ShonaTeam John « 5 »

Jesu anoporesa munhu padziva reBhetesidha

5Shure kwezvinhu izvi kwakava nemutambo wevaJudha; Jesu ndokukwira kuJerusarema.

2 Zvino paJerusarema pedo nesuwo regwai pane dziva rinonzi Bhetesidha nechiHebheru, rine maberere mashanu.

3 Mukati mawo maiva murere chaunga chikuru chevarwere, chemapofu, chezvirema, chevakawonyana, vakamirira kubvongodzwa kwemvura.

4 Nokuti mutumwa waiburukira pane imwe nguva mudziva iro, achibvongodza mvura; koti anotanga kupinda shure kwekubvongodzwa kwemvura, waiporeswa, pachirwere chipi zvacho chaainge akabatwa nacho.

5 Zvino kwaivapo umwe munhu waiva nemakore makumi matatu nemasere ane chifo.

6 Jesu wakati amuona arere, achiziva kuti ikozvino waiva ava nenguva refu, akati kwaari: Unoda kuporeswa here?

7 Murwere akamupindura akati: Ishe, handina munhu anondikanda mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi kana ini ndichiuya, umwe anoburukira mberi kwangu.

8 Jesu akati kwaari: Simuka, simudza nhovo yako, ufambe.

9 Zvino pakarepo munhu uyu akaporeswa, ndokusimudza nhovo yake akafamba. Zvino raiva sabata nemusi iwoyo.

10 Naizvozvo vaJudha vakati kune wakaporeswa: Isabata; hazvisi pamutemo kuti utakure nhovo.

11 Akavapindura akati: Uyo wandiporesa, ndiye wati kwandiri: Simudza nhovo yako ufambe.

12 Saka vakamubvunza vachiti: Ndiani munhu uyo wati kwauri: Simudza nhovo yako ufambe?

13 Zvino waiva aporeswa waiva asingazivi kuti ndiani; nokuti Jesu waiva asvova, zvakwaiva nechaunga panzvimbo iyo.

14 Shure kwezvinhu izvi Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira waporeswa; usatadzazve, zvimwe chimwe chakanyanya kuipa chingaitika kwauri.

15 Munhu akabva, akaudza vaJudha kuti ndiJesu wakamuporesa.

16 Zvino nekuda kweizvozvo vaJudha vakashusha Jesu, ndokutsvaka kumuuraya, nokuti wakaita zvinhu izvi nesabata.

17 Asi Jesu wakavapindura akati: Baba vangu vanoshanda kusvika ikozvino, neni ndinoshanda.

18 Naizvozvo nekuda kweizvi vaJudha vakanyanya kutsvaka kumuuraya, nokuti waiva asingadariki sabata chete, asi wakatiwo Mwari ndiBaba vake vomene, achizvienzanisa naMwari.

19 Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mwanakomana haagoni kuita pachake, kunze kwezvaanoona Baba vachichiita; nokuti chero icho chavanoita, ndizvowo saizvozvo Mwanakomanawo zvaanoita.

20 Nokuti Baba vanoda Mwanakomana, uye vanomuratidza zvinhu zvose zvavanoita ivo; vachamuratidzawo mabasa makuru anopfuura awa, kuti imwi mushamisike.

21 Nokuti Baba sezvavanomutsa vakafa vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana anoraramisawo vaanoda.

22 Nokuti naBaba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kose;

23 kuti vose vakudze Mwanakomana sezvavanokudza Baba. Asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma.

24 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anonzwa shoko rangu, nekutenda kune wakandituma, ane upenyu husingaperi; uye haasviki mukupiwa mhosva, asi wapfuura kubva murufu akaenda muupenyu.

25 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Awa rinouya, nazvino ravapo, apo vakafa vachanzwa inzwi reMwanakomana waMwari, uye vanonzwa vachararama.

26 Nokuti Baba sezvavane upenyu mavari pachavo, saizvozvo vakapa kuMwanakomanawo kuti ave neupenyu maari pachake;

27 uye vakamupa simba rekutongawo, nokuti ndiye Mwanakomana wemunhu.

28 Musashamisika nezvizvi; nokuti awa rinouya, apo vose vari mumakuva vachanzwa inzwi rake,

29 zvino vachabuda, avo vakaita zvakanaka, mukumuka kweupenyu; neavo vakaita zvakaipa, mukumuka kwekupiwa mhosva.

30 Ini handigoni kuita chinhu pachangu; sekunzwa kwangu, ndinotonga; uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki chido changu, asi chido chaBaba vakandituma.

31 Kana ini ndichipupura nezvangu, uchapupu hwangu hahusi hwechokwadi.

32 Aripo umwe anopupura nezvangu; uye ndinoziva kuti uchapupu hwaanopupura nezvangu ndehwechokwadi.

33 Imwi makatumira kuna Johwani, uye akapupurira chokwadi.

34 Asi ini handigamuchiri uchapupu hunobva kumunhu, asi ndinoreva zvinhu izvi kuti imwi muponeswe.

35 Iye waiva ari mwenje unopfuta neunovhenekera, nemwi maiva muchishuva kufara kwazvo kwechinguvana muchiedza chake.

36 Asi ini ndine uchapupu ukuru kune hwaJohwani; nokuti mabasa Baba avakandipa kuti ndimapedze, mabasa pachawo ini andinoita, anopupura nezvangu kuti Baba vakandituma.

37 NaBaba vakandituma, ivo vakapupura nezvangu. Hamuna chero nguva kunzwa inzwi rake, kana kuona chimiro chake.

38 Uye hamuna shoko rake rinogara mamuri, nokuti iye waakatuma, uyu imwi hamuna kumutenda.

39 Nzverai magwaro, nokuti imwi munofunga kuti mune upenyu husingaperi maari, uye ndiwo anopupura nezvangu.

40 Asi hamudi kuuya kwandiri, kuti muve neupenyu.

41 Handigamuchiri rukudzo kuvanhu;

42 asi ndinokuzivai imwi, kuti hamuna rudo rwaMwari mamuri.

43 Ini ndauya muzita raBaba vangu, asi hamuna kundigamuchira; kana umwe akauya muzita rake pachake, muchamugamuchira iye.

44 Munogona kutenda sei imwi munogamuchira rukudzo umwe kune umwe, asi musingatsvaki rukudzo rwunobva kuna Mwari oga?

45 Musafunga kuti ini ndichakupai mhosva kuna Baba; ariko anokupai mhosva, ndiye Mozisi wamunovimba naye imwi.

46 Nokuti dai maitenda Mozisi, maitenda ini; nokuti iye wakanyora nezvangu.

47 Asi kana musingatendi magwaro ake, muchatenda sei mashoko angu?