ShonaTeam Mark « 10 »

Kurambana kwemurume nemukadzi

10Zvino wakati asimukapo, akauya kumiganhu yeJudhiya, achigura nemhiri kwaJoridhani; zvaunga ndokuunganirazve kwaari; zvino sezvaaiva ajaira, akavadzidzisa zvekare.

2 VaFarisi vakauya kwaari, vakamubvunza vachiti: Zvinotenderwa here kuti murume arambe mukadzi? vachimuidza.

3 Akapindura, akati kwavari: Mozisi wakakurairai chii?

4 Zvino vakati: Mozisi wakatendera kunyora rugwaro rwerambano, nekumuramba.

5 Jesu akapindura akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo wenyu wakakunyorerai murairo uyu.

6 Asi kubva pakutanga kwezvisikwa Mwari wakavaita murume nemukadzi.

7 Nekuda kweizvozvo munhu achasiya baba namai vake, anamatire mukadzi wake;

8 zvino ava vaviri vachava nyama imwe. Naizvozvo havasichiri vaviri, asi nyama imwe.

9 Naizvozvo Mwari zvaakabatanidza, ngapasava nemunhu anoparadzanisa.

10 Mumba vadzidzi vake vakapamha kumubvunza pamusoro pazvo.

11 Zvino akati kwavari: Ani nani anoramba mukadzi wake, akawana umwe, anoita upombwe kwaari.

12 Uye kana mukadzi achiramba murume wake, achiwanikwa neumwe, anoita upombwe.

Jesu anoropafadza vanana

13 Zvino vaiuya nevana vadiki kwaari, kuti avabate; asi vadzidzi vakatsiura avo vaiuya navo.

14 Zvino Jesu wakati achizviona, akatsamwa zvikuru, akati kwavari: Tenderai vana vadiki kuuya kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwevakadai.

15 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani asingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri.

16 Uye akavagumbatira, achiisa maoko pamusoro pavo, akavaropafadza.

Jaya mufumi

17 Zvino wakati achibudira kunzira, umwe wakamumhanyira, akamufugamira akamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?

18 Jesu akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, iye Mwari.

19 Unoiziva mirairo inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, usabiridzira, kudza baba namai vako.

20 Zvino akapindura akati kwaari: Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.

21 Jesu ndokumutarira akamuda, akati kwaari: Chinhu chimwe chaunoshaiwa; enda, utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, zvino uchava nefuma kudenga; ugouya utakure muchinjikwa, unditevere.

22 Asi asuwa neshoko iro, wakaenda neshungu, nokuti waiva ane nhumbi zhinji.

23 Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vacharemerwa sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari!

24 Vadzidzi vakashamisika nemashoko ake. Asi Jesu wakapindurazve, akati kwavari: Vana, zvinorema sei kune vanovimba nefuma kupinda muushe hwaMwari.

25 Zvingarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, pane kuti mufumi apinde muushe hwaMwari.

26 Ipapo vakashamisika zvisingaverengeki, vachitaurirana vachiti: Ndiani zvino angagoponeswa?

27 Zvino Jesu wakati achivatarira, akati: Kuvanhu hazvibviri, asi kwete kuna Mwari; nokuti kuna Mwari zvinhu zvose zvinobvira.

28 Petro akatanga kuti kwaari: Tarirai, isu takasiya zvose tikakuteverai.

29 Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwangu nekweevhangeri,

30 asingazogamuchiri kane zana ikozvino nenguva ino, dzimba, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, nanamai, nevana, neminda, pamwe nekushushwa, neupenyu husingaperi munguva inouya.

31 Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzisira vekutanga.

Jesu anovaudza zverufu rwake nekumuka kwake

32 Zvino vachiri munzira vachikwira kuJerusarema; Jesu akavatungamirira; vakashamisika; zvino pavaitevera, vaitya. Akatorazve vanegumi nevaviri, akatanga kuvaudza zvinhu zvaiva zvichizoitika kwaari,

33 achiti: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa kuvapristi vakuru nekuvanyori, uye vachamutongera rufu, nekumukumikidza kuvahedheni,

34 vachamusveveredza, vachamurova netyava, nekumupfira, nekumuuraya; zvino nezuva retatu achamukazve.

Vana vaZebhedhi vanokumbira kuva vakuru

35 Zvino Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari vachiti: Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chero chatichakumbira.

36 Akati kwavari: Chii chamunoda kuti ndikuitirei?

37 Vakati kwaari: Tipei kuti tigare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, uye umwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.

38 Asi Jesu wakati kwavari: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kunwa mukombe wandinonwa ini here, nekubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini here?

39 Vakati kwaari: Tingagona. Jesu ndokuti kwavari: Muchanwa zvirokwazvo mukombe wandinonwa ini, nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;

40 asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kupa, asi zvevakazvigadzirirwa.

41 Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira zvikuru Jakobho naJohwani.

42 Asi Jesu akavadanira kwaari akati kwavari: Munoziva kuti avo vanonzi machinda evahedheni anovadzvinyirira, nevakuru vavo vanoshandisa simba pamusoro pavo.

43 Zvino hazvingadaro pakati penyu; asi ani nani anoda kuva mukuru pakati penyu, achava mushandiri wenyu;

44 uye ani nani wenyu anoda kuva wekutanga, achava mushandi wevose.

45 Nokuti kunyange Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nekupa upenyu hwake ruve rudzikunuro rwevazhinji.

Jesu anosvinudza Bhatimeo paJeriko

46 Vakasvika kuJeriko. Zvino wakati achibuda Jeriko nevadzidzi vake nechaunga chikuru, Bhatimeo bofu, mwanakomana waTimeo, aiva agere padivi penzira achipemha.

47 Wakati anzwa kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, nekuti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!

48 Vazhinji vakamutsiura kuti anyarare; asi iye wakanyanya kudanidzira kwazvo, achiti: Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!

49 Jesu ndokumira, akati adanwe; vakadana bofu vachiti kwariri: Tsunga moyo; simuka, anokudana.

50 Ipapo rikarasa nguvo yaro rikasimuka, rikauya kuna Jesu.

51 Jesu akapindura, akati kwariri: Unoda kuti ndikuitirei? Bofu rikati kwaari: Rabhoni*, kuti ndionezve.

52 Jesu akati kwariri: Enda; rutendo rwako rwakuponesa. Pakarepo rikaonazve, rikatevera Jesu munzira.