ShonaTeam John « 8 »

Mukadzi wakabatwa achifeva

8Asi Jesu wakaenda kugomo reMiorivhi.

2 Zvino mangwanani-ngwanani wakauyazve kutembere, vanhu vose ndokuuya kwaari; iye ndokugara pasi akavadzidzisa.

3 Zvino vanyori nevaFarisi vakauya kwaari nemukadzi wakabatwa mukufeva, vakati vamumisa pakati,

4 vakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wabatwa achifeva, pachiitiko chaipo;

5 zvino Mozisi pamurairo wakatiraira kuti vakadaro vatakwe nemabwe; naizvozvo imwi munoti kudini?

6 Asi izvozvi vakareva vachimuedza, kuti vave nechavangamupomera. Asi Jesu wakakotamira pasi, akanyora pasi nemunwe, seasina kuvanzwa.

7 Zvino vakati vachiramba vachimubvunza, akatasamuka akati kwavari: Asina chivi pakati penyu, ngaatange kukanda ibwe kwaari.

8 Zvino akakotamirazve pasi, akanyora pasi.

9 Zvino ivo vanzwa, vachipiwa mhosva nehana yavo, vakabuda umwe-umwe, kutanga kuvakuru kusvika kune vekupedzisira; Jesu akasara ari oga, nemukadzi amire pakati.

10 Jesu wakati atasamuka, akasaona munhu asi mukadzi, akati kwaari: Mai, varipi vaya vapomeri vako? Hakuna wakupa mhosva here?

11 Iye ndokuti: Hakuna, Ishe. Jesu ndokuti kwaari: Neni handikupi mhosva. Enda, usachitadzazve.

Jesu chiedza chenyika

12 Naizvozvo Jesu wakataurazve kwavari, achiti: Ini ndiri chiedza chenyika; anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza cheupenyu.

13 Naizvozvo vaFarisi vakati kwaari: Iwe unopupura nezvako; uchapupu hwako hahuna chokwadi.

14 Jesu akapindura akati kwavari: Kunyange ndichipupura nezvangu ini, uchapupu hwangu ndehwechokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, uye kwandinoenda; asi imwi hamuzivi kwandakabva, uye kwandinoenda.

15 Imwi munotonga maererano nenyama; ini handitongi munhu.

16 Asi kunyange ini ndichitonga, kutonga kwangu ndekwechokwadi; nokuti handisi ndega, asi ini naBaba vakandituma.

17 Uye mumurairo wenyu makanyorwa kuti uchapupu hwevanhu vaviri ndehwechokwadi.

18 Ndini ndinopupura nezvangu, naBaba vakandituma vanopupura nezvangu.

19 Naizvozvo vakati kwaari: Baba vako varipi? Jesu akapindura akati: Hamuzivi ini, kana Baba vangu. Dai maindiziva ini, mungadai maiziva Baba vanguwo.

20 Jesu wakataura mashoko awa muchivigiro chezvipo, achidzidzisa mutembere; asi hakuna munhu wakamubata, nokuti awa rake raiva risati rasvika.

21 Naizvozvo Jesu wakatizve kwavari: Ini ndinoenda, uye muchanditsvaka, uye mukafira muzvivi zvenyu; ini pandinoenda, imwi hamugoni kuuyapo.

22 Naizvozvo vaJudha vakati: Achazviuraya kanhi? Nokuti anoti: Pandinoenda ini, imwi hamugoni kuuyapo?

23 Zvino akati kwavari: Imwi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro; imwi munobva panyika ino, ini handibvi panyika ino.

24 Naizvozvo ndareva kwamuri kuti muchafira muzvivi zvenyu; nokuti kana musinganditendi kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.

25 Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Jesu ndokuti kwavari: Ndizvo zvandakuudzaiwo kubva pakutanga.

26 Ndine zvinhu zvizhinji zvekutaura nekutonga pamusoro penyu; asi wakandituma ndewechokwadi, uye izvo zvandakanzwa ini kwaari ndizvo zvandinotaura kunyika.

