ShonaTeam John « 7 »

Kusatenda kwevanin'ina vaJesu

7Shure kwezvinhu izvi Jesu wakafamba-famba muGarirea; nokuti waiva asingadi kufamba-famba muJudhiya, nokuti vaJudha vaiva vachitsvaka kumuuraya.

2 Zvino mutambo wevaJudha, mutambo wematende waiva waswedera.

3 Naizvozvo vanin'ina vake vakati kwaari: Ibvai pano muende muJudhiya, kuti vadzidzi venyuwo vaone mabasa enyu amunoita.

4 Nokuti hakuna umwe anoita chinhu muchivanze, iye amene achitsvakawo kuva pachena. Kana uchiita zvinhu izvi, zviratidze kunyika.

5 Nokuti kunyange vanin'ina vake vaiva vasingatendi kwaari.

6 Naizvozvo Jesu akati kwavari: Nguva yangu haisati yasvika, asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa.

7 Nyika haigoni kukuvengai; asi ini inondivenga, nokuti ini ndinopupura nezvayo, kuti mabasa ayo akaipa.

8 Kwirai imwi kumutambo uyu; ini handisati ndokwira kumutambo uyu, nokuti nguva yangu haisati yazadzisika.

9 Wakati areva zvinhu izvi kwavari, akagara muGarirea.

Jesu pamutambo wematumba

10 Asi vanin'ina vake vakati vakwira, naiye akabva okwira kumutambo, kwete pachena, asi panenge sepachivande.

11 Zvino vaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati: Aripi uya?

12 Kwakavapo kun'un'una kwakawanda pakati pezvaunga pamusoro pake. Vamwe vachiti: Wakanaka. Asi vamwe vachiti: Kwete, asi anotsausa chaunga.

13 Kunyange zvakadaro kwaiva kusina munhu wakataura pachena pamusoro pake nekutya vaJudha.

14 Zvino pava pakati pemutambo, Jesu akakwira kutembere, akadzidzisa.

15 Zvino vaJudha vakashamisika vachiti: Uyu anoziva sei magwaro asina kudzidza?

16 Jesu akavapindura akati: Dzidziso yangu haisi yangu, asi yake wakandituma.

17 Kana munhu achida kuita chido chake, achaziva zvedzidziso kana ichibva kuna Mwari, kana kuti ini ndinotaura zvangu.

18 Anozvitaurira zvake, anotsvaka rumbidzo yake pachake; asi anotsvaka rumbidzo yewakamutuma, ndiye wechokwadi, uye hapana kusarurama maari.

19 Mozisi haana kukupai murairo here? Asi hakuna wenyu anoita murairo. Munotsvakirei kundiuraya?

20 Chaunga chikapindura chikati: Une dhimoni; ndiani anotsvaka kukuuraya?

21 Jesu akapindura akati kwavari: Ndakaita basa rimwe, uye munoshamisika mose.

22 Naizvozvo Mozisi wakakupai dzingiso (kusiri kuti yakabva kuna Mozisi, asi kumadzibaba), zvino nesabata munodzingisa munhu.

23 Kana munhu nesabata achigamuchira dzingiso, kuti murairo waMozisi urege kutyorwa, munonditsamwira nokuti ndaporesa munhu zvakaperera nesabata here?

24 Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai kutonga kwakarurama.

25 Vamwe veveJerusarema ndokuti: Uyu haasiye wavanotsvaka kuuraya here?

26 Asi tarira, anotaura pachena, asi havarevi chinhu kwaari. Ko vatungamiriri vanoziva zvechokwadi here kuti ndiye Kristu chaiye?

27 Asi uyu tinoziva kwaanobva; asi Kristu kana achisvika, hakuna angaziva kwaanobva.

28 Naizvozvo Jesu wakadanidzira mutembere achidzidzisa achiti: Nemwi munoziva ini, uye munoziva kwandakabva; uye handina kuzviuira, asi wakandituma ndewechokwadi, wamusingazivi imwi.

29 Asi ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari, uye iye wakandituma.

30 Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi hakuna wakaisa ruoko paari, nokuti awa rake raiva risati rasvika.

31 Asi vazhinji vechaunga vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achisvika, achaita zviratidzo zvizhinji kune izvi uyu zvaaita here?

32 VaFarisi vakanzwa chaunga chichin'un'una zvinhu izvi pamusoro pake; vaFarisi nevapristi vakuru ndokutuma vabatsiri kuti vamubate.

33 Naizvozvo Jesu akati kwavari: Ndichinemwi chinguvana, ndoenda kune wakandituma.

34 Muchanditsvaka mukasandiwana; uye apo pandiri ini, imwi hamugoni kuuya.

35 Naizvozvo vaJudha vakataurirana vachiti: Uyu oda kuendepi kuti isu tisamuwana? Achaenda kune vakapararira vevaGiriki, adzidzise vaGiriki here?

36 Ishokoi iri raanoti: Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; nerekuti: Pandiri ini, imwi hamugoni kuuya?

37 Zvino nezuva rekupedzisira, iro guru remutambo Jesu wakasimuka akadanidzira achiti: Kana ani nani ane nyota, ngaauye kwandiri anwe.

38 Anotenda kwandiri, rugwaro sezvarwakareva, nzizi dzemvura mhenyu dzichaerera kubva mudumbu rake.

39 Asi izvi wakareva zveMweya wavaizogamuchira vanotenda kwaari; nokuti Mweya Mutsvene waiva asati avapo, nokuti Jesu waiva asati akudzwa.

40 Naizvozvo vazhinji vechaunga vakati vachinzwa shoko iri vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita.

41 Vamwe vakati: Uyu ndiye Kristu. Asi vamwe vakati: Ko Kristu angabva Garirea here?

42 Rugwaro haruna kureva here kuti Kristu achabva kumbeu yaDhavhidhi, nepamusha weBheterehemu paiva naDhavhidhi?

43 Naizvozvo pakava nekupesana pakati pechaunga pamusoro pake.

44 Zvino vamwe vavo vakada kumubata, asi hakuna wakaisa maoko kwaari.

45 Zvino vabatsiri vakaenda kuvapristi vakuru nevaFarisi; ivo vakati kwavari: Nemhaka yei musina kumuuisa?

46 Vabatsiri vakapindura vakati: Hakuna kumbotaura munhu seizvi, semunhu uyu.

47 Zvino vaFarisi vakavapindura vakati: Nemwi matsauswa kanhi?

48 Aripo here wakatenda kwaari kuvatungamiriri kana kuvaFarisi?

49 Asi chaunga ichi chisingazivi murairo chakatukwa.

50 Nikodhimo, uya akauya kwaari usiku, ari umwe wavo, akati kwavari:

51 Murairo wedu unotonga munhu here, kunze kwekuti wambomunzwa nekuziva chaanoita?

52 Vakapindura vakati kwaari: Ko iwewo uri weGarirea here? Nzvera uone kuti hakuna kumuka muporofita kuGarirea.

53 Umwe neumwe ndokuenda kumba kwake.