ShonaTeam John « 15 »

Muzambiringa nematavi

15Ini ndiri muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi.

2 Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki chibereko, vanoribvisa; uye rimwe nerimwe rinobereka chibereko, vanorichekerera, kuti riwedzere kubereka chibereko.

3 Imwi matochena neshoko randataura kwamuri.

4 Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka chibereko pacharo, kana risingagari mumuzambiringa, saizvozvo kwete nemwi, kana musingagari mandiri.

5 Ini ndiri muzambiringa, imwi matavi. Anogara mandiri, neni maari, ndiye anobereka chibereko chakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.

6 Kana munhu asingagari mandiri, anoraswa kunze sedavi, ndokusvava, vanoaunganidza, ndokukandira mumoto, apiswe.

7 Kana muchigara mandiri, nemashoko angu achigara mamuri, muchakumbira chero zvamunoda, uye muchazviitirwa.

8 Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti mubereke chibereko chakawanda; uye muchava vadzidzi vangu.

9 Baba sezvavakandida, iniwo ndakakudai; garai murudo rwangu.

10 Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndakachengeta mirairo yaBaba vangu, ndinogara murudo rwavo.

11 Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, uye mufaro wenyu uzare.

12 Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudanane, sezvandakakudai.

13 Hakuna ane rudo rukuru kune urwu, kuti munhu anoradzikira pasi shamwari dzake upenyu hwake.

14 Imwi muri shamwari dzangu, kana muchiita chipi nechipi ini chandinokurairai.

15 Handichakuidziizve varanda, nokuti muranda haazivi ishe wake chaanoita; asi ndakuidzai shamwari; nokuti zvose zvandakanzwa naBaba vangu, ndakakuzivisai.

16 Imwi hamuna kundisarudza, asi ini ndakakusarudzai, ndikakugadzai, kuti imwi muende mubereke chibereko, uye chibereko chenyu chigare; kuti chipi nechipi chamunokumbira kuna Baba muzita rangu, vakupei.

17 Izvi zvinhu ndinokurairai, kuti mudanane.

18 Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yavenga ini isati yakuvengai imwi.

19 Dai maiva venyika, nyika yaida zvayo pachayo; asi nokuti hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kubva panyika, naizvozvo nyika inokuvengai.

20 Rangarirai shoko ini randakareva kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake. Kana vakashusha ini, vachashusha imwiwo; kana vakachengeta shoko rangu vachachengeta renyuwo.

21 Asi izvi zvose vachakuitirai nekuda kwezita rangu, nokuti havamuzivi wakandituma.

22 Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chivi; asi ikozvino havana manzvengero pachivi chavo.

23 Anondivenga, anovenga Baba vanguwo.

24 Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina umwe wakaaita, vangadai vasina chivi; asi ikozvino vakaona ndokuvenga zvose ini naBaba vangu.

25 Asi kuti shoko rizadziswe rakanyorwa pamurairo wavo, rinoti: Vakandivenga pasina chikonzero.

26 Asi kana Munyaradzi auya, ini wandichatumira kwamuri kubva kuna Baba, Mweya wechokwadi, unobuda kuna Baba, uyu achapupura nezvangu.

27 Nemwiwo muchapupura, nokuti maiva neni kubva pakutanga.