ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kukumikidzwa kuvaJudha; asi zvino ushe hwangu hahusi hwepano.

37 Naizvozvo Pirato wakati kwaari: Saka uri iwe mambo here? Jesu akapindura akati: Unoreva iwe, kuti ini ndiri mambo. Ini ndakaberekerwa izvi, uye ndakauira izvi munyika kuti ndipupurire chokwadi. Umwe neumwe wechokwadi anonzwa inzwi rangu.

38 Pirato akati kwaari: Chokwadi chii? Zvino wakati areva izvi, akabudirazve kuvaJudha, akati kwavari: Ini handiwani mhosva kwaari.

39 Asi mune tsika, kuti ndikusunungurirei umwe papasika; naizvozvo munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wevaJudha here?

40 Ipapo vakadanidzirazve vose, vachiti: Kwete uyu, asi Bharabhasi; zvino Bharabhasi waiva ari gororo.