ShonaTeam Mark « 2 »

Jesu anoporesa munhu wakafa mitezo

2Zvino wakapindazve muKapenaume pashure pemazuva; uye zvikanzwikwa kuti ari mumba.

2 Zvino pakarepo vazhinji vakaungana zvekuti paiva pasisina nzvimbo, kunyange pamukova; akataura shoko kwavari.

3 Vakauya kwaari, vakauisa waiva akafa mitezo, akatakurwa nevanhu vana.

4 Zvino vakati vasingagoni kusvika pedo naye nekuda kwechaunga, vakapfurunyura denga paaiva ari, vakati varidzura vakaburusira nhovo yaaiva arere pairi iye waiva akafa mitezo.

5 Jesu wakati aona rutendo rwavo akati kune waiva akafa mitezo: Mwana, zvivi zvako zvakanganwirwa kwauri.

6 Zvino vamwe vevanyori vaiva vagerepo, vakafunga mumoyo yavo vachiti:

7 Uyu anotaurirei kunyomba sezvizvi? Ndiani anogona kukanganwira zvivi kunze kweumwe chete, Mwari?

8 Zvino pakarepo Jesu achiziva mumweya wake kuti vanofunga saizvozvo mukati mavo wakati kwavari: Munofungirei zvinhu izvi mumoyo yenyu?

9 Chii chakareruka zvikuru, kuti kune wakafa mitezo: Zvivi zvako zvakanganwirwa kwauri; kana kuti: Simuka, utore nhovo yako, ufambe?

10 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekukanganwira zvivi (akati kune waiva akafa mitezo):

11 Ndinoti kwauri: Simuka utore nhovo yako, uende kumba kwako.

12 Zvino pakarepo wakasimuka, akatora nhovo, ndokubuda pamberi pavo vose; zvekuti vose vakashamisika, vakarumbidza Mwari, vachiti: Hatina kumbozviona zvakadai.

Kudanwa kwaRevhi

13 Wakabudazve parutivi rwegungwa, chaunga chose chikauya kwaari, akavadzidzisa.

14 Wakati achipfuura, akaona Revhi waArifiyosi agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere. Akasimuka akamutevera.

15 Zvino zvakaitika agere pakudya mumba make, kuti vateresi vazhinji nevatadzi vakagarawo pamwe naJesu nevadzidzi vake; nokuti vaiva vari vazhinji vakamutevera.

16 Zvino vanyori nevaFarisi vakati vamuona achidya nevateresi nevatadzi, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei achidya nekunwa nevateresi nevatadzi?

17 Jesu wakati achizvinzwa akati kwavari: Vatano havadi chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi mukutendeuka.

Kutsanya

18 Uye vadzidzi vaJohwani nevevaFarisi vaitsanya; vakauya vakati kwaari: Nemhaka yeyi vadzidzi vaJohwani nevevaFarisi vachitsanya asi vadzidzi venyu havatsanyi?

19 Jesu akati kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kutsanya muwani achiri kwavari here? Kana vachingova nemuwani kwavari, havagoni kutsanya;

20 asi mazuva achasvika apo muwani achabviswa kwavari, ipapo mumazuva ayo vachatsanya.

21 Uye hakuna anosonera chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu; kana zvikasadaro chinoiswa chinobvaruka kubva pachiri, chitsva kubva pane chakasakara, buri rikanyanya.

22 Uye hakuna anodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvikasadaro waini itsva inoparusa hombodo, waini ikateuka nehombodo ikaparara; asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva.

Jesu Ishe wesabata

23 Zvino zvakaitika kuti achigura nemuminda yezviyo nesabata, vadzidzi vake ndokutanga kutanha hura vachifamba.

24 VaFarisi ndokuti kwaari: Tarira, vanoitirei nesabata izvo zvisiri pamutemo?

25 Iye akati kwavari: Hamuna kutomboverenga here Dhavhidhi zvaakaita, paaiva ashaiwa, ava nenzara, iye nevaiva vanaye?

26 Kuti wakapinda sei mumba maMwari nenguva yaAbhiatari mupristi mukuru, akadya zvingwa zvekuratidza zvaiva zvisiri pamutemo kudyiwa, kunze nevapristi, akapawo kwavari vaiva naye?

27 Akati kwavari: Sabata rakaitirwa munhu, kwete munhu kuitirwa sabata.

28 Naizvozvo Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyange wesabata.