ShonaTeam Matthew « 26 »

VaJudha vanorangana kuuraya Jesu

26Zvakaitika Jesu apedza mashoko aya ose, akati kuvadzidzi vake:

2 Munoziva kuti mushure memazuva maviri ichava pasika, uye Mwanakomana wemunhu achatengeswa kuti arovererwe pamuchinjikwa.

3 Ipapo kwakaungana vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu muchivanze chemupristi mukuru wainzi Kayafasi.

4 Vakarangana kuti vabate Jesu nemano, vagomuuraya.

5 Asi vakati: Kwete pamutambo, kuti kurege kuva nebongozozo pakati pevanhu.

Jesu anozodzwa nemukadzi paBhetaniya

6 Zvino Jesu wakati ari paBhetaniya mumba maSimoni wemaperembudzi,

7 kwakasvika kwaari mukadzi nechinu chearibhasiteri* chechizoro chinokosha zvikuru, akadururira mumusoro wake agere pakudya.

8 Asi vadzidzi vake vakati vachiona, vakatsamwa vachiti: Kutambisa uku ndokwei?

9 Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo.

10 Asi Jesu aziva wakati kwavari: Munotambudzirei mukadzi? Nokuti aita basa rakanaka kwandiri.

11 Nokuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose.

12 Nokuti pakundidira chizoro ichi pamuviri wangu, waitira kuvigwa kwangu.

13 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kose kunozoparidzirwa evhangeri iyi panyika yose, izvi mukadzi zvaaitawo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.

Judhasi Isikariyoti anotsvaka kutengesa Jesu

14 Ipapo umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Judhasi Isikariyoti, wakaenda kuvapristi vakuru,

15 akati: Munoda kundipei, ini ndigomukumikidza kwamuri? Vakamutemera masirivha makumi matatu.

16 Uye kubva panguva iyo akatsvaka mukana wakafanira kuti amukumikidze.

Pasika nechirairo chaIshe

17 Nerekutanga rezvingwa zvisina mbiriso vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tikugadzirirei kudya pasika?

18 Akati: Endai muguta kune umwe munhu, muti kwaari: Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yava pedo; ndichaita pasika kwauri nevadzidzi vangu.

19 Vadzidzi vakaita Jesu sezvaakavaraira; vakagadzirira pasika.

20 Zvino ava madekwani akagara pakudya nevanegumi nevaviri.

21 Vakati vachidya akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu achanditengesa.

22 Zvino vakashungurudzika zvikuru, vakatanga umwe neumwe wavo kuti kwaari: Ishe, zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here?

23 Ndokupindura akati: Anoseva ruoko neni mundiro ndiye achanditengesa.

24 Mwanakomana wemunhu anoenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuberekwa.

25 Judhasi uyo wakamutengesa ndokupindura akati: Rabhi*, zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? Akati kwaari: Wataura iwe.

26 Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa vadzidzi akati: Torai, idyai, ichi ndiwo muviri wangu.

27 Akatora mukombe, akavonga, akapa kwavari, achiti: Inwai mose pauri.

28 Nokuti iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji rekukanganwirwa kwezvivi.

29 Asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino handichatongonwi zvechibereko ichi chemuzambiringa, kusvika zuva iro randichazonwa naro nemwi chava chitsva muushe hwaBaba vangu.

30 Zvino vakati vaimba rwiyo vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.

Jesu anoudza Petro kuti achamuramba

31 Ipapo Jesu wakati kwavari: Imwi mose muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, uye makwai eboka achaparadzirwa.

32 Asi shure kwekunge ndamutswa, ndichakutungamirirai kuGarirea.

33 Asi Petro wakapindura akati kwaari: Kunyange vose vakagumburwa nekuda kwenyu, ini handingatongogumburwi.

34 Jesu akati kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Muusiku huno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.

35 Petro akati kwaari: Kunyange zvakandifanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Vadzidziwo vose vakadaro.

Jesu muGetsemani

36 Zvino Jesu wakasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi: Garai pano ndichamboenda ndinonyengetera uko.

37 Akatora pamwe naye Petro nevanakomana vaviri vaZebhedhi, akatanga kusuruvara nekushungurudzika.

38 Ipapo akati kwavari: Mweya weupenyu wangu unosuruvara kwazvo kusvika parufu; garai pano murinde neni.

39 Akaenda mberi zvishoma, akawa nechiso chake, akanyengetera achiti: Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri. Asi kusava sezvandinoda ini asi sezvamunoda imwi.

40 Akauya kuvadzidzi, akavawana varere, akati kuna Petro: Saka hamuna kugona kurinda neni awa rimwe here?

41 Rindai munyengetere, kuti musapinda mumuedzo; mweya unoda zvirokwazvo, asi nyama ine utera.

42 Akaendazve rwechipiri akanyengetera, achiti: Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura kubva kwandiri, kunze kwekuti ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.

