ShonaTeam John « 1 »

Jesu ndiye Shoko

1 Pakutanga waiva aripo Shoko, uye Shoko waiva ana Mwari, uye Shoko waiva ari Mwari.

2 Iye uyu waiva ana Mwari pakutanga.

3 Zvinhu zvose zvakaitwa naye, uye kunze kwake hakuna kuitwa chinhu chimwe chakaitwa.

4 Maari maiva neupenyu, uye upenyu hwaiva chiedza chevanhu,

5 uye chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchigamuchira.

6 Kwakauya munhu wakatumwa kubva kuna Mwari, zita rake riri Johwani.

7 Iye wakauyira uchapupu, kuti apupure zvechiedza, kuti vose vatende naye.

8 Iye waiva asiri icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupure pamusoro pechiedza.

9 Chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu umwe neumwe anouya panyika.

10 Waiva ari munyika, nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva.

11 Wakauya kune zvake, asi vake havana kumugamuchira.

12 Asi vose vakamugamuchira, wakavapa kodzero kuti vave vana vaMwari, ivo vanotenda kuzita rake;

13 vakaberekwa kwete neropa, kana nechido chenyama, kana nechido chemurume, asi naMwari.

14 Uye Shoko rakava nyama, akagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya sekwewakaberekwa umwe oga waBaba, azere nenyasha nechokwadi.

15 Johwani wakapupura pamusoro pake, akadanidzira achiti: Uyu ndiye wandaireva ndichiti: Uyu anouya shure kwangu wakanditangira; nokuti waiva aripo mberi kwangu.

16 Nepakuzara kwake isu tose takagamuchira, uye nyasha nenyasha.

17 Nokuti murairo wakapiwa naMozisi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu.

18 Hakuna wakatongoona Mwari; Mwanakomana wakaberekwa umwe oga, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa.

Uchapupu hwaJohwani Mubhabhatidzi

19 Uye uhu ndihwo uchapupu hwaJohwani, apo vaJudha vakatuma vapristi nevaRevhi kubva kuJerusarema kuti vanomubvunza kuti: Iwe ndiwe ani?

20 Akabvuma, uye haana kuramba; ndokubvuma achiti: Ini handisi Kristu.

21 Zvino vakamubvunza vachiti: Saka kudini? Iwe uri Erija here? Akati: Handisi. Iwe uri uya muporofita here? Akapindura akati: Kwete.

22 Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Kuti tipe mhinduro vatituma; unoti kudini pamusoro pako?

23 Akati: Ini ndini inzwi reanodanidzira murenje: Ruramisai nzira yaIshe; sezvakareva Isaya muporofita.

24 Ava vaiva vatumwa vaibva kuvaFarisi.

25 Zvino vakamubvunza, vakati kwaari: Unogobhabhatidzirei, kana iwe usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya?

26 Johwani akavapindura, achiti: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire wamusingazivi imwi;

27 ndiye anouya shure kwangu, ari mberi kwangu, wandisina kufanira ini kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.

28 Izvozvi zvakaitika paBhetabhara, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johwani.

29 Ava mangwana Johwani wakaona Jesu achiuya kwaari, akati: Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa rotakura chivi chenyika.

30 Uyu ndiye ini wandaitaura nezvake ndichiti: Shure kwangu kunouya murume, wakanditangira, nokuti waiva ariko mberi kwangu.

31 Neni ndaiva ndisingamuzivi; asi kuti aziviswe kuna Israeri, nekuda kweizvozvo ini ndakauya ndichibhabhatidza nemvura.

32 Johwani ndokupupura, achiti: Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.

33 Neni ndaiva ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoona Mweya achiburukira pamusoro pake nekugara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza neMweya Mutsvene.

34 Zvino ini ndakaona ndikapupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.

Vadzidzi vekutanga

35 Ava mangwanazve Johwani waiva amire, nevaviri vevadzidzi vake;

36 zvino wakatarisa Jesu achifamba-famba, akati: Tarirai Gwayana raMwari.

37 Vadzidzi vaviri ndokumunzwa achitaura, ndokutevera Jesu.

38 Zvino Jesu atendeuka wakavaona vachitevera, akati kwavari: Munotsvakei? Vakati kwaari: Rabhi* (ndokuti kana zvichishandurwa, Mudzidzisi) munogarepi?

39 Akati kwavari: Uyai muone. Vakauya vakaona paaigara; ndokugara naye zuva iroro; raiva riri awa rinenge regumi.

40 Andiriya munin'ina waSimoni Petro waiva umwe wevaviri vaiva vazvinzwa naJohwani vakamutevera.

41 Iye wakatanga kuwana mukoma wake chaiye Simoni, akati kwaari: Tamuwana Mesiasi; ndiko kuti kana zvichishandurwa, Kristu.

42 Zvino akamuisa kuna Jesu. Jesu ndokuti amutarira akati: Iwe uri Simoni mwanakomana waJona; iwe uchanzi Kefasi (zvinoshandurwa kunzi Petro).

43 Ava mangwana Jesu akada kubudira kuGarirea, ndokuwana Firipi, ndokuti kwaari: Nditevere.

44 Zvino Firipi waiva ari weBhetisaidha, muguta raAndiriya naPetro.

45 Firipi akawana Nataniyeri, ndokuti kwaari: Tamuwana Mozisi waakanyora nezvake pamurairo, nevaporofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.

46 Nataniyeri ndokuti kwaari: Chinhu chakanaka chinogona kubva muNazareta here? Firipi akati kwaari: Uya uone.

47 Jesu wakaona Nataniyeri achiuya kwaari, ndokuti pamusoro pake: Tarira muIsraeri wechokwadi, musina kunyengera maari.

48 Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepi? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, pawanga uri munyasi memuonde, ndakuona.

49 Nataniyeri akapindura ndokuti kwaari: Rabhi, imwi muri Mwanakomana waMwari, imwi muri Mambo waIsraeri.

50 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Unotenda nokuti ndati kwauri: Ndakuona munyasi memuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kune izvi.

51 Zvino akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva ikozvino muchaona denga razaruka, nevatumwa vaMwari vachikwira nekuburukira pamusoro peMwanakomana wemunhu.