ShonaTeam Luke « 18 »

Mufananidzo wechirikadzi yakatsungirira

18Zvino wakavaudzawo mufananidzo kuti vanofanira kunyengetera nguva dzose, uye vasaora moyo,

2 achiti: Kwaiva mune rimwe guta neumwe mutongi, waiva asingatyi Mwari, uye asingaremekedzi munhu;

3 zvino kwaiva kune chirikadzi muguta iro, yaiva ichiuya kwaari, ichiti: Ndiruramisirei kumuvengi wangu.

4 Asi waiva asingadi kwenguva; asi pashure pezvinhu izvi wakati mukati make: Kunyange ndisingatyi Mwari, uye ndisingaremekedzi munhu;

5 asi nokuti chirikadzi iyi inonditambudza, ndichairuramisira, zvimwe pakupedzisira ingasvika pakunditsamwisa kwazvo.

6 Ishe ndokuti: Inzwai mutongi asakarurama zvaanoreva.

7 Ko Mwari haangaruramisiri here vakasanangurwa vake, vanodana kwaari masikati neusiku, kunyange achivanonokera?

8 Ndinoti kwamuri: Achakurumidza kuvaruramisira. Asi kana Mwanakomana wemunhu achisvika, achawana rutendo panyika here?

Mufananidzo wemuFarisi nemuteresi

9 Zvino wakareva mufananidzo uyu kune vamwewo vaizvivimba kuti vakarurama, vachizvidza vamwe, akati:

10 Vanhu vaviri vakakwira kutembere kunonyengetera; umwe muFarisi, uye umwe muteresi.

11 MuFarisi wakamira akazvinyengeterera zvinhu izvi, akati: Mwari, ndinokutendai kuti handina kufanana nevamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana kunyange semuteresi uyu.

12 Ndinotsanya kaviri pavhiki, ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.

13 Asi muteresi amire kure wakasada kunyange kusimudzira meso kudenga, asi wakarova pachifuva chake, achiti: Mwari, ndinzwirei tsitsi ini mutadzi.

14 Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake anzi wakarurama pane uya; nokuti umwe neumwe anozvikwiridzira achaninipiswa, uye anozvininipisa achakwiridzirwa.

Jesu anogamuchira vanana

15 Zvino vakauisa kwaari vachechewo, kuti avabate; asi vadzidzi vakati vachizviona, vakavatsiura.

16 Asi Jesu wakadanira ivo vacheche kwaari akati: Tenderai vacheche vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndehwevakadai.

17 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani asingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri.

Jaya mufumi

18 Zvino umwe mutungamiriri wakamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndiitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?

19 Jesu ndokuti kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, Mwari.

20 Mirairo unoiziva, inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.

21 Iye ndokuti: Izvi zvose ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.

22 Zvino Jesu wakati achinzwa zvinhu izvi akati kwaari: Uchiri kushaiwa chinhu chimwe; tengesa zvose zvaunazvo, ugovere varombo, uye uchava nefuma yakakosha kudenga; ugouya pano wonditevera.

23 Zvino wakati anzwa zvinhu izvi, akashungurudzika zvikuru; nokuti waiva akafuma zvikuru.

24 Zvino Jesu wakati achiona kuti washungurudzika zvikuru akati: Zvicharemera sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari.

25 Nokuti zvakareruka kuti kamera ripinde richidarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.

26 Zvino avo vakanzwa, vakati: Zvino ndiani anogona kuponeswa?

27 Asi iye akati: Zvinhu zvisingagoneki nevanhu, zvinogoneka naMwari.

Mubairo wekuzvipira

28 Petro ndokuti: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai.

29 Zvino akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vabereki, kana madzikoma nevanin'ina, kana mukadzi, kana vana, nekuda kweushe hwaMwari,

30 asingazogamuchiri zvakapetwa kazhinji nenguva ino, nemunguva inouya upenyu husingaperi.

Jesu anovaudza zvorufu rwake nekumuka kwake

31 Zvino wakatora vanegumi nevaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye zvinhu zvose zvakanyorwa nevaporofita maererano neMwanakomana wemunhu zvichazadziswa.

32 Nokuti achakumikidzwa kune vechirudzi, agosekwa, nekuitirwa zvakaipa, nekupfirwa,

33 uye vachamurova netyava uye vachamuuraya; uye pazuva retatu achamukazve.

34 Asi ivo havana kunzwisisa chinhu chimwe cheizvozvi, uye shoko iri raiva rakavanzwa kwavari, uye havana kunzwisisa zvinhu zvakarehwa.

Jesu anosvinudza bofu paJeriko

35 Zvino zvakaitika oswedera Jeriko, rimwe bofu raigara padivi penzira richipemha;

36 rakati richinzwa chaunga chichipfuura, rikabvunza kuti chinyi ichi.

37 Zvino vakariudza kuti: Jesu weNazareta anopfuura.

38 Zvino rakadanidzira richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!

39 Zvino vaiva vakatungamira vakaritsiura kuti rinyarare; asi iro rakanyanyisa kudanidzira, richiti: Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!

40 Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti riuyiswe kwaari; zvino rakati raswedera akaribvunza,

41 achiti: Unoda kuti ndikuitirei? Zvino rakati: Ishe, kuti ndionezve.

42 Jesu ndokuti kwaari: Chionazve! Rutendo rwako rwakuponesa.

43 Pakarepo rikaonazve, rikamutevera, richirumbidza Mwari; vanhu vose vakati vachizviona vakarumbidza Mwari.