ShonaTeam Luke « 1 »

Shoko rekuvamba

1 Sezvo vazhinji vakabata kuronga nhoroondo yezvinhu zvakavimbika zvizere pakati pedu,

2 sezvavakapa kwatiri ivo kubva pakutanga vakazvionera, uye vari varanda veshoko,

3 zvakaonekwa zvakanaka kwandiriwo, ndanyatsoongorora zvinhu zvose kubva pakutanga, kuti ndikunyorerei nekutevedzanisa, imwi Teofiro changamire,

4 kuti muzive chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.

Zakaria anoziviswa kuberekwa kwaJohwani Mubhabhatidzi

5 Kwaivapo nemazuva aHerodhi mambo weJudhiya umwe mupristi wainzi Zakaria, weboka raAbhiya; nemukadzi wake waibva kuvanasikana vaAroni, nezita rake riri Erizabheti.

6 Uye vari vaviri vaiva vakarurama pamberi paMwari, vachifamba nemirairo yose nezviga zvaIshe, vasina chavangapomerwa.

7 Uye vaiva vasina mwana, nokuti Erizabheti waiva ari mhanje, uye vaiva vaenda pamakore vari vaviri.

8 Zvino zvakaitika kuti wakati achiita ushumiri hweupristi pamberi paMwari, pachidanho cheboka rake,

9 maererano netsika yeushumiri hweupristi, wakabatwa nemujenya kuti apise zvipfungaidzo zvinonhuhwira apinda mutembere yaIshe.

10 Zvino chaunga chose chevanhu chaiva chichinyengetera kunze nenguva yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.

11 Zvino kwakaonekwa kwaari mutumwa waIshe, amire kurutivi rwerudyi rwearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.

12 Zvino Zakaria wakati achimuona akanetseka, uye kutya kukamuwira.

13 Asi mutumwa wakati kwaari: Usatya Zakaria; nokuti munyengetero wako wanzwikwa, nemukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, ugotumidza zita rake Johwani.

14 Uye uchava nemufaro nekupembera, nevazhinji vachafarira kuberekwa kwake.

15 Nokuti achava mukuru pamberi paIshe, haangatongonwi waini kana zvinodhaka; uye achazadzwa neMweya Mutsvene kunyange kubva padumbu ramai vake.

16 Nevazhinji vevana vaIsraeri achatendeusira kuna Ishe Mwari wavo;

17 uye iye achafamba pamberi pake mumweya nesimba raEria, kutendeusira moyo yemadzibaba kuvana, nevasingateereri kuuchenjeri hwevakarurama, kugadzirira Ishe vanhu vakagadzirwa.

18 Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva nei? Nokuti ini ndava mukweguru, nemukadzi wangu waenda pamazuva ake.

19 Mutumwa achipindura akati kwaari: Ini ndini Gabhirieri, anomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure kwauri, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.

20 Zvino tarira, uchava chimumumu, usingagoni kutaura, kusvika zuva rinoitika zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achazadziswa nenguva yawo.

21 Vanhu vaiva vakamirira Zakaria, vakashamisika nekunonoka kwake mutembere.

22 Zvino wakati abuda, akakonewa kutaura kwavari; vakaziva kuti aiva aona chiratidzo mutembere; iye akavaninira nemaoko, akaramba ari chimumumu.

23 Zvino zvakaitika kuti mazuva ekushumira kwake akati achangopera, akaenda kumba kwake.

24 Zvino shure kwemazuva iwayo, mukadzi wake Erizabheti akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti:

25 Ishe wandiitira saizvozvo nemazuva aakanditarira, kuti abvise ruzvidzo rwangu pakati pevanhu.

Maria anoziviswa kuti achabereka Jesu

26 Zvino nemwedzi wechitanhatu mutumwa Gabhirieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea rinonzi Nazareta,

27 kumhandara, yaiva yatsidza kuwanikwa nemurume zita rake raiva Josefa, weimba yaDhavhidhi; uye zita remhandara riri Maria.

28 Mutumwa akapinda kwaari akati: Hekanhi, iwe une nyasha! Ishe anewe, wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi.

29 Iye wakati achimuona akanetseka neshoko rake, akafunganya kuti uku kukwazisa rudzii kwakadai.

30 Zvino mutumwa akati kwaari: Usatya Maria; nokuti wawana nyasha kuna Mwari.

31 Zvino tarira, uchava nemimba, ugozvara mwanakomana, uchatumidza zita rake kuti Jesu.

32 Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana weWekumusoro-soro; Ishe Mwari achapa kwaari chigaro cheushe chababa vake Dhavhidhi.

33 Achatonga pamusoro peimba yaJakobho kusvika narinhi, neushe hwake hahungavi nemugumo.

34 Maria ndokuti kumutumwa: Izvi zvingava sei, nokuti handizivi murume?

35 Mutumwa akapindura akati kwaari: Mweya Mutsvene uchauya pamusoro pako, nesimba reWekumusoro-soro richakudzikatira; naizvozvo icho chitsvene chichaberekwa newe chichanzi Mwanakomana waMwari.

