ShonaTeam Luke « 22 »

VaJudha vanorangana kuuraya Jesu

22Zvino mabiko ezvingwa zvisina mbiriso akaswedera, anonzi pasika.

2 Vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamuuraya sei; nokuti vaitya vanhu.

Judhasi Isikariyoti anotsvaka kutengesa Jesu

3 Zvino wakapinda Satani kuna Judhasi anotumidzwa Isikariyoti, waiverengwa pavanegumi nevaviri.

4 Akaenda, akanotaura nevapristi vakuru nevatungamiriri, kuti angamutengesa sei kwavari.

5 Zvino vakafara, vakatenderana kumupa mari.

6 Zvino wakatenda, akatsvaka mukana wakafanira wekumutengesa kwavari pasina chaunga.

Pasika nechirairo chaIshe

7 Zvino zuva rezvingwa zvisina mbiriso rakasvika, paifanira kubaiwa pasika.

8 Zvino wakatuma Petro naJohwani, achiti: Endai munotigadzirira pasika, kuti tidye.

9 Zvino vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tigadzirire?

10 Zvino wakati kwavari: Tarirai, kana mapinda muguta, munhu achasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere mumba maanopinda.

11 Uye muti kumwene weimba: Mudzidzisi anoti kwauri: Imba yevaeni iripi, mandingadyira pasika nevadzidzi vangu?

12 Uye iye achakuratidzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa; gadzirirai ipapo.

13 Zvino vakaenda vakanowana sezvaaiva avaudza; ndokugadzirira pasika.

14 Zvino awa rakati rasvika, akagara pakudya, nevaapositori gumi nevaviri vanaye.

15 Ndokuti kwavari: Nechishuwo ndakashuva kudya pasika iyi nemwi ndisati ndatambudzika;

16 nokuti ndinoti kwamuri: Handichazodyizve pairi, kusvika yazadziswa muushe hwaMwari.

17 Zvino wakatora mukombe, avonga akati: Torai ichi, mugogovana.

18 Nokuti ndinoti kwamuri: Handichatongonwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvika ushe hwaMwari hwasvika.

19 Zvino wakatora chingwa, akavonga, akamedura, ndokuvapa, achiti: Uyu muviri wangu, unopiwa pachinzvimbo chenyu; izvi itai kundirangarira.

20 Saizvozvowo mukombe shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwa imwi.

21 Asi tarirai, ruoko rweanonditengesa rwuneni patafura.

22 Zvino zvirokwazvo Mwanakomana wemunhu anoenda sezvazvakatemwa; asi ane nhamo munhu uyo waanotengeswa naye!

23 Zvino ivo vakatanga kubvunzana kuti ko ndiani pavari achaita chinhu ichi.

Mukuru ndiani

24 Zvino gakava rakavapowo pakati pavo kuti ndiani kwavari anoverengwa semukurusa.

25 Zvino wakati kwavari: Madzimambo evechirudzi anotonga zvakaoma pamusoro pavo, nevatongi vavo vanonzi vabatsiri.

26 Asi imwi zvisadaro; asi mukurusa kwamuri ngaave semudiki, nemutungamiriri seanoshandira.

27 Nokuti ndiani mukuru, uyo agere pakudya kana anoshandira? Haasi iye agere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu seanoshandira.

28 Nemwi ndimwi makagara neni pamiedzo yangu;

29 zvino ini ndinogadza kwamuri ushe, saBaba vangu vakagadza kwandiri;

30 kuti mudye nekunwa patafura yangu muushe hwangu, nekugara pazvigaro zveushe, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri.

Jesu anoudza Petro kuti achamuramba

31 Ishe ndokuti: Simoni, Simoni, tarira, Satani wakukumbirai kuti akuzungurei segorosi;

32 asi ini ndakunyengeterera, kuti rutendo rwako rwurege kupera; newe kana watendeuka, usimbise hama dzako.

33 Asi wakati kwaari: Ishe, ndakagadzirira kuenda nemwi zvose mutirongo nemurufu.

34 Asi iye wakati: Ndinokuudza, Petro, jongwe harizoriri nhasi, usati waramba katatu kuti unondiziva.

35 Zvino wakati kwavari: Pandakakutumai musina chikwama nehombodo neshangu, makashaiwa chinhu here? Vakati: Hapana.

36 Zvino akati kwavari: Asi ikozvino, ane chikwama ngaatore, saizvozvowo nehombodo; neasina, ngaatengese nguvo yake, atenge munondo.

37 Nokuti ndinoti kwamuri: Izvi zvakanyorwa zvichakafanira kuzadziswa mandiri, zvinoti: Wakaverengwa pamwe nevadariki; nokuti zvinhu izviwo zviri maererano neni zvine mugumo.

