ShonaTeam John « 10 »

Mufudzi wakanaka

10Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Asingapindi napamukova mudanga remakwai, asi anokwira nekumwe, ndiye mbavha negororo.

2 Zvino anopinda nepamukova mufudzi wemakwai.

3 Murindi wemukova anomuzarurira, nemakwai anonzwa inzwi rake, uye anodana makwai ake nezita, nekuatungamirira kunze.

4 Uye kana abudisa makwai ake, anoatungamirira; nemakwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake.

5 Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi revaeni.

6 Jesu wakareva dimikira iri kwavari; asi ivo havana kunzwisisa kuti zvinhui zvaakataura kwavari.

7 Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ini ndiri mukova wemakwai;

8 vose vakanditangira kuuya imbavha nemakororo, asi makwai haana kuvanzwa.

9 Ini ndiri mukova; kana munhu achipinda neni, achaponeswa, achapinda nekubuda, nekuwana mafuro.

10 Mbavha haiuyi asi kungozoba nekuuraya nekuparadza; ini ndakauya, kuti vave neupenyu, uye vave nehunopfachukira.

11 Ini ndiri mufudzi wakanaka. Mufudzi wakanaka anoradzikira pasi makwai upenyu hwake.

12 Asi muricho, asati ari mufudzi, makwai asati ari ake pachake, anoona bumhi richiuya, akasiya makwai, ndokutiza; bumhi rinoabata, nekuparadzira makwai.

13 Muricho anotiza nokuti muricho, uye haana hanya nemakwai.

14 Ini ndiri mufudzi wakanaka, uye ndinoziva angu, ndinozikanwa neangu.

15 Baba sezvavanondiziva, neni ndinoziva Baba; zvino ndinoradzikira pasi makwai upenyu hwangu.

16 Nemamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawo, achanzwa inzwi rangu; uye rive boka rimwe, mufudzi umwe.

17 Nekuda kwaizvozvo Baba vanondida, nokuti ini ndinoradzika upenyu hwangu pasi, kuti ndihutorezve.

18 Hakuna angahutora kubva kwandiri, asi ini ndinohuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rekuhuradzika pasi, uye simba ndinaro rekuhutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kuna Baba vangu.

19 Naizvozvo kukavapozve kupesana pakati pevaJudha nekuda kwemashoko awa.

20 Vazhinji vavo vakati: Ane dhimoni uye anopenga; munomuteererei?

21 Vamwe vakati: Mashoko awa haasi eane dhimoni; ko dhimoni ringagona kusvinudza meso emapofu here?

Jesu anoudza vaJudha kuti ndiye Kristu

22 Zvino paiva nemutambo wekuvandudza paJerusarema, chaiva chando;

23 Jesu ndokufamba-famba mutembere muberere raSoromoni.

24 Zvino vaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Kusvika rinhi uchigara wakaremberedza mweya wedu? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.

25 Jesu akavapindura akati: Ndakakuudzai, asi hamuna kutenda; mabasa andinoita ini muzita raBaba vangu ndiwo anopupura nezvangu;

26 asi imwi hamutendi; nokuti hamusi vemakwai angu, sezvandakareva kwamuri.

27 Makwai angu anonzwa inzwi rangu, neni ndinoaziva, uye anonditevera;

28 uye ini ndinoapa upenyu husingaperi; uye haachatongoparari nekusingaperi, uye hakuna umwe achaabvuta muruoko rwangu.

29 Baba vangu vakandipa iwo vakuru kune vose; uye hakuna anogona kuabvuta muruoko rwaBaba vangu.

30 Ini naBaba tiri umwe.

31 Naizvozvo vaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake.

32 Jesu akavapindura akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kubva kuna Baba vangu; nderipi remabasa awa ramunonditakira?

33 VaJudha vakamupindura vachiti: Hatikutakiri basa rakanaka, asi kunyomba; uye nokuti iwe uri munhu unozviita Mwari.

34 Jesu akavapindura akati: Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ini ndakati: Muri vamwari?

35 Kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye rugwaro harwugoni kuputswa;

36 imwi munoti kune uyo Baba vakamuita mutsvene vakamutuma panyika: Unonyomba, nokuti ndati: Ndiri Mwanakomana waMwari?

37 Kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, musanditenda.

38 Asi kana ndichiaita, kunyange musingatendi ini, tendai mabasa; kuti muzive nekutenda kuti Baba vari mandiri, neni mavari.

39 Zvino vakatsvakazve kumubata; asi wakabuda paruoko rwavo.

Jesu anondogara mhiri kwaJoridhani

40 Zvino akaendazve mhiri kwaJoridhani kunzvimbo Johwani kwaaibhabhatidza pakutanga; ndokugarapo.

41 Zvino vazhinji vakauya kwaari vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi chose Johwani chaakareva pamusoro peuyu chaiva chokwadi.

42 Vazhinji ndokutenda kwaari ipapo.