ShonaTeam Luke « 11 »

Jesu anodzidzisa kunyengetera

11Zvino zvakaitika achinyengetera pane imwe nzvimbo, apo amira, umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johwani sezvaakadzidzisawo vadzidzi vake.

2 Ndokuti kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene. Ushe hwenyu ngahuuye. Chido chenyu ngachiitwe, panyikawo sezvachinoitwa kudenga.

3 Mutipei zuva rimwe nerimwe kudya kwedu kwemazuva ose.

4 Uye mutikanganwire zvivi zvedu, nokuti isuwo tinokanganwira ani nani ane ngava kwatiri. Uye musatipinza pakuedzwa, asi mutisunungure pakuipa.

Mufananidzo weshamwari yakatsungirira

5 Akati kwavari: Ndeupi wenyu ane shamwari, uye anoenda kwaari pakati peusiku, akati kwaari: Shamwari, ndikwerete zvingwa zvitatu,

6 nokuti shamwari yangu yasvika kwandiri ichibva parwendo, asi handina chinhu chandingamuperekera;

7 uye uyo ari mukati akapindura akati: Usandinetsa; ikozvino mukova wapfigwa, nevana vangu vadiki vaneni pamubhedha; handigoni kumuka ndikakupa.

8 Ndinoti kwamuri: Kunyange akasamuka akamupa, nekuda kwekuva shamwari yake, asi nekuda kwekutsungirira kwake achamuka akamupa zvose zvaanoshaiwa.

9 Zvino ini ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.

10 Nokuti wose anokumbira anogamuchira; neanotsvaka anowana; neanogogodza anozarurirwa.

11 Kuti ndeupi wenyu ari baba, kana mwanakomana achikumbira chingwa, angazomupa ibwe? Kanawo hove, angazomupa nyoka panzvimbo yehove here?

12 Kanawo kuti akakumbira zai, angazomupa chinyavada here?

13 Naizvozvo kana imwi makaipa muchiziva kupa zvipo zvakanaka vana venyu, Baba vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanovakumbira.

Jesu anobudisa dhimoni

14 Zvino waiva achibudisa dhimoni iro raiva chimumumu. Zvino zvakaitika kuti dhimoni rabuda, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika.

15 Asi vamwe vavo vakati: Anobudisa madhimoni naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni.

16 Uye vamwe vachiidza, vakatsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga.

17 Asi iye achiziva mifungo yavo wakati kwavari: Ushe hwose hunopesana huchizvipikisa hunoparadzwa; neimba inopikisana neimba inowa.

18 Kana Sataniwo achipesana achizvipikisa, ushe hwake hungazomira sei? Nokuti munoti, ndinobudisa madhimoni naBheerizebhuri.

19 Asi kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanobudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.

20 Asi kana ndichibudisa madhimoni nemunwe waMwari, naizvozvo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.

21 Kana chikakarara chashonga zvombo chichirinda chivanze chacho, nhumbi dzacho dziri murugare;

22 asi kana wakasimba kuchipfuura akachirwisa, akachikunda, anotora nhumbi dzacho dzose dzekurwa dzachange chichivimba nadzo, ndokugovera zvaapamba zvacho.

23 Asina ini anopesana neni; neasingaunganidzi neni anoparadzira.

Kutendeuka kusingaperi

24 Kana mweya wetsvina wabuda mumunhu, unofamba uchigura nemunzvimbo dzakaoma, uchitsvaka zororo; asi uchishaiwa unoti: Ndichadzokera kuimba yangu kwandakabuda.

25 Zvino kana wasvika unowana yatsvairwa nekurongedzwa.

26 Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye imwe mweya minomwe yakaipa kuupfuura, igopinda ndokugaramo; uye kuguma kwemunhu uyo kwakaipa kupfuura kutanga.

27 Zvino zvakaitika pakutaura kwake zvinhu izvozvi, umwe mukadzi pakati pechaunga akasimudza inzwi, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, nemazamu amakayamwa.

