ShonaTeam Mark « 1 »

Johwani Mubhabhatidzi anoparidza kuuya kwaJesu

1 Kutanga kweevhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari;

2 sezvazvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako.

3 Inzwi reanodanidzira murenje, richiti: Gadzirai mugwagwa waIshe; ruramisai nzira dzake.

4 Kwakauya Johwani achibhabhatidza murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeukira kukanganwiro yezvivi;

5 zvino kwakabudira kwaari nyika yose yeJudhiya, naivo veJerusarema, ndokubhabhatidzwa vose naye murwizi rweJoridhani vachireurura zvivi zvavo.

6 Uye Johwani waiva akapfeka makushe ekamera, nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake, waidya mhashu neuchi hwedondo.

7 Akaparidza, achiti: Kunouya ane simba kupfuura ini shure kwangu, wandisina kufanira kukotama kuti ndisunungure tambo yeshangu dzake.

8 Ini zvirokwazvo ndakubhabhatidzai nemvura; asi iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene.

Kubhabhatidzwa kwaJesu

9 Zvino zvakaitika nemazuva ayo kuti Jesu wakabva Nazareta yeGarirea, akabhabhatidzwa naJohwani muna Joridhani.

10 Pakarepo achibuda mumvura, wakaona matenga akazarurwa, neMweya senjiva achiburukira pamusoro pake.

11 Zvino kwakaitika inzwi richibva kumatenga richiti: Iwe uri Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo.

Kuedzwa kwaJesu

12 Zvino pakarepo Mweya wakamutinhira kurenje.

13 Akavako murenje mazuva makumi mana achiidzwa naSatani, uye waiva ane mhuka dzesango, vatumwa vachimushandira.

Jesu anodana vadzidzi vekutanga

14 Zvino shure kwekukumikidzwa kwaJohwani, Jesu wakasvika muGarirea, achiparidza evhangeri yeushe hwaMwari,

15 achiti: Nguva yazadziswa, uye ushe hwaMwari hwaswedera; tendeukai, mutende evhangeri.

16 Wakati achifamba-famba parutivi rwegungwa reGarirea, akaona Simoni naAndiriya munin'ina wake vachikandira mumbure mugungwa; nokuti vaiva vari varedzi.

17 Jesu akati kwavari: Nditeverei, ndichakuitai muve varedzi vevanhu.

18 Pakarepo vakasiya mimbure yavo, ndokumutevera.

19 Wakati apfuura zvishoma ipapo, akaona Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake, naivo vari muchikepe vachigadzira mimbure.

20 Pakarepo akavadana; ndokusiya baba vavo Zebhedhi muchikepe nevarikichi, vakamutevera.

Jesu anoporesa munhu waiva nedhimoni paKapenaume

21 Zvino vakapinda muKapenaume; zvino pakarepo nesabata wakapinda musinagoge, akadzidzisa.

22 Vakashamisika nedzidziso yake; nokuti wakavadzidzisa seane simba, uye kwete sevanyori.

23 Zvino kwaiva musinagoge ravo nemunhu waiva ane mweya wetsvina, akadanidzira,

24 achiti: Regai, tinei nemwi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.

25 Jesu ndokumutsiura achiti: Nyarara, ubude maari!

26 Zvino mweya wetsvina wakati amugwinhisa, ndokudanidzira nenzwi guru, akabuda kwaari.

27 Vakashamisika vose, kusvika vabvunzana, vachiti: Chii ichi? Idzidziso itsva yei iyi? Nokuti nesimba anoraira kunyange mweya yetsvina, uye inomuteerera.

28 Zvino pakarepo shoko rake rikabudira panyika yose yakapoteredza Garirea.

Jesu anoporesa mai vemukadzi waPetro nevamwe

29 Zvino pakarepo vakati vachibuda musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndiriya vana Jakobho naJohwani.

30 Asi mai vemukadzi waSimoni vaiva varere vane fivhiri, pakarepo vakamuudza nezvavo;

31 akaswedera, akavabata ruoko, akavamutsa; fivhiri ikavarega pakarepo, ivo vakavashandira.

32 Zvino ava madekwani, zuva rovira, vakauisa kwaari vose vaiva vachirwara nevaiva vane madhimoni.

33 Zvino guta rose raiva rakaungana pamukova.

34 Akaporesa vazhinji vaiva vachirwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, nekubudisa madhimoni mazhinji; uye haana kutendera madhimoni kutaura, nokuti aimuziva.

35 Zvino mangwanani kuchine rima guru, wakasimuka, akabuda, akaenda kunzvimbo murenje, akanonyengeterapo.

36 Simoni nevaiva vanaye vakamutsvakisisa.

37 Zvino vakati vamuwana vakati kwaari: Vose vanokutsvakai.

38 Ndokubva ati kwavari: Ngatiende kumisha iri pedo, kuti ndinoparidzawo ikoko, nokuti ndizvo zvandakabudira.

39 Akabva aparidza mumasinagoge avo paGarirea rose, achibudisa madhimoni.

Jesu anoporesa munhu ane maperembudzi

40 Zvino kwakauya kwaari ane maperembudzi, achimukumbirisa, ndokumufugamira achiti kwaari: Kana muchida munogona kundinatsa.

41 Jesu akanzwa tsitsi, akatandavadza ruoko, akamubata akati kwaari: Ndinoda, natswa;

42 achangotaura, maperembudzi akabva kwaari pakarepo, akanatswa.

43 Zvino akamuraira zvikuru, akamurega achienda pakarepo,

44 akati kwaari: Ona kuti urege kuudza munhu chinhu; asi enda, uzviratidze kumupristi, ubaire pamusoro pekunatswa kwako Mozisi zvaakaraira, chive chapupu kwavari.

45 Asi iye wakabuda akatanga kuparidza zvikuru nekuvavaza kunze shoko iro, zvekuti waiva asingachagoni kupinda muguta pachena, asi waiva ari kunze kunzvimbo dzerenje. Vakauya kwaari vachibva kumativi ose.