ShonaTeam Luke « 23 »

Jesu pamberi paPirato naHerodhi

23Zvino chaunga chavo chose chakasimuka, chikamutungamidza kuna Pirato.

2 Zvino vakatanga kumupomera, vachiti: Tawana uyu achitsausa rudzi, nekudzivisa kupa mitero kuna Kesari, achiti iye pachake ndiKristu Mambo.

3 Zvino Pirato wakamubvunza achiti: Iwe uri Mambo wevaJudha here? Ndokumupindura, akati: Unoreva iwe.

4 Pirato ndokuti kuvapristi vakuru nezvaunga: Handiwani mhosva kumunhu uyu.

5 Asi vakasimbisa, vachiti: Unonyonganisa vanhu, achidzidzisa muJudhiya rose, kutanga paGarirea kusvika pano.

6 Pirato wakati anzwa zveGarirea, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea.

7 Zvino paakangoziva kuti ndeweushe hwaHerodhi, wakamutumira kuna Herodhi, iye waivawo muJerusarema pamazuva iwayo.

8 Zvino Herodhi paakaona Jesu wakafara zvikurusa; nokuti waishuva kumuona kwenguva refu, nokuti waiva anzwa zvinhu zvizhinji pamusoro pake; uye wakatarisira kuona chimwe chiratidzo chichiitwa naye.

9 Ndokumubvunza nemashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu.

10 Zvino vapristi vakuru nevanyori vakamira vakamupomera zvine simba.

11 NaHerodhi nemauto ake wakamuzvidza, nekuseka akamupfekedza nguvo refu inobwinya, akamudzosera kuna Pirato.

12 Nemusi iwoyo Pirato naHerodhi vakava shamwari neshamwari; nokuti paimbova neruvengo pakati pavo.

13 Zvino Pirato wakati adanira pamwe vapristi vakuru nevatungamiriri nevanhu,

14 akati kwavari: Mauisa munhu uyu kwandiri seanotsausa vanhu; zvino tarirai ini ndaongorora pamberi penyu, handina kuwana mhosva kumunhu uyu yezvinhu zvamunomupomera;

15 kwete, kunyange Herodhi; nokuti ndinokutumai kwaari; zvino tarirai, hapana chakafanira rufu chakaitwa naye.

16 Naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.

17 Nokuti zvaiva zvakafanira kuti avasunungurire umwe pamutambo.

18 Asi vose vakadanidzira pamwe vachiti: Kure neuyu, asi mutisunungurire Bharabhasi.

19 Iye waiva akandirwa mutirongo nemhaka yerimwe bongozozo raiva raitika muguta uye neumhondi.

20 Naizvozvo Pirato achida kusunungura Jesu, wakataurazve kwavari.

21 Asi vakadanidzira, vachiti: Roverera pamuchinjikwa, muroverere pamuchinjikwa!

22 Akati kwavari rwechitatu: Nemhaka yei, iye waita chakaipa chipi? Handina kuwana mhosva yerufu maari; naizvozvo ndichamurova ndigomusunungura.

23 Asi vakasimbisa nemanzwi makuru, vachikumbira kuti arovererwe pamuchinjikwa. Uye manzwi avo neevapristi vakuru akabudirira.

24 Zvino Pirato wakatema kuti chikumbiro chavo chiitike.

25 Akavasunungurira uyo wavakakumbira, waiva akandwa mutirongo nekuda kwebongozozo neumhondi; asi akakumikidza Jesu kuchido chavo.

Jesu anorovererwa pamuchinjikwa

26 Zvino vakati vachimutungamidza, vakabata umwe Simoni muKurini achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti atakure shure kwaJesu.

27 Zvino kwakatevera kwaari chaunga chikuru chevanhu, nevakadzi vairirawo nekumuchema.

28 Asi Jesu wakatendeukira kwavari akati: Vakunda veJerusarema, musachemera ini, asi muzvichemere imwi nevana venyu;

29 nokuti tarirai, mazuva anouya avachati nawo: Dzakaropafadzwa mhanje, nezvizvaro zvisina kubereka, nemazamu asina kunwisa.

