ShonaTeam Mark « 8 »

Vanezvuru zvina vanogutswa nekudya naJesu

8Nemazuva iwayo zvakwaiva kune chaunga chikuru kwazvo, vasina chavangadya, Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari:

2 Ndine tsitsi nechaunga; nokuti chadogara neni mazuva matatu uye vasina zvavangadya.

3 Kana ndikavarega vaende kumba kwavo vasina kudya, vachaziya panzira; nokuti vamwe vavo vanobva kure.

4 Vadzidzi vake vakamupindura, vakati: Zvingabvepi zvingwa munhu zvaangagutsa nazvo ava murenje muno?

5 Akavabvunza, akati: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe.

6 Zvino akaraira chaunga kuti chigare pasi pavhu; akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pechaunga.

7 Uye vaiva vane hove diki shoma; zvino akadziropafadza, akati vadziisewo pamberi pavo.

8 Vakadya, vakaguta; ndokununga zvimedu zvakasara, matengu manomwe.

9 Avo vaiva vadya vainge vaiva zvuru zvina; akavarega vachienda.

10 Pakarepo akapinda muchikepe nevadzidzi vake, akauya kumativi eDharimanuta.

Jesu anoramba kuratidza chiratidzo

11 Zvino vaFarisi vakabuda, vakatanga kupikisana naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza.

12 Akagomera zvikuru pamweya wake akati: Zera iri rinotsvakirei chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna chiratidzo chichapiwa kuzera iri.

13 Ndokubva avasiya, akapindazve muchikepe, akabva akayambukira kumhiri.

Jesu anodudzira shoko rembiriso yevaFarisi nevaSadhusi

14 Zvino vadzidzi vaiva vakanganwa kutora zvingwa; uye vaiva vasina navo chinhu muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete.

15 Zvino akavaraira, achiti: Ngwarirai, muchenjere mbiriso yevaFarisi nembiriso yaHerodhi.

16 Vakarangana pakati pavo vachiti: Nokuti hatina zvingwa.

17 Zvino Jesu wakati achizviziva akati kwavari: Munorangana sei kuti hamuna zvingwa? Hamusati maziva kana kunzwisisa here? Muchine moyo mukukutu here?

18 Mune meso hamuoni here? Uye mune nzeve hamunzwi here? Uye hamurangariri here?

19 Pandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Vakati kwaari: Gumi nemaviri.

20 Uye pazvinomwe pavanezvuru zvina, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Ivo ndokuti: Manomwe.

21 Ndokubva ati kwavari: Sei musinganzwisisi?

Jesu anosvinudza bofu paBhetisaidha

22 Zvino wakasvika kuBhetisaidha; vakauisa bofu kwaari, vakamukumbirisa kuti aribate.

23 Akabata ruoko rwebofu, akaribudisira kunze kwemusha; akati apfira meso aro, akaisa maoko pamusoro paro, akaribvunza kana richiona chinhu.

24 Ndokutarira kumusoro rikati: Ndinoona vanhu vakaita semiti vachifamba.

25 Mushure maizvozvo akaisazve maoko pamusoro pameso aro akaritaridza kumusoro; uye rikaporeswa, rikaona vose zvakajeka.

26 Akariendesa kumba kwaro, achiti: Usapinda mumusha uye usaudza ani nani mumusha.

Petro anopupura kuti Jesu ndiye Kristu

27 Zvino Jesu akabuda nevadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesariya yeFiripi. Vari munzira akabvunza vadzidzi vake achiti kwavari: Vanhu vanoti ndini ani?

28 Vakapindura vachiti: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; vamwezve: Umwe wevaporofita.

29 Iye akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati kwaari: Imwi muri Kristu.

30 Akavaraira zvikuru kuti varege kuudza munhu pamusoro pake.

31 Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana wemunhu anofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji nekurambwa nevakuru nevapristi vakuru nevanyori, agourawa, uye mushure memazuva matatu amukezve.

32 Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akamutorera parutivi, akatanga kumutsiura.

33 Asi iye atendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akatsiura Petro achiti: Ibva shure kwangu, Satani; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.

Kutevera Jesu

34 Zvino wakati adanira kwaari chaunga pamwe nevadzidzi vake, akati kwavari: Ani nani anoda kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.

35 Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani nani acharasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu nekweevhangeri, uyu achahuponesa.

36 Nokuti zvinobatsirei munhu, kana akawana nyika yose, akarasikirwa nemweya weupenyu wake?

37 Kana kuti munhu achapei kuti chive muripo wemweya weupenyu wake?

38 Nokuti ani nani anonyara pamusoro pangu nepamashoko angu pazera iri reupombwe nekutadza, Mwanakomana wemhunhu achanyarawo pamusoro pake, paanouya mukubwinya kwaBaba vake pamwe nevatumwa vatsvene.