ShonaTeam Luke « 4 »

Kuedzwa kwaJesu

4Zvino Jesu azere neMweya Mutsvene wakadzoka achibva paJoridhani, akatungamirirwa neMweya kurenje,

2 achiidzwa nadhiabhorosi mazuva makumi mana. Uye waiva asingadyi chinhu nemazuva iwayo; zvino akati apera pakupedzisira akazonzwa nzara.

3 Zvino dhiabhorosi akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, udza ibwe iri kuti rive chingwa.

4 Jesu akamupindura, achiti: Kwakanyorwa kuti: Munhu haangararami nechingwa chete, asi neshoko rimwe nerimwe raMwari.

5 Dhiabhorosi ndokumutungamidza pagomo refu, akamuratidza ushe hwose hwenyika nenguva diki-diki.

6 Dhiabhorosi ndokuti kwaari: Simba iri rose ndichakupa nekukudzwa kwahwo, nokuti ndakaripiwa ini, uye ndinoripa ani nani wandinoda.

7 Naizvozvo iwe kana ukandinamata pamberi pangu, zvose zvichava zvako.

8 Jesu akapindura akati kwaari: Ibva shure kwangu, Satani; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchanamata Ishe Mwari wako, uye umushumire iye oga.

9 Akamutungamirira kuJerusarema, akamuisa pachiruvu chetembere, akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano;

10 nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Acharaira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;

11 uye: Pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe.

12 Jesu achipindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe Mwari wako.

13 Dhiabhorosi akati apedza muedzo wose, akabva kwaari kusvika pane imwe nguva.

Vanhu vanoramba Jesu paNazareta

14 Zvino Jesu wakadzokera kuGarirea nesimba reMweya; mukurumbira maererano naye ukabudira kudunhu rose rakapoteredza.

15 Iye ndokudzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa nevose.

16 Akasvika paNazareta, paaiva arerwa; netsika yake wakapinda musinagoge nemusi wesabata, akasimuka kuti averenge.

17 Akapiwa rugwaro rwemuporofita Isaya. Zvino wakati azarura rugwaro, akawana nzvimbo paiva pakanyorwa kuti:

18 Mweya waIshe uri pamusoro pangu, naizvozvo wakandizodza, kuti ndiparidzire evhangeri kuvarombo; wakandituma kuti ndiporese vakaputsika pamoyo, kuparidza kusunungurwa kuna vakatapwa, nekuona kumapofu, ndisunungure vakatsikirirwa,

19 kudanidzira gore rakanaka raIshe.

20 Akapeta rugwaro, akadzosera kumuranda, akagara pasi; meso evose vaiva musinagoge akamutarisisa.

21 Zvino akatanga kuti kwavari: Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.

22 Vose vakamupupurira, vakashamisika nemashoko enyasha akabuda mumuromo make, vakati: Uyu haasi mwanakomana waJosefa here?

23 Akati kwavari: Zvirokwazvo muchataura kwandiri dimikira iri: Murapi, zvirape iwe; zvose zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, zviitewo muno munyika yekwako.

24 Iye ndokuti: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakuna muporofita anogamuchirwa munyika yekwake.

25 Asi chokwadi ndinoti kwamuri: Chirikadzi zhinji dzaivako kuna Israeri pamazuva aEria, apo denga rakavharwa kwemakore matatu nemwedzi mitanhatu, zvekuti kwakava nenzara huru panyika yose;

26 asi Eria haana kutumwa kune umwe wavo, kunze kwekuSarepita yeSidhoni, kumukadzi chirikadzi.

27 Uye vane maperembudzi vazhinji vaivako kuna Israeri panguva yemuporofita Erisha; asi hakuna umwe wavo wakanatswa, kunze kwaNaamani muSiriya.

28 Ipapo vose vaiva vari musinagoge vakazara nehasha, vachinzwa zvinhu izvi.

29 Ndokusimuka, vakamusundidzira kunze kweguta, vakauya naye kusvika pamawere pegomo, paiva pakavakwa guta ravo, kuti vamuposhere pasi.

30 Asi iye wakapfuura nepakati pavo akaenda.

Jesu anoporesa munhu waiva nedhimoni paKapenaume

31 Wakabva aburukira Kapenaume, guta reGarirea; uye aivadzidzisa nemasabata.

32 Vakashamisika nedzidziso yake, nokuti shoko rake raiva rine simba.

33 Zvino musinagoge maiva mune munhu aiva ane mweya wedhimoni retsvina; ukadanidzira nenzwi guru,

34 ukati: Regai! Tinei nemwi Jesu muNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.

35 Zvino Jesu akautsiura, achiti: Nyarara, ubude kwaari! Dhimoni rakati ramuwisira pakati, rikabuda kwaari, risina kumukuvadza.

36 Kushamisika kukavasvikira vose, vakataurirana pachavo, vachiti: Ishoko ripi iri? Nokuti nesimba nechikuriri anoraira mweya yetsvina, ikabuda.

37 Mukurumbira maererano naye ukabuda kunzvimbo dzose dzedunhu rakapoteredza.

Jesu anoporesa mai vemukadzi waPetro nevamwe

38 Zvino wakasimuka akabuda musinagoge, akapinda mumba maSimoni; zvino mai vemukadzi waSimoni vaiva vakabatwa nefivhiri huru; vakamukumbirira kwaari.

39 Zvino akakotamira pamusoro pavo, akatsiura fivhiri, ikavarega; uye pakarepo vakasimuka vakavashandira.

40 Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva nevarwere vezvirwere zvakasiyana-siyana vakavauisa kwaari; akaisa maoko pamusoro peumwe neumwe wavo akavaporesa.

41 Nemadhimoni akabuda kuvazhinji, achidanidzira achiti: Imwi muri Kristu Mwanakomana waMwari. Akaatsiura akasaatendera kutaura, nokuti aiva achiziva kuti ndiKristu.

42 Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kunzvimbo yerenje, zvaunga zvikamutsvaka, zvikauya kwaari, zvikamudzivirira kuti arege kubva kwazviri.

43 Asi wakati kwavari: Ndinofanira kuparidzira evhangeri yeushe hwaMwari kumamwe magutawo; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.

44 Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.