43 Akauya, akavawana vararazve, nokuti meso avo aiva orema.

44 Akavasiya, akaendazve akanyengetera rwechitatu, achitaura mashoko iwawo.

45 Ndokuuya kuvadzidzi vake ndokuti kwavari: Chirambai murere muzorore; tarirai, awa raswedera, Mwanakomana wemunhu wotengeswa mumaoko evatadzi.

46 Simukai, ngatiende, tarirai, wonditengesa wava pedo.

Kusungwa kwaJesu

47 Zvino achataura, tarira, Judhasi umwe wevanegumi nevaviri wakasvika, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo chichibva kuvapristi vakuru nevakuru vevanhu.

48 Zvino iye wakamutengesa wakavapa chiratidzo achiti: Uyo wandichatsvoda, ndiye, mumubate.

49 Uye pakarepo akasvika kuna Jesu, akati: Hekanhi, Rabhi! Akamutsvoda.

50 Jesu akati kwaari: Shamwari, wavingei? Ipapo vakaswedera vakaisa maoko pana Jesu, vakamubata.

51 Uye tarira, umwe wevaiva naJesu akatandavadza ruoko, akavhomora munondo wake akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake.

52 Ipapo Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako munzvimbo yawo, nokuti vose vanobata munondo vanoparara nemunondo.

53 Kana unofunga here kuti handigoni ikozvino kukumbira kuna Baba vangu, vakandigadzikira mapoka emauto evatumwa anopfuura gumi nemaviri?

54 Ko magwaro angazadziswa sei kuti zvinofanira kuva saizvozvo?

55 Nenguva iyo Jesu wakati kuzvaunga: Mabuda semunovinga gororo neminondo netsvimbo kuzondibata here? Ndaigara nemwi zuva nezuva ndichidzidzisa mutembere, asi hamuna kundibata.

56 Asi izvi zvose zvaitika, kuti magwaro evaporofita azadziswe. Ipapo vadzidzi vose vakamusiya, vakatiza.

Jesu pamberi paKayafasi nevakuru

57 Avo vaiva vabata Jesu vakamuendesa kuna Kayafasi mupristi mukuru, apo paiva paungana vanyori nevakuru.

58 Asi Petro wakamutevera ari kure kusvika pachivanze chemupristi mukuru, akapinda mukati, akagara nevaranda kuzoona mugumo.

59 Zvino vapristi vakuru nevakuru nedare remakurukota rose vakatsvaka uchapupu hwenhema hunopikisa Jesu kuti vamuuraye.

60 Asi havana kuhuwana, kunyange zvapupu zvenhema zvizhinji zvakauya, zvikasahuwana. Pakupedzisira kwakasvika zvapupu zvenhema zviviri,

61 zvikati: Uyu wakati: Ndinogona kuputsa tembere yaMwari, nekuivaka nemazuva matatu.

62 Zvino mupristi mukuru akasimuka akati kwaari: Haupinduri chinhu here? Ava vanopupurei zvinopikisana newe?

63 Asi Jesu wakanyarara. Mupristi mukuru akapindura akati kwaari: Ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utiudze kana iwe uri Kristu, Mwanakomana waMwari.

64 Jesu akati kwaari: Wataura iwe; asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya pamakore edenga.

65 Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguvo dzake achiti: Wanyomba; tichiri kudirei zvapupu? Tarirai, ikozvino manzwa kunyomba kwake.

66 Munofungei? Vakapindura vakati: Ane mhosva yerufu.

67 Zvino vakamupfira pachiso, vakamurova netsiva; vamwe vakamurova nembama,

68 vachiti: Porofita kwatiri, Kristu, ndiani wakurova?

Kuramba kwaPetro

69 Petro waiva agere panze pachivanze; ndokuuya kwaari umwe murandakadzi achiti: Iwewo waiva una Jesu weGarirea.

70 Asi iye wakaramba pamberi pevose achiti: Handizivi zvaunoreva.

71 Zvino wakati abuda pasuwo, umwe mukadzi akamuona, akati kune vaivapo: Uyuwo waiva ana Jesu weNazareta.

72 Akarambazve nemhiko, kuti: Handizivi munhu uyu.

73 Shure kwechinguva chidiki kwakauya vaiva vamirepo vachiti kuna Petro: Zvirokwazvo iwewo uri wavo; nokuti kunyange kutaura kwako kunokuratidza.

74 Zvino wakatanga kutuka nekupika kuti: Handizivi munhu uyu. Pakarepo jongwe rikarira.

75 Petro ndokurangarira shoko raJesu raakati kwaari: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu. Ndokubuda panze akachema zvinorwadza.