36 Uye tarira, Erizabheti hama yako, iyewo wava nemimba yemwanakomana pakuchembera kwake; nemwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye wainzi mhanje.

37 Nokuti naMwari hakuna chinhu chisingazogoneki.

38 Maria ndokuti: Tarirai, murandakadzi waIshe; ngazvive kwandiri seshoko renyu. Mutumwa ndokubva kwaari.

Maria anondoshanyira Erizabheti

39 Zvino Maria akasimuka nemazuva iwayo akaenda kunyika yezvikomo nekukurumidza, kuguta raJudha;

40 akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erizabheti.

41 Zvino zvakaitika kuti Erizabheti wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akatamba mudumbu rake; naErizabheti akazadzwa neMweya Mutsvene,

42 akadanidzira nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi, uye chakaropafadzwa chibereko chedumbu rako!

43 Ko zvandibvira nepi, kuti mai vaIshe wangu vauye kwandiri?

44 Nokuti tarira, inzwi rekukwazisa kwako rangoti richisvika munzeve dzangu, mwana watamba mudumbu rangu nemufaro.

45 Uye wakaropafadzwa anotenda, nokuti zvakataurwa naIshe kwaari zvichazadziswa.

Rwiyo rwaMaria rwekurumbidza

46 Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe,

47 nemweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu;

48 nokuti wakatarira kuninipiswa kwemurandakadzi wake; nokuti tarira, kubva zvino mazera ose achati ndakaropafadzwa.

49 Nokuti ane masimba wakandiitira zvinhu zvikuru; nezita rake idzvene.

50 Netsitsi dzake dziri kune avo vanomutya kubva kumazera kusvika kumazera.

51 Wakaita zvine simba neruoko rwake; wakaparadzira vanozvikudza mundangariro dzemoyo yavo.

52 Wakaburusa vane masimba pazvigaro zveushe, uye akasimudza vakaderera.

53 Vane nzara wakavagutsa nezvinhu zvakanaka, asi vafumi wakavaendesa vasina chinhu.

54 Wakabatsira Israeri muranda wake kuti arangarire tsitsi,

55 sezvaakataura kumadzibaba edu, kuna Abhurahama nekumbeu yake kusvika rinhi narinhi.

56 Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, uye akadzokera kumba kwake.

Kuberekwa kwaJohwani Mubhabhatidzi

57 Zvino nguva yaErizabheti yekusununguka kwake yakazara; akabereka mwanakomana.

58 Zvino vavakidzani nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe waiva amuitira tsitsi dzake huru, vakafara naye.

59 Zvino zvakaitika kuti nezuva rerusere vakauya kuzodzingisa mucheche, vakamutumidza Zakaria, zvichienderana nezita rababa vake.

60 Asi mai vake vakapindura vakati: Kwete, asi achanzi Johwani.

61 Vakati kwaari: Hakuna munhu kuhama dzako anodaidzwa nezita iri.

62 Vakataura nemaoko kuna baba vake, kuti vanoda kuti anzi ani.

63 Vakakumbira chinyorero, vakanyora vachiti: NdiJohwani zita rake; vakashamisika vose.

64 Muromo wake ukazarurwa pakarepo, nerurimi rwake rukasununguka, akataura, achirumbidza Mwari.

65 Kutya kukawira vose vaigara vakavakomba; nemashoko awa ose akataurwa kunyika yose yezvikomo yeJudhiya.

66 Zvino vose vakanzwa, vakazviisa mumoyo mavo, vachiti: Mucheche uyu achazova ani? Uye ruoko rwaIshe rwakava naye.

Kuporofita kwaZakaria

67 Zvino Zakaria baba vake vakazadzwa neMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti:

68 Ngaarumbidzwe Ishe Mwari waIsraeri, nokuti wakashanyira nekuita rudzikunuro kuvanhu vake;

69 akatisimudzira runyanga rweruponeso mumba maDhavhidhi muranda wake;

70 sezvaakataura nemuromo wevaporofita vake vatsvene, vaiva varipo kubva pasichigare;

71 ruponeso pamhandu dzedu, neparuoko rwavose vanotivenga;

72 kuitira madzibaba edu tsitsi, nekurangarira sungano yake tsvene,

73 mhiko yaakapika kuna Abhurahama baba vedu;

74 kutipa, kuti tasunungurwa muruoko rwevavengi vedu, timushumire tisingatyi;

75 muutsvene nekururama pamberi pake mazuva ose eupenyu hwedu.

76 Newe mucheche, uchanzi muporofita weWekumusoro-soro, nokuti uchatungamira pamberi pechiso chaIshe, kugadzirira nzira dzake;

77 kupa ruzivo rweruponeso kuvanhu vake mukanganwiro yezvivi zvavo;

78 netsitsi dzemoyo dzaMwari wedu, marwuri mambakwedza anobva kumusoro anotishanyira;

79 kuvhenekera vagere murima nemumvuri werufu, nekururamisa tsoka dzedu munzira yerugare.

80 Mucheche akakura, akasimba mumweya, akava mumarenje, kusvika zuva rekuratidzwa kwake kuna Israeri.