ShonaTeam Mark « 4 »

Mufananidzo wemukushi

4Zvino wakatangazve kudzidzisa parutivi rwegungwa; kukaungana kwaari chaunga chikuru zvekuti wakapinda muchikepe akagara mugungwa; uye chaunga chose chaiva chiri pagungwa panyika.

2 Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati kwavari padzidziso yake:

3 Inzwai; tarirai, mukushi wakabuda kunokusha.

4 Zvino zvakaitika pakukusha, imwe yakawira parutivi rwenzira; shiri dzekudenga dzikauya dzikaidya dzikaipedza.

5 Asi imwe yakawira panzvimbo dzine mabwe, payaiva isina ivhu zhinji; pakarepo ikamera, nokuti yaiva isina udziku hwevhu;

6 asi zuva rakati rabuda, yakapiswa, uye nokuti yaiva isina mudzi, yakasvava.

7 Uye imwe yakawira paminzwa, minzwa ikakura ikaivhunga, ikasabereka chibereko.

8 Uye imwe yakawira muvhu rakanaka; ikabereka chibereko chakakura ikawedzera; ikabereka, imwe makumi matatu, neimwe makumi matanhatu, neimwe zana.

9 Ndokuti kwavari: Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.

10 Zvino wakati ava oga, vaiva vakamukomba nevanegumi nevaviri vakamubvunza zvemufananidzo.

11 Uye akati kwavari: Kwamuri kwakapiwa kuziva chakavanzika cheushe hwaMwari; asi kune avo vari kunze, zvose zvinoitwa nemifananidzo;

12 kuti vachiona vaone asi varege kuonesesa, vachinzwa vanzwe asi vasinganzwisisi, zvimwe chero nguva varege kutendeuka, vakanganwirwe zvivi.

13 Zvino akati kwavari: Hamuzivi mufananidzo uyu here? Zvino muchaziva sei mifananidzo yose?

14 Mukushi unokusha shoko.

15 Zvino ava ndivo veparutivi rwenzira, apo panokushwa shoko, uye kana vachirinzwa, pakarepo Satani anouya ndokubvisa shoko rakakushwa mumoyo yavo.

16 Uye saizvozvo ava ndivo vakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ivo kana vanzwa shoko, pakarepo vanorigamuchira nemufaro,

17 asi havana mudzi mavari, asi ndevenguva; pashure kana matambudziko kana kushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa.

18 Zvino ava ndivo vanokushwa muminzwa, vanonzwa shoko,

19 asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma neruchiva pamusoro pezvimwe zvinhu zvichipinda, zvichivhunga shoko, rova risingabereki.

20 Naava ndivo vakakushwa muvhu rakanaka, ndivo vanonzwa shoko, ndokugamuchira, vagobereka chibereko, umwe makumi matatu, uye umwe makumi matanhatu, uye umwe zana.

Mufananidzo wemwenje

21 Zvino wakati kwavari: Mwenje unouiswa kuti uiswe pasi pedengu kana pasi pemubhedha here? Kwete kuti uiswe pachigadziko chemwenje here?

22 Nokuti hapana chakavigwa chisingazovhundunurwi; uye hapana chakachengetwa chakavanda, asi kuti zvibude pachena.

23 Kana munhu ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.

24 Zvino wakati kwavari: Chenjererai zvamunonzwa; nechiyero chamunoyera nacho chichayerwa kwamuri, nekwamuri imwi munonzwa, chichawedzerwa.

25 Nokuti ani nani anacho achapiwa; asi asina achatorerwa kunyange nechaanacho.

Kukura kweushe hwekudenga

26 Zvino akati: Hwakadaro ushe hwaMwari, sezvinonzi munhu anokusha mbeu muvhu.

27 Zvino orara nekumuka usiku nemasikati, mbeu inomera ichikura iye asingazivi kuti sei.

28 Nokuti ivhu rinozviberekera chibereko pacharo, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura.

29 Asi kana chibereko chaibva, pakarepo anotuma jeko, nokuti kukohwa kwasvika.

Mufananidzo wetsanga yemasitadha*

30 Zvino wakati: Tichafananidza nei ushe hwaMwari? Kana tingahuenzanisa nemuenzaniso upi?

31 Setsanga yemasitadha*, iyo kana ichidzvarwa muvhu, idikisa kumbeu dzose dzepanyika;

32 asi kana yadzvarwa, inokura ichiva huru kumiriwo yose, ichiita matavi makuru zvekuti shiri dzekudenga dzinogona kuvakira pasi pemumvuri wawo.

33 Zvino nemifananidzo mizhinji yakadaro wakataura shoko kwavari, sepavaigona kunzwa napo.

34 Asi kunze kwemufananidzo haana kutaura kwavari; asi vava vega, wakadudzira vadzidzi vake zvose.

Jesu anonyaradza dutu remhepo

35 Zvino nezuva iro ava madekwani, wakati kwavari: Ngatiyambukire mhiri.

36 Vakarega chaunga chichienda, vakaenda naye akangodaro muchikepe. Zvino kwaivawo nemamwe magwa naye.

37 Zvino kwakamuka dutu guru remhepo, mafungu akazvirovera muchikepe, zvekuti chaiva zvino chozadzwa.

38 Asi iye waiva ari shure muchikepe arere pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari: Mudzidzisi, hamuna hanya kuti toparara here?

39 Akamuka akatsiura mhepo, akati kugungwa: Nyarara, gadzikana! Mhepo ikamira, kukava nekudzikama kukuru.

40 Ndokuti kwavari: Munotyirei zvakadaro? Hamuna rutendo sei?

41 Vakatya nekutya kukuru, vakati umwe kune umwe: Zvino ndiani uyu, kuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?