ShonaTeam Mark « 7 »

Jesu anotuka vaFarisi nevanyori pamusoro petsika dzavo

7Zvino kwakaunganira kwaari vaFarisi nevamwe vevanyori vaibva kuJerusarema;

2 vakati vaona vamwe vevadzidzi vake vachidya zvingwa nemaoko ane tsvina, ndiko kuti asina kushambwa, vakasvora.

3 Nokuti vaFarisi nevaJudha vose havadyi kunze kwekuti vashamba maoko kwazvo, vachibatirira tsika dzevakuru.

4 Kana vachibva pamusika, kunze kwekuti vashamba, havadyi; nezvimwe zvinhu zvizhinji zviripo zvavaiva vagamuchira kuti vazvichengete, zvinoti kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira, nenhovo.

5 Ipapo vaFarisi nevanyori vakamubvunza, vachiti: Nemhaka yei vadzidzi venyu vasingafambi netsika yevakuru, asi vanodya chingwa nemaoko asina kushambwa?

6 Asi wakapindura akati kwavari: Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu imwi vanyepedzeri, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Rudzi urwu rwunondikudza nemiromo, asi moyo wavo uri kure neni.

7 Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso dziri mirairo yevanhu.

8 Nokuti munosiya murairo waMwari, muchibatirira tsika yevanhu, sekusuka hari nemikombe, nezvimwe zvizhinji zvakadaro munozviita.

9 Zvino akati kwavari: Munoramba nemazvo murairo waMwari, kuti muchengete tsika yenyu.

10 Nokuti Mozisi wakati: Kudza baba vako namai vako; uye: Anotuka baba kana mai, anofanira kufa rufu.

11 Asi imwi munoti: Kana munhu achiti kuna baba kana mai: Chinhu chipi nechipi chamunobatsirwa nacho neni "iKorbani*", ndokuti chipo kuna Mwari;

12 hamuchamutenderi kuitira baba vake kana mai vake chinhu;

13 muchishayisa shoko raMwari maturo netsika yenyu yamunogamuchidzana; nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.

14 Zvino wakati adanira kwaari chaunga chose akati kwavari: Nditeererei mose, munzwisise.

15 Hapana chinhu chinobva kunze kwemunhu chinopinda maari chingamusvibisa; asi zvinhu zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu.

16 Kana aripo ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.

17 Zvino wakati apinda mumba achibva kuchaunga, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pemufananidzo.

18 Akati kwavari: Saizvozvo nemwi muri vasina kunzwisisa here? Hamunzwisisi here kuti chose chinobva kunze chichipinda mumunhu hachigoni kumusvibisa?

19 Nokuti hachipindi mumoyo make, asi mudumbu; chichibuda kunze, achinatsa kudya kose.

20 Ndokubva ati: Icho chinobuda mumunhu, ndicho chinosvibisa munhu.

21 Nokuti kubva mukati mumoyo wevanhu inobuda mifungo yakaipa, upombwe, ufeve, umhondi,

22 umbavha, ruchiva, kuipa, kunyengera, meso-meso, ziso rakaipa, kunyomba, kuzvikudza, upenzi;

23 zvose zvinhu izvi zvakaipa zvinobva mukati, zvichisvibisa munhu.

Jesu anoporesa mwanakomana wemukadzi weSirofenike

24 Zvino kubva ipapo wakasimuka akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni; akapinda mumba, asingadi kuti pave neanozviziva, asi akakoniwa kuvanzika.

25 Nokuti mukadzi waiva nemukunda mudiki aiva ane mweya wetsvina, akanzwa nezvake, akauya akawira patsoka dzake.

26 Uye mukadzi waiva muGiriki, muSirofenike pachizvarwa; akamukumbirisa kuti abudise dhimoni pamukunda wake.

27 Asi Jesu akati kwaari: Regai vana vatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chevana, ndokukandira kuimbwanana.

28 Akapindura akati kwaari: Hongu, Ishe; nokuti kunyange imbwanana dziri pasi petafura dzinodya zvezvimedu zvevana.

29 Akati kwaari: Nekuda kweshoko iri, enda; dhimoni rabuda pamukunda wako.

30 Akabva akaenda kumba kwake, akawana dhimoni rabuda, uye mukunda arere panhovo.

Jesu anoporesa munhu wematsi panyika yeDhekapori

31 Zvino wakatizve achibva kumiganhu yeTire neSidhoni, akauya kugungwa reGarirea, nepakati pemiganhu yeDhekapori.

32 Zvino vakauisa kwaari matsi yaikakamira, vakamukumbirisa kuti aise ruoko pamusoro pake.

33 Akamutora ari oga kubva pachaunga, akapinza mimwe yake munzeve dzake, akapfira, ndokubata rurimi rwake.

34 Atarira kumusoro kudenga, akatura befu, akati kwaari: "Efata"; ndiko kuti: Zarurwa!

35 Pakarepo nzeve dzake dzakazarurwa, chisungo cherurimi rwake chikasunungurwa, akataura zvakarurama.

36 Ndokuvaraira, kuti varege kuudza munhu; asi paainyanya kuvaraira, vakanyanya zvikuru kuparidza izvozvo.

37 Vakashamisika zvikuru kwazvo, vachiti: Wakaita zvose zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nezvimumumu kuti zvitaure.