ShonaTeam Mark « 9 »

Kubwinya kwaJesu pagomo

9Zvino wakati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingazoraviri rufu, kusvika vaona ushe hwaMwari huchiuya nesimba.

2 Zvino shure kwemazuva matanhatu, Jesu akatora Petro naJakobho naJohwani, akavatungamidza mugomo refu, pachavo vari voga; akashandurwa chimiro pamberi pavo.

3 Zvipfeko zvake zvikapenya, zvikachenesesa zvikuru semagada echando; hakuna musuki panyika angagona kuzvichenesa zvikadaro.

4 Zvino kwakaonekwa kwavari Eria naMozisi, uye vaitaurirana naJesu.

5 Petro akapindura akati kuna Jesu: Rabhi*, zvakanaka kuti tiri pano; uye ngativake matende matatu, rimwe renyu, uye rimwe raMozisi, uye rimwe raEria.

6 Nokuti waiva asingazivi chekutaura; nokuti vaitya zvikuru.

7 Zvino kwakava negore rakavadzikatira, inzwi rikabuda mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa, inzwai iye.

8 Kamwe-kamwe, vakati varinga-ringa, havana kuzochiona munhu, asi Jesu chete anavo.

9 Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavaraira kuti varege kuudza munhu zvavaiva vaona, kusvika Mwanakomana wemunhu amuka kubva kuvakafa.

10 Vakachengeta shoko iro mukati mavo, vachibvunzana kuti kumuka kwevakafa chii.

11 Vakamubvunza, vachiti: Vanyori vanoreverei kuti Eria anofanira kutanga kuuya?

12 Akapindura, akati kwavari: Eria zvirokwazvo anotanga kuuya, avandudze zvinhu zvose; kwakagonyorwa sei zveMwanakomana wemunhu, kuti achatambudzika zvinhu zvizhinji nekuzvidzwa?

13 Asi ndinoreva kwamuri kuti Eriawo wakasvika, vakamuitira zvose zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.

Jesu anoporesa mukomana ane zvipusha

14 Zvino wakati asvika kuvadzidzi, akaona chaunga chikuru chakavakomba, nevanyori vachipikisana navo.

15 Pakarepo chaunga chose chakati chichimuona chikashamisika zvikuru, ndokumumhanyira, chikamukwazisa.

16 Akabvunza vanyori akati: Munopikisanei navo?

17 Umwe wechaunga akapindura akati: Mudzidzisi, ndauisa kwamuri mwanakomana wangu, ane mweya wechimumumu;

18 pangava papi paunomubata, unomubvambura; opupuma furo, nekugeda-geda meno ake, uye anooma; zvino ndakataura kuvadzidzi venyu kuti vaubudise, uye vakasagona.

19 Akamupindura akati: Haiwa zera risina rutendo, ndichava nemwi kusvika rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvika rinhi? Muuyisei kwandiri.

20 Vakamuuisa kwaari; wakati achimuona, pakarepo mweya ukamubvambura; akawira pasi, akaumburuka achipupuma furo.

21 Ndokubva abvunza baba vake akati: Yava nguva yakadini kubvira izvozvi zvichiitika kwaari? Akati: Kubva paupwere.

22 Kazhinji wakamuwisira nemumoto nemumvura, kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.

23 Jesu ndokuti kwaari: Kana uchigona kutenda, zvinhu zvose zvinogoneka kune anotenda.

24 Uye pakarepo baba vemwana vakadanidzira nemisodzi vakati: Ndinotenda, Ishe, batsirai pakusatenda kwangu.

25 Jesu wakati achiona kuti chaunga chinouya chichimhanyirana, akatsiura mweya wetsina, akati kwauri: Iwe, mweya wechimumumu nematsi, ini ndinokuraira: Buda maari, uye urege kupindazve maari.

26 Zvino mweya ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru ukabuda; akaita sewakafa, nekudaro vazhinji vakati: Wafa.

27 Asi Jesu wakabata ruoko rwake akamusimudza; akasimuka.

28 Zvino wakati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti: Sei isu taiva tisingagoni kuubudisa?

29 Ndokubva ati kwavari: Zera iri harigoni kubuda nechinhu, kunze nekunyengetera nekutsanya.

Jesu anotaura zverufu rwake nekumuka kwake

30 Vakabva ipapo, vakagura neGarirea, uye aiva asingadi kuti chero ani azvizive.

31 Nokuti aidzidzisa vadzidzi vake, achiti kwavari: Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa mumaoko evanhu, uye vachamuuraya; kana aurawa achamuka nezuva retatu.

32 Asi havana kunzwisisa shoko iro, vachitya kumubvunza.

Mukuru paushe hwekudenga, nezvigumbuso

33 Zvino wakasvika muKapenaume; akati ava mumba, akavabvunza, achiti: Manga muchikakavadzana chii munzira?

34 Asi vakanyarara, nokuti munzira vaiva vakakavadzana kuti mukurusa ndiani.

35 Zvino akagara pasi, akadana vanegumi nevaviri, akati kwavari: Kana munhu achida kuva wekutanga, achava wekupedzisira kune vose nemushandi wevose.

36 Ndokutora mucheche, akamumisa pakati pavo; akati amugumbatira, akati kwavari:

37 Ani nani anogamuchira umwe wevacheche vakadai muzita rangu, anogamuchira ini; uye ani nani anogamuchira ini, haagamuchiri ini, asi uyo wakandituma.

38 Zvino Johwani akamupindura, achiti: Mudzidzisi, takaona umwe asingatiteveri achibudisa madhimoni muzita renyu; tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera.

39 Asi Jesu wakati: Musamudzivisa, nokuti hakuna munhu angaita basa resimba muzita rangu, anogona kukurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu.

40 Nokuti asingapikisani nesu, ndewedu.

41 Nokuti ani nani anokupai mukombe wemvura kuti munwe muzita rangu, nokuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangamborasikirwi nemubairo wake.

42 Uye ani nani anogumbusa umwe wevadiki ava vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe kupoteredza pamutsipa wake, akandirwe mugungwa.

43 Uye kana ruoko rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema, pane kuti une maoko maviri uende mugehena, mumoto usingadzimiki,

44 apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.

45 Uye kana rutsoka rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uchikamhina, pane kuti une tsoka mbiri ukandirwe mugehena, mumoto usingadzimiki,

46 apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.

47 Zvino kana ziso rako richikugumbusa, ridzure; zviri nani kwauri kupinda muushe hwaMwari une ziso rimwe, pakuti une maziso maviri, ukandirwe mugehena remoto,

48 apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.

49 Nokuti wose acharungwa nemoto uye chibairo chose chicharungwa nemunyu.

50 Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, mungaurunga nei? Ivai nemunyu mamuri, mugarisane nerugare.