38 Zvino vakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miviri. Akati kwavari: Zvaringana.

Jesu muGetsemani

39 Zvino wakabuda akaenda sezvaaisiita kugomo reMiorivhi; nevadzidziwo vake vakamutevera.

40 Zvino wakati asvika panzvimbo, akati kwavari: Nyengeterai kuti murege kupinda pamuedzo.

41 Zvino iye wakasuduruka kwavari, chingava chinhambwe chingaposherwa ibwe; ndokufugama akanyengetera,

42 achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri; asi chisava chido changu, asi chenyu ngachiitwe.

43 Zvino kwakaonekwa mutumwa kwaari wakabva kudenga achimusimbisa.

44 Zvino, ari pakurwadziwa kukuru, wakanyanya kunyengetera. Zvino ziya rake rikaita semazidomwe eropa achiwira pasi.

45 Zvino wakati asimuka pamunyengetero, akauya kuvadzidzi vake, akavawana varara neshungu.

46 Ndokuti kwavari: Mararirei? Mukai munyengetere, kuti murege kupinda pamuedzo.

Kusungwa kwaJesu

47 Zvino wakati achataura, tarira, chaunga, naiye wainzi Judhasi, umwe wevanegumi nevaviri, akavatungamirira, ndokuswedera kuna Jesu, kuti amutsvode.

48 Asi Jesu wakati kwaari: Judhasi, unotengesa Mwanakomana wemunhu netsvodo here?

49 Zvino avo vaiva vakamukomba pavakaona zvaizoitika vakati kwaari: Ishe, tichatema nemunondo here?

50 Zvino umwe wavo wakatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake yerudyi.

51 Asi Jesu wakapindura akati: Regai zvisvike ipapa. Ndokubata nzeve yake, akamuporesa.

52 Zvino Jesu wakati kuvapristi vakuru nevatungamiriri vetembere nevakuru vaiva vauya kwaari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo here?

53 Ndaiva nemwi mutembere zuva nezuva mukasatandavadzira ruoko kwandiri; asi iro iawa renyu, nesimba rerima.

Kuramba kwaPetro

54 Zvino vakamutora, vakamutungamidza, vakapinda naye mumba memupristi mukuru. Petro ndokutevera ari kure.

55 Zvino vakati vavesa moto pakati pechivanze, ndokugara pasi pamwe, Petro akagara pakati pavo.

56 Zvino umwe murandakadzi wakamuona agere pamoto, ndokumutarisisa, akati: Uyuwo waiva anaye.

57 Asi iye wakamurambira, achiti: Iwe Mukadzi, handimuzivi.

58 Uye shure kwechinguvana, umwe wakamuona akati: Iwewo uri umwe wavo. Petro ndokuti: Iwe munhu, handisi.

59 Zvino nguva inenge awa rimwe yakati yapfuura, umwezve wakasimbisa ane chokwadi, achiti: Zvirokwazvo uyuwo waiva anaye; nokuti muGarireawo.

60 Zvino Petro wakati: Iwe munhu, handizivi zvaunoreva. Pakarepo achataura jongwe rakarira.

61 Ishe ndokutendeuka akatarira Petro. Petro ndokurangarira shoko raIshe, kuti akamuudza sei, achiti: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.

62 Zvino Petro wakabuda panze akachema zvinorwadza.

63 Zvino varume vaiva vakabata Jesu, vakamuseka, vakamurova.

64 Uye vakati vamuvhara kumeso, vakamurova chiso, ndokumubvunza vachiti: Porofita! Ndiani wakurova?

65 Nezvimwe zvinhu zvizhinji vakareva kwaari, vachituka.

Jesu pamberi pevapristi nevakuru

66 Zvino kwakati kuchingoedza, dare revatariri vevanhu nevapristi vakuru nevanyori vakaungana, vakamuisa kudare ravo remakurukota, vachiti:

67 Kana iwe uri Kristu, tiudze. Zvino akati kwavari: Kana ndikakuudzai, hamutongotendi;

68 uyewo kana ndikabvunza, hamumbondipinduri, kana kundisunungura.

69 Kubva ikozvino Mwanakomana wemunhu achagara kuruoko rwerudyi rwesimba rwaMwari.

70 Vose ndokuti: Naizvozvo iwe uri Mwanakomana waMwari kanhi? Iye ndokuti kwavari: Imwi mareva kuti ndini.

71 Zvino vakati: Tichadirei uchapupu? Nokuti tomene tanzwa pamuromo wake.