ShonaTeam Matthew « 25 »

Mufananidzo wevasikana gumi

25Panguva iyo ushe hwekumatenga huchava hwakafananidzwa nevasikana gumi vakatora marambi avo vakabuda kunochingamidza muwani.

2 Zvino vashanu vavo vaiva vakachenjera, uye vashanu vari mapenzi.

3 Avo vari mapenzi vakatora marambi avo, vakasatora mafuta pamwe navo.

4 Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemarambi avo.

5 Zvino muwani wakati achinonoka, vose vakatsumwaira vakarara.

6 Asi pakati peusiku kwakadanidzirwa: Tarirai, muwani ouya, budai munomuchingamidza!

7 Zvino vasikana avo vose vakamuka, vakagadzira marambi avo.

8 Mapenzi akati kune vakachenjera: Tipei pamafuta enyu nokuti marambi edu odzima.

9 Asi vakachenjera vakapindura vachiti: Zvimwe haangakwaniri isu nemwi; asi zviri nani endai kune vanotengesa munozvitengera.

10 Vakati vachienda kunotenga, muwani akasvika. Zvino vaiva vakagadzirira vakapinda naye mumuchato, mukova ukapfigwa.

11 Zvino pashure kwakauyawo vamwe vasikana, vachiti: Ishe, ishe, tizarurirei!

12 Asi wakapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handikuziviyi imwi.

13 Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi zuva kana awa Mwanakomana wemunhu raachauya mariri.

Mufananidzo wematarenda*

14 Nokuti zvakaita semunhu wakafamba rwendo, akadana varanda vake, akavapa zvaaiva nazvo.

15 Uye kune umwe wakapa matarenda* mashanu, umwe maviri, umwe rimwe, umwe neumwe zvakakwanirana nesimba rake; pakarepo akafamba rwendo.

16 Uye wakagamuchira matarenda mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akaita mamwe matarenda mashanu.

17 Saizvozvowo wemaviri, iye akawanawo mamwe maviri.

18 Asi wakagamuchira rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yaishe wake.

19 Shure kwenguva refu, ishe wevaranda avo wakasvika, akagadzira zvemari navo.

20 Kwakauya waiva agamuchira matarenda mashanu akauisa mamwe matarenda mashanu achiti: Ishe, makandikumikidza matarenda mashanu; tarirai, ndawana pamusoro pawo mamwe matarenda mashanu.

21 Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, waiva wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.

22 Waiva agamuchira matarenda maviri akauyawo akati: Ishe, makandikumikidza matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri pamusoro pawo.

23 Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka uye wakatendeka, waiva wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.

24 Asi waiva agamuchira tarenda rimwe naiye wakauyawo akati: Ishe, ndaiva ndichikuzivai imwi kuti muri munhu wakawoma, munokohwa pamusina kudzvara, munounganidza pamusina kukusha;

25 zvino ndakatya, ndikaenda ndikanoviga tarenda renyu muvhu; tarirai, mava nechenyu!

26 Ishe wake akapindura akati kwaari: Muranda wakaipa une usimbe, waiva uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudzvara, ndichiunganidza pandisina kukusha.

27 Saka waifanira kuisa mari yangu kuvatsinhanisi vemari, neni pakusvika ndingadai ndagamuchira zvangu nezvibereko.

28 Naizvozvo mutorerei tarenda, mupe kune ane matarenda gumi.

29 Nokuti wose anazvo achapiwa ave nezvakawandisa; asi kubva kune asina kuchatorwa nechaanacho.

30 Uye muranda pasina murasirei kurima rekunze kwekupedzisira; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.

Kutonga kukuru

31 Zvino kana Mwanakomana wemunhu achiuya mukubwinya kwake, nevatumwa vatsvene vose vanaye, ipapo achagara pachigaro cheushe chekubwinya kwake.

32 Zvino pamberi pake pachaunganidzwa ndudzi dzose; uye achadziparadzanisa vamwe kubva kune vamwe, semufudzi anoparadzanisa makwai kubva kumbudzi.

33 Achamisa makwai kuruoko rwake rwerudyi, asi mbudzi kuruboshwe.

34 Zvino Mambo achati kune vari kuruoko rwake rwerudyi: Uyai, imwi makaropafadzwa naBaba vangu, mugare nhaka yeushe hwakagadzirirwa imwi kubva pakuvamba kwenyika.

35 Nokuti ndaiva ndine nzara, mukandipa chekudya; ndaiva ndine nyota, mukandipa chekunwa; ndaiva ndiri mweni, mukandigamuchira;

36ndakashama, mukandipfekedza; ndaiva ndichirwara, mukandishanyira; ndaiva ndiri mutirongo, mukauya kwandiri.

37 Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, tikakupai chekudya, kana mune nyota, tikapa chekunwa?

38 Takakuonai rinhi muri mweni, tikakugamuchirai, kana makashama, tikapfekedza?

39 Takakuonai rinhi muchirwara, kana mutirongo, tikauya kwamuri?

40 Uye Mambo achapindura ati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Sezvamakaitira umwe wehama dzangu idzi mudikisa, makaitira ini.

41 Ipapo uchatiwo kune vari kuruoko rweruboshwe: Ibvai kwandiri, imwi makatukwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa dhiabhorosi nevatumwa vake.

42 Nokuti ndaiva ndine nzara, mukasandipa chekudya; ndaiva ndine nyota, mukasandipa chekunwa;

43 ndaiva ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndakashama, mukasandipfekedza; ndichirwara, nemutirongo, mukasandishanyira.

44 Ipapo avawo vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana makashama, kana muchirwara, kana muri mutirongo, tikasakushandirai?

45 Zvino achavapindura achiti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamusina kuitira umwe wevadikisa ava, hamuna kuitirawo ini.

46 Ava vachaenda kukurangwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi.