ShonaTeam John « 12 »

Maria anozodza tsoka dzaJesu nemafuta

12Zvino mazuva matanhatu pasika isati yasvika Jesu wakasvika Bhetaniya, paiva naRazaro waiva afa, waakamutsa kubva kuvakafa.

2 Naizvozvo vakamuitira chirairo ipapo, uye Marita waishandira; naRazaro waiva ari umwe wevaiva vagere naye pakudya.

3 Zvino Maria akatora paundi* yemafuta enaridho* amene, ane mutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nekunhuhwira kwemafuta.

4 Naizvozvo umwe wevadzidzi vake, Judhasi Isikariyoti waSimoni waiva achazomutengesa, akati:

5 Mafuta awa aregerei kutengeswa nemadhenario* mazana matatu, akapiwa varombo?

6 Wakarevawo izvi, kwete kuti wakava nehanya nevarombo, asi nokuti waiva mbavha, uye waiva nechikwama, achitakura zvaiiswamo.

7 Naizvozvo Jesu wakati: Muregei; wamachengetedzera zuva rekuvigwa kwangu.

8 Nokuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose.

9 Naizvozvo chaunga chikuru chevaJudha chakaziva kuti aripo; ndokuuya kwete nekuda kwaJesu chete, asi kuti vaonewo Razaro, waaiva amutsa kubva kuvakafa.

10 Asi vapristi vakuru vakarangana kuti vauraye Razarowo;

11 nokuti nekuda kwake vazhinji vevaJudha vaibva, vachitenda kuna Jesu.

Jesu anogamuchirwa paJerusarema

12 Chifume chaunga chikuru chaiva chauya kumutambo, chakati chanzwa kuti Jesu anouya kuJerusarema,

13 vakatora matavi emichindwe, vakabuda kunomuchingamidza, vakadanidzira vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe, Mambo waIsraeri.

14 Zvino Jesu awana dhongwana, akagara pamusoro paro, sezvazvakanyorwa zvichinzi:

15 Usatya, mukunda weZiyoni; tarira, Mambo wako anouya, agere pamusoro pedhongwana rembongoro.

16 Vadzidzi vake havana kunzwisisa zvinhu izvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, ipapo vakazorangarira kuti zvinhu izvi zvaiva zvakanyorwa pamusoro pake, uye vaiva vamuitira zvinhu izvi.

17 Naizvozvo chaunga chaiva naye paakadana Razaro kuti abude muguva, nekumumutsa kubva kuvakafa, chakapupura.

18 Saka chaunga chakamuchingamidzawo, nokuti vaiva vanzwa kuti wakaita chiratidzo ichochi.

19 Naizvozvo vaFarisi vakataurirana, vachiti: Munoona kuti hamubatsiri chinhu; tarirai nyika inomutevera.

Jesu anovaudza zverufu rwake nekukudzwa kwake

20 Zvino kwaiva nevamwe vaGiriki pakati pevaiva vakwira kuti vanonamata kumutambo;

21 ava ndokuuya kuna Firipi aibva Bhetisaidha reGarirea, vakamukumbira vachiti: Ishe, tinoda kuona Jesu.

22 Firipi akasvika akaudza Andiriya; uye Andiriya naFiripi vakaudzazve Jesu.

23 Jesu ndokuvapindura achiti: Awa rasvika rekuti Mwanakomana wemunhu akudzwe.

24 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti tsanga yegorosi yawira muvhu ikafa, iyo inogara iri yega; asi kana ikafa, inobereka chibereko chakawanda.

25 Anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo; neanovenga upenyu hwake panyika ino achahuchengetedza kusvika kuupenyu husingaperi.

26 Kana munhu achindishandira, ngaanditevere; nepandiri ini, achavapowo muranda wangu. Uye kana munhu achindishandira, Baba vachamukudza.

27 Ikozvino mweya weupenyu wangu unotambudzika; zvino ndichatii? Baba, ndiponesei paawa rino. Asi nekuda kweizvi ndasvika paawa rino.

28 Baba, kudzai zita renyu. Naizvozvo inzwi rakauya richibva kudenga, richiti: Ndarikudzawo, uye ndicharikudzazve.

29 Naizvozvo chaunga chaiva chimire chichizvinzwa chakati: Kwatinhira. Vamwe vakati: Mutumwa wataura naye.

30 Jesu akapindura akati: Inzwi iri harina kuuya nekuda kwangu, asi nekuda kwenyu.

31 Ikozvino pane mutongo wenyika ino; ikozvino mutungamiriri wenyika ino achadzingirwa panze.

32 Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri.

33 Wakarevawo izvi achiratidza kuti waizofa nerufu rwakadini.

34 Chaunga chakamupindura chichiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu achagara nekusingaperi; zvino imwi moreva sei kuti: Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa? Ndiani uyu Mwanakomana wemunhu?

35 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Pachine chinguvana chiedza chichinemwi. Fambai muchine chiedza, zvimwe rima ringakukundai; uye anofamba murima haazivi kwaanoenda.

36 Muchine chiedza, tendai kuchiedza, kuti muve vana vechiedza. Jesu wakareva zvinhu izvi, akabva, akazvivanza kwavari.

37 Kunyange aiva aita zviratidzo zvizhinji kudai pamberi pavo, havana kutenda kwaari;

38 kuti shoko raIsaya muporofita rizadziswe, raakareva achiti: Ishe, ndiani wakatenda mharidzo yedu? Neruoko rwaIshe rwakazarurirwa kuna ani?

39 Naizvozvo vaiva vasingagoni kutenda, nokuti Isaya wakatizve:

40 Wakapofumadza meso avo, akaomesa moyo wavo; kuti varege kuona nemeso kana kunzwisisa nemoyo, vagotendeuka, ndigovaporesa.

41 Isaya wakareva zvinhu izvi, paakaona kubwinya kwake, ndokutaura pamusoro pake.

42 Asi kunyange zvakadaro, vazhinji vevatongiwo vakatenda kwaari; asi nekuda kwevaFarisi vaiva vasingabvumi, kuti varege kubudiswa musinagoge;

43 nokuti vakada rukudzo rwevanhu kupfuura rukudzo rwaMwari.

44 Zvino Jesu wakadanidzira akati: Anotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kune wakandituma.

45 Neanoona ini, anoona wakandituma.

46 Ini ndakauya ndiri chiedza panyika, kuti ani nani anotenda kwandiri arege kugara murima.

47 Uye kana ani nani achinzwa mashoko angu akasatenda, handimutongi ini; nokuti handina kuuya kuti nditonge nyika, asi kuti ndiponese nyika.

48 Uyo anondiramba asingagamuchiri mashoko angu, ane anomutonga; shoko randakareva, ndiro richamutonga nezuva rekupedzisira.

49 Nokuti ini handina kureva zvemusoro wangu, asi Baba vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura.

50 Uye ndinoziva kuti murairo wavo upenyu husingaperi; naizvozvo ini zvandinotaura, saBaba zvavakataura kwandiri, saizvozvo ndinotaura.