30 Ipapo vachatanga kuti kumakomo: Wirai pamusoro pedu; nekuzvikomo: Tifukidzei.

31 Nokuti kana vachiita zvinhu izvi kumuti munyoro, chii chichaitika kune wakawoma?

32 Zvino kwakatungamidzwawo vamwe vaiti vezvakaipa vaviri, kuti vaurawe pamwe naye.

33 Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi Dehenya, ipapo vakamuroverera pamuchinjikwa, nevaiti vezvakaipa, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe.

34 Jesu ndokuti: Baba, vakanganwirei; nokuti havazivi chavanoita. Zvino vakagovana nguvo dzake, vakakanda mujenya.

35 Vanhu ndokumira vakatarira. Nevatongiwo pamwe navo vakamuseka, vachiti: Wakaponesa vamwe, ngaazviponese, kana iye ari Kristu, musanangurwa waMwari.

36 Nemautowo akamuseka, achimuvigira vhiniga,

37 uye vachiti: Kana iwe uri Mambo wevaJudha, zviponese.

38 Zvino kwaiva kune rugwarowo rwakanyorwa pamusoro pake nemavara echiGiriki nechiRoma nechiHebheru, rwaiti: UYU NDIMAMBO WEVAJUDHA.

39 Uye umwe wevaiti vezvakaipa vaiva vakaremberedzwa wakamutuka achiti: Kana iwe uri Kristu, zviponese iwe nesu.

40 Asi umwe wakapindura achimutsiura, achiti: Iwe hautyi Mwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe?

41 Isu zvirokwazvo zvakarurama, nokuti tinogamuchira zvakafanira zvatakaita; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.

42 Zvino akati kuna Jesu: Ishe mundirangarire kana masvika muushe hwenyu.

43 Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi uchava neni muParadhiso.

44 Zvino raiva rava awa rinenge rechitanhatu; kukavapo rima pamusoro penyika yose, kusvika paawa repfumbamwe.

45 Nezuva rakadzikatirwa, uye vheiri retembere rakabvarurwa nepakati.

46 Zvino Jesu wakati adanidzira nenzwi guru achiti: Baba, mumaoko enyu ndinokumikidza mweya wangu; akati areva izvozvi, akapa mweya.

47 Zvino mukuru wezana wakati aona zvakaitika, akarumbidza Mwari, achiti: Zvirokwazvo munhu uyu waiva akarurama.

48 Nezvaunga zvose zvaiva zvakaungana kuzoona izvozvi, zvakati zvichiona zvakaitika, zvikadzokera zvichizvirova zvifuva.

49 Nevazikanwi vake vose, nevakadzi vaimutevera vachibva Garirea, vakamira kure, vachiona zvinhu izvi.

Kuvigwa kwaJesu

50 Zvino tarira, murume wainzi Josefa, nhengo yedare, murume wakanaka uye wakarurama;

51 iye waiva asina kutenderana nezano nechiito chavo; waiva weArimatia, guta revaJudha, naiyewo waiva achimirira ushe hwaMwari.

52 Iye wakaenda kuna Pirato akakukumbira mutumbi waJesu.

53 Zvino wakauburusa, akauputira nemucheka werineni, ndokuuradzika muguva raiva rakacherwa pabwe, maiva musina kumboradzikwa munhu.

54 Zvino waiva musi wegadziriro, uye sabata roswedera.

55 Nevakadziwo, vaiva vauya naye vachibva Garirea, vakatevera mumashure, vakaona guva, uye kuti mutumbi wake waradzikwa sei.

56 Uye vakadzokera, vakagadzirira zvinonhuhwira nezvizoro. Zvino vakazorora nesabata zvichienderana nemurairo.