ShonaTeam Mark « 12 »

Mufananidzo wevarimi vakaipa

12Zvino wakatanga kutaura kwavari nemifananidzo, achiti: Munhu wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini, akavaka shongwe, akauhaisa* kuvarimi, ndokuenda parwendo.

2 Nenguva yakafanira, wakatumira muranda kuvarimi, kuti agamuchire kubva kuvarimi zvechibereko chemunda wemizambiringa.

3 Vakamubata vakarova, vakamuendesa asina chinhu.

4 Akatumazve kwavari umwe muranda; uyu vakamuposhera mabwe, vakamukuvadza mumusoro, vakamuendesa anyadziswa.

5 Zvino wakatumazve umwe; uyu vakamuurayawo; nevamwe vazhinji, vachirova vamwe, nekuuraya vamwe.

6 Naizvozvo waiva achine mwanakomana umwe mudikanwi wake, akamutumirawo kwavari pakupedzisira, achiti: Vachakudza mwanakomana wangu.

7 Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai ngatimuurayei, nhaka ichava yedu.

8 Vakamutora vakauraya, vakaposhera kunze kwemunda wemizambiringa.

9 Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa achaitei? Achauya akaparadza varimi, akapa munda wemizambiringa kune vamwe.

10 Ko hamuna kuverenga here rugwaro urwu rwunoti: Ibwe vavaki ravakarasa, ndiro rava musoro wekona;

11 izvi zvakaitwa naIshe, uye zvinoshamisa pameso edu?

12 Zvino vakatsvaka kumubata, asi vakatya chaunga; nokuti vaiziva kuti waiva ataura mufananidzo uyu akanangana navo. Vakamusiya vakaenda.

Kuripira Kesari mutero

13 Vakati vatuma kwaari vamwe vevaFarisi nevevaHerodhi, kuti vamubate pakutaura.

14 Zvino vakati vauya, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, uye hamuna hanya nemunhu; nokuti hamutariri chimiro chemunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi. Zviri pamutemo kupa Kesari mutero here, kana kwete?

15 Tipe here, kana tirege kupa? Asi iye wakaziva unyepedzeri hwavo, akati kwavari: Munondiidzirei? Ndivigirei dhenario*, kuti ndione.

16 Vakariuisa. Akati kwavari: Mufananidzo uyu nerunyoro urwu ndezvani? Vakati kwaari: ZvaKesari.

17 Jesu akapindura akati kwavari: Dzoserai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari. Vakashamisika naye.

Vanobvunza Jesu pamusoro pekumuka kwevakafa

18 Zvino kwakauya kwaari vaSadhusi, vanoti hakuna kumuka, vakamubvunza vachiti:

19 Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa, akasiya mukadzi, akasasiya vana, kuti munin'ina wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake mbeu.

20 Zvino kwaiva kune vanakomana vanomwe vemunhu umwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa akasasiya mbeu.

21 Wechipiri akamutora, akafa, iyewo akasasiya mbeu; newechitatu saizvozvo.

22 Nevanomwe vakamutora, vakasasiya mbeu; shure kwevose mukadzi akafawo.

23 Naizvozvo pakumuka, kana vachimuka, achava mukadzi wani kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye kuita mukadzi.

24 Jesu akapindura akati kwavari: Hamuna kurasika here neizvozvi, nokuti hamuzivi magwaro kana simba raMwari?

25 Nokuti kana vachimuka kubva kuvakafa, havawanani, kana kuwaniswa, asi vakaita sevatumwa vari kumatenga.

26 Zvino maererano nevakafa, kuti vanomutswa, hamuna kurava here mubhuku raMozisi, kuti Mwari wakataura naye sei mugwenzi reminzwa, achiti: Ndiri Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?

27 Haasi Mwari wevakafa, asi Mwari wevapenyu; imwi naizvozvo marasika kwazvo.

Murairo mukuru

28 Zvino umwe wevanyori wakasvika, wakati anzwa vachirangana, achiziva kuti waiva avapindura zvakanaka, akamubvunza achiti: Ndeupi murairo wekutanga kune yose?

29 Jesu akamupindura, achiti: Wekutanga kumirairo yose ndiwoyu: Inzwa Israeri, Ishe Mwari wedu, ndiIshe umwe chete!

30 Uye ida Ishe Mwari wako nemoyo wako wose, uye nemweya weupenyu wako wose, uye nepfungwa dzako dzose, uye nesimba rako rose. Uyu murairo wekutanga.

31 Newechipiri wakadai ndeuyu: Ida umwe wako sezvaunozvida. Hakuna umwe murairo mukuru kune iyi.

32 Zvino munyori akati kwaari: Zvakanaka, Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo kuti kuna Mwari umwe chete, uye hakuna umwe kunze kwake;

33 nekumuda nemoyo wose, uye nepfungwa dzose, uye nemweya weupenyu wose, uye nesimba rose, nekuda wekwako sezvaunozvida, zvinopfuura zvipiriso zvose zvinopiswa nezvibairo.

34 Zvino Jesu wakati achimuona kuti wapindura nenjere, akati kwaari: Hausi kure neushe hwaMwari. Kukasazova nemunhu wakatsunga kumubvunza.

Kristu Mwanakomana waDhavhidhi

35 Zvino Jesu wakati achidzidzisa mutembere, akapindura akati: Vanyori vanoreva sei kuti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?

36 Nokuti Dhavhidhi amene wakati neMweya Mutsvene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvika ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.

37 Naizvozvo Dhavhidhi amene anomuidza Ishe, ko Mwanakomana wake papi? Chaunga chikuru chikamunzwa nemufaro.

Jesu anonyevera vadzidzi vake

38 Zvino wakati kwavari padzidziso yake: Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, nekwaziso pamisika,

39 nezvigaro zvemberi mumasinagoge, nezvinzvimbo zvakakwirira pazvirairo;

40 vanodya dzimba dzechirikadzi, uye nekunyepedzera vachiita minyengetero mirefu; ivava vachagamuchira kuraswa kukuru kwazvo.

Jesu anorumbidza chipo chechirikadzi

41 Jesu akagara pasi akatarisana nechivigiro chezvipo, akatarira kuti chaunga chinokanda sei mari muchivigiro; zvino vafumi vazhinji vaiva vachikanda zvizhinji.

42 Zvino kwakasvika imwe chirikadzi murombo, ikakanda tumari twemhangura tuviri, ndiro kobiri.

43 Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda zvizhinji kupfuura vose vakanda muchivigiro chezvipo;

44 nokuti vose vakanda pamuraudziro wavo; asi iye paurombo hwake wakanda zvose zvaanazvo, zvose zveupenyu hwake.