28 Asi iye akati: Hongu, asi zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta.

Chiratidzo chemuporofita Jona

29 Zvino kwakati kwaungana zvaunga zvakatsikirirana, akatanga kuti: Zera iri rakaipa; rinotsvaka chiratidzo, asi hakuna chiratidzo chichapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.

30 Nokuti Jona sezvaakava chiratidzo kuvaNinivhi, saizvozvowo zvichaita Mwanakomana wemunhu kuzera iri.

31 Mambokadzi wechamhembe achasimuka pakutongwa pamwe nevarume vezera iri akavapa mhosva; nokuti wakabva pamigumo yenyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.

32 Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga nezera iri, vakaripa mhosva, nokuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona; zvino tarira, mukuru kuna Jona ari pano.

Mufananidzo wemwenje

33 Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje anoisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza.

34 Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wakowo wose uzere nechiedza; asi kana rakaipa, muviri wakowo une rima.

35 Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chisava rima.

36 Naizvozvo kana muviri wako wose uzere nechiedza, pasina rumwe rutivi rwune rima, uchazara nechiedza wose, sepaya mwenje uchikuvhenekera nekupenya.

Jesu anotuka vaFarisi nenyanzvi dzemutemo

37 Wakati achitaura, umwe muFarisi akamukumbira kuti adye naye; akapinda, akagara pakudya.

38 Zvino muFarisi wakati achiona, akashamisika kuti waiva asina kutanga ashamba asati adya chisvusvuro.

39 Ishe ndokuti kwaari: Ikozvino imwi vaFarisi munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati menyu muzere neupambi neuipi.

40 Imwi mapenzi, heya wakaita kunze, haana kuita mukatiwo?

41 Asi ipai sechipo kuvarombo izvo zvinhu zvemukati; zvino tarirai, zvose zvichava zvakachena kwamuri.

42 Asi mune nhamo vaFarisi! Nokuti munopa chegumi cheminte* neruyi* nemiriwo yose, uye muchidarika mutongo nerudo rwaMwari; maifanira kuita izvi, nekusarega zvimwe.

43 Mune nhamo vaFarisi! Nokuti munoda zvigaro zvepamusoro mumasinagoge, nekwaziso pamisika.

44 Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti makafanana nemarinda asingaonekwi, uye vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi.

45 Zvino umwe wenyanzvi dzemutemo wakapindura akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvi munotuka isuwo.

46 Asi akati: Mune nhamowo imwi nyanzvi dzemutemo! Nokuti munoremedza vanhu nemitoro inorema kutakurwa, asi imwi momene hamubati mitoro iyi neumwe weminwe yenyu.

47 Mune nhamo! Nokuti munovaka marinda evaporofita, uye madzibaba enyu akavauraya.

48 Naizvozvo munopupura kuti munotenderana nemabasa emadzibaba enyu; nokuti ivo vakavauraya zvirokwazvo, imwiwo munovaka marinda avo.

49 Naizvozvo uchenjeri hwaMwari hunotiwo: Ndichavatumira vaporofita nevaapositori, uye vamwe vavo vachavauraya nekushusha;

50 kuti ropa revaporofita vose rakateurwa kubva pakuvambwa kwenyika ritsvakwe pazera iri,

51 kubva paropa raAberi kusvika paropa raZakaria wakaparara pakati pearitari neimba yaMwari; hongu, ndinoti kwamuri: Richatsvakwa pazera iri.

52 Mune nhamo, nyanzvi dzemutemo! Nokuti makabvisa kiyi yeruzivo; hamuna kupinda momene, nevaipinda makavadzivirira.

53 Wakati achitaura zvinhu izvi kwavari, vanyori nevaFarisi vakatanga kuita daka naye zvikurusa, nekumubvunzisisa pamusoro pezvizhinji,

54 vachimuteya, nekutsvaka kubata chinhu chinobuda mumuromo make, vagomupa mhosva.