ShonaTeam Luke « 3 »

Johwani Mubhabhatidzi anoparidza rubhabhatidzo rwekutendeuka

3Zvino negore regumi nemashanu rekutonga kwaTibherio Kesari, Pondiyo Pirato ari mutungamiriri weJudhiya, Herodhi ari umwe wevatongi vana weGarirea, Firipi munin'ina wake ari umwe wevatongi vana weIturea nedunhu reTrakoniti, Risanio ari umwe wevatongi vana weAbhirene,

2 Anasi naKayafasi vari vapristi vakuru, shoko raMwari rakasvika kuna Johwani mwanakomana waZakaria murenje.

3 Akasvika munyika yose yakapoteredza yaJoridhani, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeuka kuve kukanganwirwa kwezvivi;

4 sezvazvakanyorwa mubhuku remashoko aIsaya muporofita zvichinzi: Inzwi reanodana murenje richiti: Gadzirai nzira yaIshe; ruramisai migwagwa yake.

5 Mupata wose uchafusirwa, negomo roga-roga nechikomo zvichaderedzwa; zvakakombama zvicharuramiswa, uye makwiringwindi ave nzira dzakaenzana;

6 uye nyama yose ichaona ruponeso rwaMwari.

7 Naizvozvo wakati kuzvaunga zvaibudira kuzobhabhatidzwa naye: Imwi zvizvarwa zvenyoka, ndiani wakakutaridzirai kutiza hasha dzinouya?

8 Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka; uye musatanga kuti mukati menyu: Tina Abhurahama anova baba; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari anogona kubva pamabwe awa kumutsira Abhurahama vana.

9 Ikozvino sanhuwo ratoiswa pamudzi wemiti; naizvozvo muti umwe neumwe usingabereki chibereko chakanaka unotemerwa pasi, ugokandirwa mumoto.

10 Zvaunga zvikamubvunza, zvichiti: Zvino tichaitei?

11 Akapindura akati kwavari: Ane nguvo refu mbiri, ngaagovane neasina; neane kudya ngaaite saizvozvo.

12 Zvino kwakauyawo vateresi kuzobhabhatidzwa, vakati kwaari: Mudzidzisi, tichaitei?

13 Akati kwavari: Musateresa kupfuura pamakatemerwa napo.

14 Nemautowo akamubvunza, achiti: Ko isu tichaitei? Akati kwaari: Musatyityidzira munhu kana kupomera nhema; uye mugutsikane nemibairo yenyu.

15 Zvino vanhu vakati vachatarisira, vose vachirangarira mumoyo mavo pamusoro paJohwani, kuti zvimwe iye angava Kristu,

16 Johwani akapindura kune vose achiti: Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura; asi ane simba kupfuura ini anouya, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene nemoto;

17 werusero rwake rwuri muruoko rwake; uye achachenesa kwazvo buriro rake; uye achaunganidza zviyo mudura rake, asi hundi achaipisa nemoto usingadzimiki.

18 Naizvozvo achikurudzira nezvimwe zvinhu zvizhinji, akaparidzira vanhu evhangeri.

19 Asi Herodhi umwe wevatongi vana, wakati atsiurwa naye pamusoro paHerodhiasi, mukadzi waFiripi munin'ina wake, nezvakaipa zvose Herodhi zvaaiva aita,

20 wakawedzerazve ichi pamusoro pazvo zvose, kuti wakapfigira Johwani mutirongo.

Kubhabhatidzwa kwaJesu

21 Zvino zvakaitika kuti vanhu vose vabhabhatidzwa, Jesu abhabhatidzwawo, achinyengetera, denga rakazarurwa.

22 Mweya Mutsvene ndokuburukira pamusoro pake nechimiro chemuviri sewenjiva, inzwi ndokubva kudenga, richiti: Iwe uri Mwanakomana wangu anodikanwa, ndinofara mauri kwazvo.

Rudzi rwaJesu Kristu

23 Zvino iye Jesu waiva achitanga kuva nemakore anenge makumi matatu, ari (sezvaifungidzirwa) mwanakomana waJosefa, waHeri,

24 waMatati, waRevhi, waMeriki, waJanai, waJosefa,

25 waMatatiasi, waAmosi, waNaumi, waEsiri, waNagai,

26 waMaati, waMatatiasi, waSemeyi, waJosefa, waJudha,

27 waJohwana, waResa, waZerubhabheri, waSaratieri, waNeri,

28 waMeriki, waAdhi, waKosamu, waErimodhamu, waEri,

29 waJose, waEriezeri, waJorimu, waMatati, waRevhi,

30 waSimioni, waJudha, waJosefa, waJonanu, waEriakimu,

31 waMerea, waMenani, waMatata, waNatani, waDhavhidhi,

32 waJese, waObhedhi, waBhowazi, waSarimoni, waNaashoni,

33 waAminadhabhi, waAramu, waEsiromi, waFaresi, waJudha,

34 waJakobho, waIsaka, waAbhurahama, waTera, waNahori,

35 waSerugi, waRagau, waFareki, waEberi, waSara,

36 waKainani, waArifakisadhi, waSemu, waNowa, waRameki,

37 waMatusara, waEnoki, waJaredhi, waMarereeri, waKainani,

38 waEnosi, waSeti, waAdhamu, waMwari.