ShonaTeam John « 4 »

Jesu nemukadzi weSamariya

4Naizvozvo Ishe paakaziva kuti vaFarisi vaiva vanzwa kuti Jesu anoita nekubhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johwani,

2 kunyange Jesu pachake waiva asingabhabhatidzi, asi vadzidzi vake,

3 akabva Judhiya, akaendazve muGarirea.

4 Asi waiva achifanira kugura neSamariya.

5 Zvino wakasvika paguta reSamariya rinonzi Sikari, pedo nedunhu Jakobho raaiva apa Josefa mwanakomana wake.

6 Zvino chitubu chaJakobho chaiva chiripo. Naizvozvo Jesu aneta nerwendo wakagara saizvozvo pachitubu. Raiva awa rinenge rechitanhatu.

7 Kwakasvika mukadzi achibva muSamariya kuzochera mvura; Jesu akati kwaari: Ndipe ndinwe.

8 (Nokuti vadzidzi vake vaiva vaenda muguta kunotenga kudya).

9 Naizvozvo mukadzi ari muSamariya wakati kwaari: Sei iwe uri muJudha uchikumbira kunwa kwandiri, mukadzi muSamariya? Nokuti vaJudha havadyidzani nevaSamariya.

10 Jesu akapindura akati kwaari: Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani anoti kwauri: Ndipe ndinwe; ungadai waikumbira kwaari, uye ungadai akupa mvura mhenyu.

11 Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna chinhu chekucheresa, uye tsime rakadzika; zvino munoitora kupi mvura mhenyu?

12 Imwi muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime, vakanwa pariri ivo, nevana vavo, nezvipfuwo zvavo here?

13 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Ani nani anonwa pamvura iyi, achava nenyotazve;

14 asi ani nani anonwa pamvura yandichamupa ini, haachatongozovi nenyota nekusingaperi; asi mvura yandichamupa ichava maari chitubu chemvura, inodzutukira kuupenyu husingaperi.

15 Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuva nenyota, kana kuuya pano kuzochera.

16 Jesu akati kwaari: Enda, unodana murume wako, ugouya pano.

17 Mukadzi akapindura ndokuti: Handina murume. Jesu akati kwaari: Wareva zvakanaka kuti: Handina murume.

18 Nokuti wakava nevarume vashanu, uyo waunaye ikozvino haasi murume wako; apa wareva chokwadi.

19 Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinoona kuti imwi muri muporofita.

20 Madzibaba edu ainamata mugomo iri; asi imwi munoti muJerusarema ndimo munzvimbo munhu yaanofanira kunamatapo.

21 Jesu akati kwaari: Mukadzi, nditende, kuti awa rinouya, ramuchashumira Baba musiri mugomo iri, kana paJerusarema.

22 Imwi munonamata chamusingazivi; isu tinoshumira chatinoziva; nokuti ruponeso rwunobva kuvaJudha.

23 Asi awa rinouya, uye ratova iro, apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nemuchokwadi; nokutiwo Baba vanotsvaka vakadaro kuti vavanamate.

24 Mwari Mweya; neavo vanomunamata vanofanira kunamata mumweya nemuchokwadi.

25 Mukadzi akati kwaari: Ndinoziva kuti Mesiasi anouya anonzi Kristu; kana iye asvika, achatiudza zvinhu zvose.

26 Jesu akati kwaari: Ini ndinotaura kwauri, ndini.

27 Zvino nenguva iyi vadzidzi vake vakasvika, vakashamisika kuti anotaura nemukadzi; asi hakuna umwe wakati: Munotsvakei? Kana: Munotaurirei naye?

28 Naizvozvo mukadzi akasiya chirongo chake, ndokubva oenda muguta, akati kuvanhu:

29 Uyai, muone munhu wandiudza zvinhu zvose zvandakaita; ko uyu haasi iye Kristu here?

30 Naizvozvo vakabuda muguta, vakauya kwaari.

31 Zvichakadaro vadzidzi vakamunyengetedza vachiti: Rabhi*, idyai.

32 Asi iye wakati kwavari: Ini ndine kudya kwekudya kwamusingazivi imwi.

33 Naizvozvo vadzidzi vakataurirana vachiti: Kuti pane umwe wamuvigira zvekudya?

34 Jesu akati kwavari: Zvekudya zvangu ndizvo kuti ndiite chido chewakandituma, nekupedza basa rake.

35 Imwi hamutauri here kuti: Kuchine mwedzi mina, zvino kukohwa kunosvika? Tarirai, ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, muone minda, kuti yatochenera kukohwa.

36 Zvino anokohwa anogamuchira mubairo, uye anounganidza zvibereko muupenyu husingaperi; kuti vaviri anokusha neanokohwa vafare pamwe.

37 Nokuti pane izvi shumo ndeyechokwadi inoti: Umwe anokusha, uye umwe anokohwa.

38 Ini ndakakutumai kukohwa zvamusakashandira; vamwe vakashanda, zvino imwi mapinda pabasa ravo.

39 Zvino vazhinji vevaSamariya kubva muguta iro vakatenda kwaari nekuda kweshoko remukadzi, akapupura achiti: Wandiudza zvose zvandakaita.

40 Zvino vaSamariya vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetedza kuti agare navo; ndokugarapo mazuva maviri.

41 Vazhinji vakawedzerwa vakatenda nekuda kweshoko rake.

42 Zvino vakati kumukadzi: Hatichatendi nekuda kwekureva kwako; nokuti tazvinzwira, uye tinoziva kuti uyu ndiye zvirokwazvo Muponesi wenyika, Kristu.

43 Zvino shure kwemazuva maviri wakabvapo, ndokuenda kuGarirea;

44 nokuti Jesu amene wakapupura kuti muporofita haana rukudzo munyika yekwake.

45 Zvino wakati asvika kuGarirea, vaGarirea vakamugamuchira, vaona zvinhu zvose zvaakaita paJerusarema pamabiko, nokuti naivo vaiva vaenda kumabiko.

Jesu anoporesa mwanakomana wemutariri waishe

46 Zvino Jesu wakasvikazve paKana yeGarirea, paaiva aita mvura ive waini. Zvino paiva pane rimwe jinda, mwanakomana waro waiva achirwara paKapenaume.

47 Iro rakati richinzwa kuti Jesu wabva Judhiya akasvika kuGarirea, rikaenda kwaari, rikamugombedzera kuti aburukire aporese mwanakomana waro; nokuti waiva odofa.

48 Naizvozvo Jesu akati kwariri: Kunze kwekuti maona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.

49 Jinda rikati kwaari: Ishe, burukai mwana wangu asati afa.

50 Jesu akati kwaari: Enda, mwanakomana wako anorarama. Munhu ndokutenda shoko Jesu raakareva kwaari, akaenda.

51 Zvino wakati oburuka, varanda vake vakamuchingamidza, vakamuudza vachiti: Mwana wenyu anorarama.

52 Zvino akavabvunza awa raakatanga kunaya. Zvino vakati kwaari: Zuro neawa rechinomwe fivhiri yakamuregedza.

53 Naizvozvo baba vakaziva kuti maiva imo muawa Jesu maakati kwaari: Mwanakomana wako anorarama; zvino akatenda iye neimba yake yose.

54 Ichizve chiratidzo chechipiri Jesu chaakaita, abva Judhiya asvika Garirea.