ShonaTeam John « 17 »

Munyengetero waJesu

17Jesu wakataura zvinhu izvi, ndokusimudzira meso ake kudenga, akati: Baba, awa rasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyuwo akukudzei;

2 sezvo makamupa simba pamusoro penyama yose, kuti vose vamakamupa, avape upenyu husingaperi.

3 Uye uhu upenyu husingaperi, kuti vakuzivei imwi Mwari woga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.

4 Ini ndakakukudzai panyika; ndapedza basa ramakandipa kuti ndiite;

5 uye ikozvino ndikudzei, imwi Baba, kwamuri pachenyu nerukudzo rwandaiva narwo ndinemwi nyika isati yavapo.

6 Ndaratidza zita renyu kuvanhu vamakandipa kubva munyika; vaiva vari venyu, uye makavapa ini; uye vakachengeta shoko renyu.

7 Ikozvino voziva kuti zvose-zvose zvamakandipa, zvinobva kwamuri;

8 nokuti ndakapa kwavari mashoko amakandipa; uye ivo vakagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabuda kwamuri, uye vakatenda kuti imwi makandituma.

9 Ini ndinokumbirira ivo; handikumbiriri nyika, asi avo vamakandipa, nokuti ndevenyu;

10 uye zvose zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; uye ndakakudzwa mavari.

11 Uye handichisiri munyika, asi ava vari munyika; uye ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, vachengetei muzita renyu vamakandipa, kuti vave vamwe, sesu.

12 Pandaiva navo munyika, ini ndaivachengeta muzita renyu; avo vamakandipa, ndikachengetedza, uye hapana umwe wavo wakarasika, kunze kwemwanakomana wekuraswa, kuti rugwaro rwuzadziswe.

13 Asi ikozvino ndinouya kwamuri, uye zvinhu izvi ndinotaura munyika, kuti vave nemufaro wangu wakazadziswa mavari.

14 Ini ndakavapa shoko renyu, uye nyika yakavavenga, nokuti havasi venyika, seni ndisiri wenyika.

15 Handikumbiri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete pane wakaipa.

16 Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.

17 Vaitei vatsvene muchokwadi chenyu; shoko renyu ichokwadi.

18 Sezvamakandituma munyika, neniwo ndavatuma munyika.

19 Uye ini ndinozviita mutsvene nekuda kwavo, kuti ivowo vaitwe vatsvene muchokwadi.

20 Uye handikumbiriri ava chete, asi naivo vachatenda kwandiri neshoko ravo;

21 kuti vose vave umwe; semwi, Baba, mandiri, neni mamuri; kuti ivowo vave umwe matiri; kuti nyika itende kuti imwi makandituma.

22 Nekubwinya kwamakandipa, ini ndakavapa, kuti vave umwe, sesu tiri umwe.

23 Ini mavari, nemwi mandiri, kuti vapedzeredzwe vave umwe; uye kuti nyika izive kuti imwi makandituma, uye makavada, sezvamakandida.

24 Baba, ndinoda kuti ivowo vamakandipa, vave neni apo pandiri ini, kuti vaone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida mavambo enyika asati avapo.

25 Baba vakarurama, nenyika haina kukuzivai, asi ini ndakakuzivai, neava vakaziva kuti imwi makandituma;

26 uye ndakazivisa kwavari zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari, neni mavari.