ShonaTeam Luke « 13 »

Jesu anodzidzisa zvekutendeuka

13Zvino panguva iyo kwaiva kune vamwe vakamuudza zvevaGarirea, ropa ravo Pirato raaiva avhenganisa nezvibairo zvavo.

2 Zvino Jesu achipindura wakati kwavari: Munofunga kuti vaGarirea ava vaiva vatadzi kupfuura vaGarirea vose here, nokuti vakatambudzika zvinhu zvakadai?

3 Ndinoti kwamuri: Kwete, asi kana musingatendeuki, mose muchaparara saizvozvo.

4 Kana vaya gumi nevasere, shongwe payakawira pamusoro pavo muSiroami ikavauraya, munofunga kuti ivo vaiva vane ngava kukunda vanhu vose vaigara muJerusarema here?

5 Ndinoti kwamuri: Kwete, asi kana musingatendeuki, mose muchaparara saizvozvo.

Muonde usingabereki

6 Zvino wakataura mufananidzo uyu akati: Umwe waiva ane muonde waiva wakasimwa mumunda wake wemizambiringa; akasvika achitsvaka chibereko kwauri, asi wakashaiwa.

7 Zvino wakati kumurimi wemunda wemizambiringa: Tarira, makore matatu ndichiuya ndichitsvaka chibereko pamuonde uyu, ndikashaiwa; uteme, unourayirei kunyange ivhu?

8 Iye achipindura wakati kwaari: Ishe, muregei gore rinowo, kusvika nditimbe ndichiupoteredza, nekuuisa mupfudze;

9 zvino kana ukabereka chibereko, zvakanaka; asi kana zvikasadaro, shure kweizvozvo mungazoutema.

Jesu anoporesa mukadzi nesabata

10 Zvino waiva achidzidzisa mune rimwe remasinagoge nesabata;

11 zvino tarira, kwaiva kune mukadzi waiva nemweya weundonda makore gumi nemasere, waiva akakombama musana, asingagoni kutasamuka zvizere.

12 Zvino Jesu wakati achimuona, akamudanira kwaari, akati kwaari: Mukadzi, wasunungurwa paundonda hwako.

13 Ndokuisa maoko pamusoro pake; pakarepo akatasanudzwa, akarumbidza Mwari.

14 Asi mutungamiriri wesinagoge wakapindura akatsamwa nokuti Jesu wakaporesa nesabata, akati kuchaunga: Pane mazuva matanhatu anofanira kubatwa nawo; naizvozvo uyai naiwayo muporeswe, asi kwete nemusi wesabata.

15 Naizvozvo Ishe wakamupindura, akati: Munyepedzeri, umwe neumwe wenyu haangasununguri nzombe yake kana mbongoro pachidyiro nesabata akaitungamidza kunoinwisa here?

16 Zvino uyu, ari mukunda waAbhurahama, Satani waaiva akasunga, tarira, makore gumi nemasere, hazvina kufanira kuti asunungurwe pachisungo ichi nezuva resabata here?

17 Zvino achireva zvinhu izvi, vapikisi vake vose vakanyadziswa; asi chaunga chose chakafara nezvinhu zvose zvinorumbidzwa zvakaitwa naye.

Mufananidzo wembeu yemasitadha nembiriso

18 Zvino akati: Ushe hwaMwari hwakaita sei? Uye ndichahufananidza nei?

19 Hwakaita setsanga yemasitadha, munhu yaakatora akakanda mubindu rake; ikakura, ikaita muti mukuru, neshiri dzekudenga dzikavaka matendere pamatavi awo.

20 Akatizve: Ndichahufananidza nei ushe hwaMwari?

21 Hwakaita sembiriso, mukadzi yaakatora akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu, kusvika hwose hwaviriswa.

Suwo rakamanikana

22 Zvino wakafamba achipfuura mumaguta nemisha achidzidzisa, ari munzira kuenda kuJerusarema.

23 Umwe ndokuti kwaari: Ishe, vachaponeswa vashoma here? Akati kwavari:

24 Rwisai kupinda nesuwo rakamanikana; nokuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni.

25 Shure kwekunge mwene weimba asimuka avhara mukova, zvino mukatanga kumira kunze nekugogodza pamukova, muchiti: Ishe, Ishe, tizarurirei; iye agopindura achiti kwamuri: Handikuziviyi kwamunobva.

26 Ipapo muchatanga kuti: Takadya nekunwa pamberi penyu, uye makadzidzisa panzira dzekwedu.

27 Asi achati: Ndinoti kwamuri: Handikuziviyi kwamunobva; ibvai kwandiri imwi mose vaiti vezvakaipa.

28 Apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno, kana moona Abhurahama naIsaka naJakobho nevaporofita vose muushe hwaMwari, asi imwi marasirwa kunze.

29 Uye vachabva kumabvazuva nemavirira, uye kubva kumaodzanyemba nechamhembe, vachagara pakudya muushe hwaMwari.

30 Zvino tarirai, varipo vekupedzisira vachava vekutanga, uye varipo vekutanga vachava vekupedzisira.

Jesu anochema pamusoro peJerusarema

31 Nezuva iroro kwakasvika vamwe vaFarisi, vachiti kwaari: Budai mubve pano, nokuti Herodhi anoda kukuurayai.

32 Akati kwavari: Endai, munoudza gava iro, muti: Tarira, ndinobudisa madhimoni nekuita kuporesa nhasi namangwana, neretatu ndinopedzeredza.

33 Asi zvakafanira kuti ndifambe nhasi namangwana nerinotevera, nokuti hazvigoneki kuti muporofita apararire kunze kweJerusarema.

34 Jerusarema, Jerusarema, iwe anouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndaiva ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako semhambo hukwana dzayo pasi pemapapiro, asi hamuna kuda.

35 Tarirai, imba yenyu yasiiwa kwamuri riri dongo; asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamuchatongondioni, kusvika zvasvika kuti muti: Ngaarumbidzwe iye anouya nezita raIshe!