ShonaTeam Luke « 9 »

Gumi nevaviri vanotumwa kunoparidza nekuporesa

9Zvino wakadanira pamwe vadzidzi vake gumi nevaviri, akavapa simba nechikuriri pamusoro pemadhimoni ose, nekuporesa zvirwere.

2 Akavatuma kuparidza ushe hwaMwari nekuporesa varwere.

3 Zvino akati kwavari: Musatakura chinhu cherwendo, kana mudonzvo, kana nhava, kana chingwa, kana mari; uye musava nenguvo refu mbiri umwe neumwe.

4 Uye imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo, mugobvamo.

5 Uye ani nani asingakugamuchirii, kana mobuda paguta iro, zuzai kunyange guruva patsoka dzenyu, huve uchapupu hunopikisana navo.

6 Zvino vakabva vakaenda vachigura nemumisha yose, vachiparidza evhangeri, nekuporesa pose-pose.

Herodhi anokanganiswa pamusoro paJohwani Mubhabhatidzi

7 Zvino Herodhi, umwe wevatongi vana, wakanzwa zvose zvakaitwa naye; akakanganisika, nokuti zvairehwa nevamwe kuti Johwani waiva amuka kubva kuvakafa;

8 nevamwe kuti Eria waonekwa; nevamwe kuti umwe muporofita wevekare wamuka.

9 Asi Herodhi wakati: Johwani ndakagura musoro ini; asi ndiani uyu, ini wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake? Akatsvaka kumuona.

Vanhu zvuru zvishanu vanopiwa kudya naJesu

10 Zvino vaapositori vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavaiva vaita. Akavatora, akaenda navo vari voga kunzvimbo yerenje reguta rinonzi Bhetisaidha.

11 Zvino zvaunga zvakati zvazviziva, zvikamutevera; akavagamuchira, akataura kwavari zveushe hwaMwari, akaporesa vaiva vachida kuporeswa.

12 Zuva raiva rotanga kuvira; vanegumi nevaviri vakaswedera vakati kwaari: Regai chaunga chiende, kuti vaende kumisha nekuruwa rwakapoteredza, vagare, vawane kudya; nokuti pano patiri panzvimbo yerenje.

13 Asi wakati kwavari: Vapei imwi kuti vadye. Vakati: Hatina zvinopfuura zvingwa zvishanu, nehove mbiri, kunze kwekuti isu taenda kunotengera vanhu ava vose kudya.

14 Nokuti vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. Asi akati kuvadzidzi vake: Vagarisei pasi mumapoka, rimwe nerimwe makumi mashanu.

15 Vakaita saizvozvo, vakavagarisa vose pasi.

16 Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, akazvimedura, ndokupa vadzidzi kuti vagadzike pamberi pechaunga.

17 Vakadya, vakaguta vese; kukanongwa zvimedu zvakasara kwavari, matengu gumi nemaviri.

Petro anopupura kuti Jesu ndiye Kristu

18 Zvino zvakaitika ari oga achinyengetera, vadzidzi vaiva vanaye; akavabvunza, achiti: Zvaunga zvinoti ndini ani?

19 Ivo vakapindura vakati: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; nevamwe vakati: Umwe muporofita wevekare wamuka.

20 Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati: Kristu waMwari.

21 Akavayambirisa, akaraira kuti varege kuudza munhu izvi;

22 achiti: Mwanakomana wemunhu anofanira kutambudzika zvikuru, nekurambwa nevakuru nevapristi vakuru nevanyori, nekuurawa, nekumutswa nezuva retatu.

Kutevera Jesu

23 Zvino wakati kune vese: Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.

24 Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani nani anorasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu, iye achahuponesa.

25 Nokuti munhu angabatsirwa nei, kana akawana nyika yose, asi iye pachake azvitadzire kana kurasikirwa?

26 Nokuti ani nani anonyara pamusoro pangu nepamashoko angu, Mwanakomana wemunhu achanyara pamusoro pake paanouya mukubwinya kwake nekwaBaba nekwevatumwa vatsvene.

27 Asi ndinokuudzai zvechokwadi: Varipo vamwe vevamire pano vasingazoraviri rufu, kusvika vaona ushe hwaMwari.

Kubwinya kwaJesu pagomo

28 Zvino zvakaitika mazuva anenge masere mushure memashoko awa, kuti wakatora Petro naJohwani naJakobho, akakwira mugomo kunonyengetera.

29 Zvino zvakaitika mukunyengetera kwake, chimiro chechiso chake chikashanduka, uye nguvo yake ikachena, ikapenya.

30 Zvino tarira, varume vaviri vakataura naye, vaiva Mozisi naEria.

31 Vakaonekwa mukubwinya, vakataura zvekubva kwake kwaaiva achinopedzisa paJerusarema.

32 Asi Petro nevaiva naye vaiva varemerwa nehope; asi vakati vapepuka, vakaona kubwinya kwake, nevarume vaviri vaiva vamire naye.

