ShonaTeam John « 3 »

Jesu anotaura naNikodhimo

3Kwaiva nemunhu wekuvaFarisi, Nikodhimo riri zita rake, mutungamiriri wevaJudha.

2 Uyu wakauya kuna Jesu usiku, akati kwaari: Rabhi*, tinoziva kuti muri Mudzidzisi wakabva kuna Mwari; nokuti hakuna anogona kuita zviratidzo izvi zvamunoita imwi, kana Mwari asinaye.

3 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kunze kwekuti munhu aberekwa kutsva, haagoni kuona ushe hwaMwari.

4 Nikodhimo akati kwaari: Munhu anogona kuberekwa sei ava mukuru? Anogona kupinda rwechipiri mudumbu ramai vake agoberekwa here?

5 Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asina kuberekwa nemvura neMweya, haagoni kupinda muushe hwaMwari.

6 Icho chakaberekwa nenyama inyama; nechakaberekwa neMweya, mweya.

7 Usashamisika kuti ndati kwauri: Zvakafanira kuti muberekwe kutsva.

8 Mhepo inovhuvhuta painoda, uye unonzwa inzwi rayo, asi hauzivi painobva nepainoenda; wakadaro wose wakaberekwa neMweya.

9 Nikodhimo akapindura ndokuti kwaari: Zvinhu izvi zvinogona kuitika sei?

10 Jesu akapindura, ndokuti kwaari: Iwe uri mudzidzisi waIsraeri, asi haunzwisisi zvinhu izvi here?

11 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Tinotaura zvatinoziva, tichipupura zvatakaona; asi hamugamuchiri uchapupu hwedu.

12 Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika uye mukasatenda, muchatenda sei kana ndichikuudzai zvinhu zvekudenga?

13 Uye hakuna munhu wakakwira kudenga, kunze kwewakaburuka kudenga, Mwanakomana wemunhu ari kudenga.

14 Uye Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvowo Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa;

15 kuti ani nani anotenda maari arege kuparara asi ave neupenyu husingaperi.

16 Nokuti Mwari wakada nyika zvakadai, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa umwe oga, kuti ani nani anotenda kwaari arege kuparara, asi ave neupenyu husingaperi.

17 Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake munyika kuti ape nyika mhosva, asi kuti nyika iponeswe naye.

18 Anotenda kwaari haapiwi mhosva; asi asingatendi watopiwa mhosva, nokuti haana kutenda kuzita reMwanakomana waMwari wakaberekwa umwe oga.

19 Uku ndiko kupiwa mhosva, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima pane chiedza; nokuti mabasa avo aiva akaipa.

20 Nokuti umwe neumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kutsiurwa.

21 Asi anoita chokwadi anouya pachiedza, kuti mabasa ake aratidzwe, kuti akaitwa muna Mwari.

Kupupura kwaJohwani Mubhabhatidzi

22 Shure kwezvinhu izvi wakauya Jesu nevadzidzi vake munyika yeJudhiya; zvino akagarako navo, uye akabhabhatidza.

23 NaJohwaniwo waiva achibhabhatidza muAinoni pedo neSarimi, nokuti paiva nemvura zhinji ipapo; uye vaiuyapo vachibhabhatidzwa.

24 Nokuti Johwani waiva asati akandwa mutirongo.

25 Zvino gakava rikamuka pakati pevamwe vevadzidzi vaJohwani nevaJudha pamusoro pekuchenura.

26 Zvino vakauya kuna Johwani vakati kwaari: Rabhi, uya waiva nemwi mhiri kwaJoridhani, wamaipupura nezvake, tarirai, iye anobhabhatidza, uye vose vanouya kwaari.

27 Johwani akapindura ndokuti: Munhu haagoni kugamuchira chinhu, kunze kwekuti achipiwa kubva kudenga.

28 Imwi momene munopupura nezvangu kuti ndakati: Handisi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa mberi kwake.

29 Uyo ane mwenga muwani; asi shamwari yemuwani, imire ichimunzwa, inofara nemufaro nekuda kwenzwi remuwani. Naizvozvo mufaro wangu uyu wazadziswa.

30 Iye anofanira kukura, asi ini kuderedzwa.

31 Anobva kumusoro ari pamusoro pezvose. Anobva panyika anobva panyika, uye anotaura achibva panyika; anobva kudenga ari pamusoro pezvose.

32 Uye zvaakaona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakuna munhu anogamuchira uchapupu hwake.

33 Anogamuchira uchapupu hwake anoisa mucherechedzo kuti Mwari ndewechokwadi.

34 Nokuti uyo Mwari waakatuma, anotaura mashoko aMwari; nokuti Mwari anopa Mweya kwete nechiyero.

35 Baba vanoda Mwanakomana, uye vakapa zvinhu zvose muruoko rwake.

36 Iye anotenda kuMwanakomana ane upenyu husingaperi; asi iye asingatendi kuMwanakomana, haazooni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.