27 Havana kunzwisisa kuti anotaura kwavari zvaBaba.

28 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Kana masimudza Mwanakomana wemunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye handiiti chinhu pachangu, asi Baba vangu sezvavakandidzidzisa, ndinotaura zvinhu izvi.

29 Zvino iye wakandituma aneni; Baba havana kundisiya ndega, nokuti ini ndinoita nguva dzose zvinovafadza.

30 Achiri kutaura izvi, vazhinji vakatenda kwaari.

31 Naizvozvo Jesu wakati kuvaJudha vakatenda kwaari: Kana imwi muchirambira mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo;

32 uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.

33 Vakamupindura vakati: Tiri mbeu yaAbhurahama, uye hatina kutongova varanda vemunhu; iwe unoreva sei kuti: Muchava vakasunungurwa?

34 Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ani nani anoita chivi muranda wechivi.

35 Uye muranda haagari mumba nekusingaperi; mwanakomana anogara nekusingaperi.

36 Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo.

37 Ndinoziva kuti muri mbeu yaAbhurahama; asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri.

38 Ini ndinotaura izvo zvandakaona kuna Baba vangu; naizvozvo nemwi munoita izvo zvamakaona kuna baba venyu.

39 Vakapindura vakati kwaari: Baba vedu ndiAbhurahama. Jesu akati kwavari: Dai maiva vana vaAbhurahama, maiita mabasa aAbhurahama.

40 Asi ikozvino munotsvaka kundiuraya, munhu wakakuudzai chokwadi, chandakanzwa kuna Mwari; izvo Abhurahama haana kuzviita.

41 Imwi munoita mabasa ababa venyu. Naizvozvo vakati kwaari: Hatina kuberekwa neupombwe isu; tina Baba vamwe, Mwari.

42 Jesu akati kwavari: Dai Mwari aiva Baba venyu, maindida; nokuti ini ndakabuda ndichibva kuna Mwari; nokuti handina kuzviuyira, asi iye wakandituma.

43 Sei musinganzwisisi nhaurwa yangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu.

44 Imwi muri vababa venyu dhiabhorosi, munoda kuita zvishuvo zvababa venyu. Iye waiva ari mhondi kubva pakutanga, asingagari muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achitaura nhema, anotaura pachake; nokuti mutauri wenhema uye baba vadzo.

45 Asi nokuti ini ndinoreva chokwadi, hamunditendi.

46 Ndiani kwamuri angandipomera pamusoro pechivi? Uye kana ndichireva chokwadi, imwi munoregerei kunditenda?

47 Uyo anobva kuna Mwari anonzwa mashoko aMwari; naizvozvo imwi hamunzwi, nokuti hamubvi kuna Mwari.

48 Naizvozvo vaJudha vakapindura vakati kwaari: Isu hatina kureva kwazvo here kuti iwe uri muSamariya, uye une dhimoni?

49 Jesu akapindura, akati: Ini handina dhimoni, asi ndinokudza Baba vangu; asi imwi munondizvidza.

50 Asi ini handitsvaki rumbidzo yangu; ariko anotsvaka nekutonga.

51 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu nekusingaperi.

52 Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Ikozvino toziva kuti une dhimoni; Abhurahama wakafa, nevaporofita, asi iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongoraviri rufu nekusingaperi.

53 Iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahama vakafa here? Nevaporofita vakafa; iwe unozviita ani?

54 Jesu akapindura akati: Kana ini ndichizvikudza, rukudzo rwangu harwusi chinhu; ndiBaba vangu vanondikudza, avo imwi vamunoti ndiMwari wenyu.

55 Uye hamuna kuvaziva; asi ini ndinovaziva; uye kana ndikati handivazivi, ndichava murevi wenhema semwi; asi ndinovaziva, ndinochengeta shoko ravo.

56 Baba venyu Abhurahama vakafara kuona zuva rangu, uye vakariona vakapembera.

57 Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Hausati wava nemakore makumi mashanu, zvino wakaona Abhurahama here?

58 Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abhurahama asati avapo, ini ndiripo.

59 Ipapo vakanonga mabwe kuti vaposhere kwaari; asi Jesu wakazvivanza, akabuda mutembere, achigura nepakati pavo; akapfuura saizvozvo.