33 Zvino zvakaitika pakubva kwavo paari, Petro akati kuna Jesu: Tenzi, zvakanaka kuti tive pano; zvino ngatiite matende matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria; asingazivi zvaanoreva.

34 Wakati achitaura izvi, kwakauya gore rikavadzikatira; vakatya pakupinda kwavo mugore.

35 Zvino kwakabuda inzwi mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa; inzwai iye.

36 Zvino inzwi rakati raitika, Jesu akawanikwa ari ega. Asi ivo vakanyarara, vakasaudza munhu mumazuva iwayo chimwe chezvinhu zvavaiva vaona.

Jesu anoporesa mukomana ane zvipusha

37 Zvino zvakaitika kuti nezuva raitevera, vaburuka mugomo, chaunga chikuru chikamuchingamidza.

38 Zvino tarira, murume muchaunga wakadanidzira, achiti: Mudzidzisi, ndinokukumbirisai, tarirai mwanakomana wangu nokuti ndiye wakaberekwa umwe woga wangu;

39 zvino tarirai, mweya unomubata, pakarepo woridza mhere, uye unomugwinhisa achipupuma furo, unorema kubva paari, asi uchimusvuura.

40 Zvino ndakakumbirisa vadzidzi venyu kuti vaubudise, asi vakasagona.

41 Jesu achipindura akati: Haiwa zera risina rutendo rakatsauka, ndichava nemwi kusvika rinhi, ndichikuitirai moyo murefu? Uisa mwanakomana wako pano.

42 Zvino wakati achaswedera, dhimoni rikamudambura, rikamugwinhisa zvikuru; asi Jesu akatsiura mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamudzosera kuna baba vake.

Jesu anotaura zverufu rwake nekumuka kwake

43 Vose ndokushamiswa zvikuru neukuru hwaMwari. Zvino vose vachakashamisika nezvose Jesu zvaakaita, akati kuvadzidzi vake:

44 Imwi isai mashoko awa munzeve dzenyu: Nokuti Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa mumaoko evanhu.

45 Asi havana kuziva chirevo ichi, uye chaiva chakavanzika kwavari, kuti vasachinzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pechirevo ichi.

Mukuru paushe hwekudenga

46 Zvino kwakamuka nharo pakati pavo, kuti ndiani angava mukurusa kwavari.

47 Asi Jesu wakati achiona kufunga kwemoyo wavo, akatora mucheche, akamuisa parutivi rwake,

48 akati kwavari: Ani nani anogamuchira mucheche uyu muzita rangu, anogamuchira ini, uye ani nani anogamuchira ini anogamuchira wakandituma; nokuti mudikisa pakati penyu mose, ndiye achava mukuru.

49 Johwani akapindura akati: Tenzi, taona umwe achibudisa madhimoni muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateverani nesu.

50 Asi Jesu akati kwaari: Musamudzivisa, nokuti uyo asingatipikisi, ndewedu.

VaSamariya vanoramba kugamuchira Jesu

51 Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva ekukwidzwa kwake, kuti iye akarinzira chiso chake kuenda kuJerusarema,

52 akatuma vatumwa pamberi pechiso chake; vakaenda, vakapinda mumusha wevaSamariya, kunomugadzirira.

53 Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chaienda kuJerusarema.

54 Zvino vadzidzi vake, Jakobho naJohwani, vakati vachizviona vakati: Ishe, munoda kuti tiraire moto uburuke kubva kudenga, uvapedze, Eria sezvaakaitawo here?

55 Asi wakatendeuka akavatsiura akati: Hamuzivi kuti imwi muri vemweya wakadii.

56 Nokuti Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoparadza upenyu hwevanhu asi kuhuponesa. Zvino vakaenda kune umwe musha.

Kutevera Jesu

57 Zvino zvakaitika vachifamba munzira, umwe wakati kwaari: Ishe, ndichakuteverai kupi zvako kwamunoenda.

58 Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paanotsamhidza musoro.

59 Akati kune umwe: Nditevere. Asi iye akati: Ishe, nditenderei ndiende kunoviga baba vangu pakutanga.

60 Asi Jesu wakati kwaari: Rega vakafa vavige vakafa vavo; asi iwe enda unoparidza ushe hwaMwari.

61 Umwezve akati: Ndichakuteverai Ishe, asi nditenderei kutanga kuti ndinovawoneka ivo vari mumba mangu.

62 Asi Jesu akati kwaari: Hakuna ungati kana aisa ruoko rwake pagejo, akacheukira kuzvinhu zviri shure, wakafanira ushe hwaMwari.