ShonaTeam Mark « 3 »

Jesu anoporesa munhu waiva noruoko rwakawonyana

3Zvino wakapindazve musinagoge, zvino kwaiva kune munhuko waiva ane ruoko rwakawonyana.

2 Zvino vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nesabata, kuti vamupomere.

3 Zvino akati kumunhu waiva neruoko rwakawonyana: Simuka uende pakati.

4 Akati kwavari: Zviri pamutemo here kuita zvakanaka nemasabata, kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu, kana kuuraya? Asi vakanyarara.

5 Zvino wakati aringa-ringa kwavari, nekutsamwa, ane shungu nekuda kwekuoma kwemoyo wavo, akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako. Ndokutandavadza; ruoko rwake ndokuporeswa rwukagwinya serumwe.

6 VaFarisi vakabuda pakarepo vakarangana nevaHerodhi vachimupikisa kuti vangamuparadza sei.

Jesu anoporesa vazhinji

7 Zvino Jesu akabva nevadzidzi vake vakaenda kugungwa; chaunga chikuru chikamutevera chichibva kuGarirea, nekuJudhiya,

8 nekuJerusarema, nekuIdhumeya, nemhiri kwaJoridhani, nevakapoteredza Tire neSidhoni, chaunga chikuru, vakati vanzwa makuriro ezvinhu zvaanoita, vakauya kwaari.

9 Akataura kuvadzidzi vake kuti igwa diki rimugarire nekuda kwechaunga, kuti varege kumutsikirira.

10 Nokuti waiva aporesa vazhinji zvekuti vose vaiva vane zvirwere vaiwira pamusoro pake kuti vamubate.

11 Nemweya yetsvina, payakamuona yakawira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti: Imwi muri Mwanakomana waMwari.

12 Akairairisa zvikuru kuti irege kumubudisa pachena.

Jesu anodana vadzidzi vake

13 Zvino wakakwira mugomo, akadanira kwaari vaaiva achida iye; uye vakauya kwaari.

14 Akagadza gumi nevaviri, kuti vave naye, uye kuti avatume kunoparidza,

15 uye vave nesimba rekuporesa zvirwere nekubudisa madhimoni.

16 NaSimoni akamutumidza zita rinonzi Petro,

17 naJakobho waZebhedhi, naJohwani munin'ina waJakobho; akavatumidza mazita anonzi Bowanegesi, ndokuti, vanakomana vekutinhira;

18 naAndiriya, naFiripi, naBhatoromiyo, naMatewu, naTomasi, naJakobho waArifiyosi, naTadhiyo, naSimoni muKenani,

19 naJudhasi Isikariyoti, iye wakamutengesawo. Ndokubva vapinda mumba.

Kumhura Mweya Mutsvene

20 Chaunga chikaunganazve zvekuti vaiva vasingagoni kunyange kudya chingwa.

21 Vekwake vakati vachizvinzwa vakabuda kunomubata; nokuti vakati: Anopenga.

22 Nevanyori vakaburuka vachibva kuJerusarema vakati: Ana Bheerizebhuri, uye kuti: Anobudisa madhimoni nemutungamiriri wemadhimoni.

23 Zvino akavadanira kwaari, akati kwavari nemifananidzo: Satani angagona kubudisa Satani sei?

24 Kana ushe hwakapesana huchizvipikisa, ushe uhwo hahungagoni kumira.

25 Kana imba yakapesana ichizvipikisa, imba iyo haigoni kumira.

26 Uye kana Satani achizvimukira, akapesana, haangagoni kumira, asi anoguma.

27 Hakuna angagona kupinda mumba mechikakarara, akapamba nhumbi dzacho, kunze kwekuti atanga kusunga chikakarara, ndokuzopamba imba yacho.

28 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvivi zvose zvichakanganwirwa kuvanakomana vevanhu, nekunyomba kose kwavanonyomba nako;

29 asi ani nani anonyomba achipikisa Mweya Mutsvene haana kanganwiro kusvika narinhi asi ane mhosva yekutongwa kusingaperi.

30 Nokuti vakati: Ane mweya wetsvina.

Ukama naJesu

31 Zvino kwakauya vanin'ina namai vake, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari vachimudana.

32 Chaunga chaiva chigere chakamukomba; vakati kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vari panze vanokutsvakai.

33 Akavapindura achiti: Mai vangu ndiani, kana vanin'ina vangu?

34 Zvino akaringa-ringa kupoteredza avo vaiva vagere vakamukomba akati: Tarirai mai vangu nevanin'ina vangu.

35 Nokuti ani nani anoita kuda kwaMwari, ndiye munin'ina wangu nehanzvadzi yangu namai.