ShonaTeam Mark « 13 »

Jesu anoporofita kuputswa kweJerusarema nekudzoka kwake

13Zvino wakati achibuda mutembere, umwe wevadzidzi vake wakati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabwe rudzii, nezvivakwa rudzii!

2 Jesu achipindura akati kwaari: Unoona zvivakwa izvi zvikuru here? Hakungatongosiiwi ibwe pamusoro pebwe, risingatongoputsirwi pasi.

3 Zvino wakati agara pagomo reMiorivhi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobho, naJohwani, naAndiriya vakamubvunza vari vega, vachiti:

4 Tiudzei, izvozvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chii kana izvozvi zvose zvozadziswa?

5 Zvino Jesu achivapindura akatanga kuti: Chenjerai kusava neanokutsausai.

6 Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu, vachatsausa vazhinji.

7 Asi kana muchinzwa zvehondo nerunyerekupe rwehondo, musakanganiswa; nokuti zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.

8 Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe; uye kuchava nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye kuchava nenzara, nematambudziko; izvi kutanga kwekurwadziwa.

9 Zvichenjererei imwi, nokuti vachakukumikidzai kumatare emakurukota, uye mumasinagoge mucharohwa, uye muchauyiswa pamberi pevatongi nemadzimambo nekuda kwangu, chive chapupu kwavari.

10 Uye evhangeri inofanira kutanga kuparidzirwa kumarudzi ose.

11 Asi kana vachikuuisai vachikutengesai, musafunganya pakutanga zvamuchataura, uye musafanorangarira; asi chero zvamunenge mapiwa nenguva iyo taurai izvozvo; nokuti hamusi imwi munotaura, asi Mweya Mutsvene.

12 Zvino mukoma achatengesera munin'ina kurufu, nababa mwanakomana; nevana vachamukira vabereki nekuvauraya;

13 uye muchavengwa nevose nekuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvika pakuguma, ndiye achaponeswa.

14 Zvino kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakataurwa naDhaniyeri muporofita, imire paisingafaniri (anorava ngaanzwisise), zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;

15 neari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburukira mumba, kana kupinda kunotora chinhu mumba make.

16 Neari mumunda ngaarege kutendeukira shure kunotora nguvo yake.

17 Asi vane nhamo avo vane mimba neavo vanonwisa nemazuva iwayo!

18 Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando.

19 Nokuti mumazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kwakadaro kusati kwakavapo kubva pakutanga kwezvisikwa Mwari zvaakasika, kusvika zvino, uye hakuchatongovipo.

20 Dai Ishe asina kuatapudza mazuva, hakuna chero nyama yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa, vaakasanangura, wakaatapudza mazuva.

21 Uye ipapo kana munhu achiti kwamuri: Tarirai, Kristu pano; kana: Tarirai apo; musatenda;

22 nokuti vana kristu venhema nevaporofita venhema vachamuka, vagoratidza zviratidzo nezvishamiso, kuti vatsause, kana zvichibvira, kunyange vasanangurwa.

23 Asi chenjerai imwi; tarirai, ndagara ndakuudzai zvinhu zvose.

24 Asi nemazuva iwayo, shure kwekutambudzika ikoko, zuva richasvibiswa, nemwedzi hauchazopi chiedza chawo,

25 nenyeredzi dzekudenga dzichawa, nemasimba ari kumatenga achazungunuswa.

26 Ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mumakore ane simba guru nekubwinya.

27 Ipapo achatuma vatumwa vake, vagounganidza pamwe vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumugumo wenyika kusvika kumugumo wedenga.

28 Zvino dzidzai mufananidzo kubva pamuonde; kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha raswedera.

29 Saizvozvo imwiwo, kana muchiona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti hwava pedo hwava pamukova.

30 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri, kusvika zvinhu izvi zvose zvaitika.

31 Denga nenyika zvichapfuura; asi mashoko angu haangatongopfuuri.

32 Asi zvezuva iro neawa hakuna anoziva, kunyange vatumwa vari kudenga, kunyange Mwanakomana, kunze kwaBaba.

33 Chenjerai, murinde, munyengetere; nokuti hamuzivi kuti nguva ndeyarinhi.

34 Semunhu wakafamba rwendo, akasiya imba yake, akapa simba kuvaranda vake, kune umwe neumwe basa rake, akarairawo murindi wemukova kuti arinde.

35 Naizvozvo rindai; nokuti hamuzivi kuti mwene weimba anouya rinhi, manheru, kana pakati peusiku, kana pakurira kwejongwe, kana mangwanani;

36 kuti arege kuuya kamwe-kamwe, akakuwanai murere.

37 Nezvandinotaura kwamuri, ndinotaurira vose: Rindai.