ShonaTeam Luke « 10 »

Vanhu makumi manomwe vanotumwa kunoparidza nekuporesa

10Shure kwezvinhu izvi, Ishe akagadza vamwe makumi manomwewo, akavatuma vaviri vaviri pamberi pechiso chake muguta rimwe nerimwe nenzvimbo imwe neimwe iye kwaaiva achizoenda.

2 Naizvozvo wakati kwavari: Goho zvirokwazvo iguru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai Ishe wegoho kuti abudisire vashandi pagoho rake.

3 Endai; tarirai, ini ndinokutumai semakwayana pakati pemapumhi.

4 Musatakura chikwama, kana nhava, kana manyatera; uye musakwazisa munhu panzira.

5 Zvino paimba ipi neipi yamunopinda, tangai kuti: Rugare kuimba ino.

6 Uye kana mwanakomana werugare ari ipapo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro payo; uye kana zvisakadaro, ruchadzokera kwamuri.

7 Garai mumba iyo, muchidya nekunwa zvinobva kwavari; nokuti mushandi wakafanirwa nemubairo wake; musapota-pota nedzimba.

8 Muguta ripi neripi mamunopinda, uye vakakugamuchirai, idyai zvinoiswa mberi kwenyu,

9 muporese varwere varimo, muchiti kwavari: Ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.

10 Asi muguta ripi neripi ramunopinda, vakasakugamuchirayi, budirai munzira dzaro, muti:

11 Kunyange guruva reguta renyu rakatinamatira, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi, kuti ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.

12 Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuSodhoma nezuva iro, kupfuura guta iro.

Kutukwa kwemaguta asina kutendeuka

13 Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nokuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vatendeuka kare, vakagara vakapfeka masaga nedota.

14 Asi zvichava nani kuTire neSidhoni pakutongwa, kupfuura imwi.

15 Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi kuhadhesi*.

16 Anokunzwai imwi anondinzwa ini; neanokurambai imwi anondiramba ini; neanondiramba ini anomuramba wakandituma.

Kudzoka kwevanhu makumi manomwe

17 Vane makumi manomwe vakadzoka nemufaro, vachiti: Ishe, nemadhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu.

18 Zvino akati kwavari: Ndakaona Satani semheni achiwa achibva kudenga.

19 Tarirai, ndinopa kwamuri simba rekutsika pamusoro penyoka nezvinyavada, nepamusoro pesimba rose remuvengi; uye hakuna chinhu chingatongokukuvadzai.

20 Asi musafara nechinhu ichi kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi zvikuru mufare kuti mazita enyu akanyorwa kumatenga.

Jesu anovonga Baba

21 Neawa iro Jesu wakafara mumweya, akati: Ndinokuvongai, Baba, Ishe wekudenga nenyika, kuti makavanza zvinhu izvi kune vakachenjera nevanonzwisisa, mukazvizarurira vacheche; hongu, Baba, nokuti saizvozvo zvakava zvakanaka pamberi penyu.

22 Zvose zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna anoziva kuti Mwanakomana ndiani, kunze kwaBaba, uye kuti Baba ndiani, kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanoda kuzarurira.

23 Zvino akatendeukira kuvadzidzi vari vega akati: Akaropafadzwa meso anoona zvamunoona.

24 Nokuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji nemadzimambo vaishuva kuona zvinhu zvamunoona imwi, asi havana kuzviona, nekunzwa zvinhu zvamunonzwa, asi havana kuzvinzwa.

Murairo mukuru

25 Zvino tarira, imwe nyanzvi yemutemo yakasimuka, ichimuidza, ichiti: Mudzidzisi, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?

26 Ndokuti kwaari: Pamurairo pakanyorwei? Unoverenga sei?

27 Uye achipindura, akati: Ude Ishe Mwari wako, nemoyo wako wose, uye nemweya weupenyu wako wose, uye nesimba rako rose, uye nepfungwa dzako dzose; neumwe wako sezvaunozvida iwe.

28 Akati kwaari: Wapindura zvakarurama; ita izvi, ugorarama.

Mufananidzo wemuSamariya ane tsitsi

29 Iye, achida kuzviruramisa, wakati kuna Jesu: Zvino ndiani umwe wangu?

30 Jesu akapindura akati: Umwe munhu wakaburuka kubva kuJerusarema achienda kuJeriko; akawira pakati pemakororo, akamukururawo akamupa mavanga akaenda, ndokusiya oda kufa.

31 Zvakangoitikawo kuti umwe mupristi waiva achiburuka nenzira iyo; akati achimuona, akapfuura neparutivi rwakapesa.

32 Saizvozvowo muRevhi asvika panzvimbo iyo, akamuona, akapfuura neparutivi rwakapesa.

33 Zvino umwe muSamariya, waiva achifamba wakasvika paaiva, akati achimuona akanzwa tsitsi,

34 akaswedera ndokupomba mavanga ake, achidiramo mafuta newaini; akamugadza pachipfuwo chake pachake, ndokumuisa kuimba yevafambi, ndokumuchengeta.

35 Zvino pamangwana oenda, wakabudisa madhenario* maviri akapa kumwene weimba, akati kwaari: Muchengete; uye zvose zvaunoshandisa kupfuura izvi, ini ndichakupazve kana ndichidzoka.

36 Naizvozvo ndeupi wevatatu ava waunofunga kuti waiva umwe waiye wakawira pakati pemakororo?

37 Akati: Ndiye wakamuitira tsitsi. Ipapo Jesu akati kwaari: Enda, newe unoita saizvozvo.

Marita naMaria

38 Zvino zvakaitika pakufamba kwavo, kuti iye wakapinda mune umwe musha; uye umwe mukadzi wainzi Marita akamugamuchira mumba make.

39 Uye iye waiva ane munin'inawo wainzi Maria, wakagarawo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake.

40 Asi Marita waiva akabatikana kwazvo nekushanda kukuru, akaswedera akati: Ishe, hamuna hanya here nokuti munin'ina wangu wandisiya ndega ndichishanda? Naizvozvo muudzei kuti andibatsire.

41 Jesu akapindura akati kwaari: Marita, Marita, unozvidya moyo nekutambudzika nezvinhu zvizhinji;

42 asi chinhu chimwe chinodikanwa; asi Maria wasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.