ShonaTeam John « 16 »

Jesu anovaudza nezvematambudziko anouya

16Zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti murege kugumburwa.

2 Vachakubudisai mumasinagoge; hongu nguva inouya, apo umwe neumwe anokuurayai achafunga kuti anoitira Mwari basa.

3 Uye zvinhu izvi vachazviita kwamuri, nokuti havana kuziva Baba kana ini.

4 Asi zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti kana nguva yasvika, muzvirangarire kuti ini ndakakuudzai. Asi zvinhu izvi handina kuzvireva kwamuri kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemwi.

5 Asi ikozvino ndinoenda kune wakandituma, uye hakuna umwe wenyu anondibvunza, achiti: Munoenda kupi?

6 Asi nokuti ndareva zvinhu izvi kwamuri, kusuruvara kwazadza moyo wenyu.

7 Asi ini ndinokuudzai chokwadi: Zvakanaka kwamuri kuti ini ndiende; nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haazouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.

8 Zvino kana asvika, iye achapwisa nyika nezvechivi, uye nezvekururama, uye nezvemutongo;

9 zvechivi, nokuti havatendi kwandiri;

10 uye zvekururama, nokuti ndinoenda kuna Baba vangu, uye hamuchazondionizve;

11 uye zvemutongo, nokuti mutungamiriri wenyika ino watongwa.

12 Ndichine zvinhu zvizhinji zvekutaura kwamuri, asi hamugoni kuzvitakura ikozvino;

13 asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, achakutungamirirai kuchokwadi chose; nokuti haazozvitauriri pachake, asi choga choga chaanonzwa achataura, uye achakuzivisai zvinhu zvinouya.

14 Iye achandirumbidza, nokuti achatora pane zvangu, uye achazvizivisa kwamuri.

15 Zvose Baba zvavanazvo, ndezvangu; ndokusaka ndichiti achatora pane zvangu, agozivisa kwamuri.

16 Kwechinguvana uye hamuchandioni, uye kwechinguvanazve muchandiona, nokuti ini ndinoenda kuna Baba.

17 Zvino vamwe vevadzidzi vake vakataurirana vachiti: Chii ichi chaanoreva kwatiri: Kwechinguvana, hamuchandioni; uyezve kwechinguvana muchandiona; uye: Nokuti ini ndinoenda kuna Baba?

18 Naizvozvo vakati: Chii ichi chaanoreva: Chinguvana? Hatizivi chaanoreva.

19 Zvino Jesu waiziva kuti vaiva vachishuva kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana pamusoro pezvizvi here kuti ndati: Kwechinguvana hamuchandioni, uyezve kwechinguvana muchandiona?

20 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Imwi muchachema nekurira, asi nyika ichafara; uye imwi muchava nekusuruvara, asi kusuruvara kwenyu kuchava mufaro.

21 Mukadzi kana achisununguka ane marwadzo, nokuti awa rake rasvika; asi kana angopona mucheche, haacharangaririzve marwadzo, nekufara kuti munhu waponwa panyika.

22 Naizvozvo nemwi ikozvino mune kusuruvara; asi ndichazokuonaizve, nemoyo wenyu uchafara; uye hakuna munhu anokutorerai mufaro wenyu.

23 Zvino nezuva iro hamuchazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchakumbira kuna Baba muzita rangu vachakupai.

24 Kusvika ikozvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadzwe.

25 Zvinhu izvi ndataura kwamuri mumadimikira; nguva inouya apo ndisingazotaurizve kwamuri nemadimikira, asi ndichakuudzai pachena nezvaBaba.

26 Pazuva iro muchakumbira muzita rangu; uye handirevi kwamuri kuti ini ndichakukumbirirai kuna Baba;

27 nokuti Baba pachavo vanokudai, nokuti imwi makandida, mukatenda kuti ini ndakabuda kuna Mwari.

28 Ndakabuda kuna Baba, uye ndakauya panyika; ndinobvazve panyika, uye ndinoenda kuna Baba.

29 Vadzidzi vake vakati kwaari: Tarirai ikozvino motaura pachena, uye munotaura pasina dimikira.

30 Zvino tinoziva kuti munoziva zvinhu zvose, uye hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; neizvozvi tinotenda kuti makabuda kuna Mwari.

31 Jesu akavapindura akati: Ikozvino munotenda here?

32 Tarirai, awa rinouya, hongu ikozvino rasvika, rekuti muchaparadzirwa, umwe neumwe kune zvake, uye mundisiye ndega; izvo handisi ndega, nokuti Baba vaneni.

33 Ndareva zvinhu izvi kwamuri, kuti muve nerugare mandiri. Munyika muchava nedambudziko; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika.