ShonaTeam Matthew « 24 »

Jesu anoporofita kuputswa kweJerusarema nekudzoka kwake

24Zvino Jesu wakabuda akabva patembere; vadzidzi vake ndokuswedera kuzomuratidza zvivakwa zvetembere.

2 Jesu akati kwavari: Hamuoni zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakungatozongosiiwi pano ibwe pamusoro pebwe risingatongoputsirwi pasi.

Zviratidzo zvenguva yekupedzisira

3 Kuzoti agere pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga vachiti: Tiudzei, zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chekuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipi?

4 Jesu akapindura akati kwavari: Chenjerai kuti kusava neanokutsausai;

5 nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye vachatsausa vazhinji.

6 Zvino muchanzwa zvehondo nerunyerekupe rwehondo; chenjerai, musakanganiswa; nokuti zvose zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.

7 Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe, uye kuchava nenzara nematenda nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana.

8 Asi zvose izvi kutanga kwemarwadzo.

9 Ipapo vachakukumikidzai mukutambudzika, uye vachakuurayai; uye muchavengwa nemarudzi ose nekuda kwezita rangu.

10 Zvino ipapo vazhinji vachagumbuswa, uye vachatengesana, nekuvengana.

11 Uye vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vatsause vazhinji.

12 Uye nekuda kwekuti uipi huchawanda, rudo rwevazhinji rwuchatonhora.

13 Asi anotsungirira kusvika pakuguma, ndiye achaponeswa.

14 Uye evhangeri iyi yeushe ichaparidzwa munyika yose chive uchapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.

15 Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakarehwa naDhaniyeri muporofita, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaanzwisise),

16 zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;

17 ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora chinhu kubva mumba make;

18 neari kumunda ngaarege kudzokera shure kunotora nguvo dzake.

19 Asi mune nhamo vane mimba nevanonwisa nemazuva iwayo!

20 Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando, kana nesabata.

21 Nokuti ipapo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakavapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvika zvino, uye kusingazovipozve.

22 Dai mazuva ayo asaipfupiswa, hakuna nyama zvachose yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa mazuva ayo achapfupiswa.

23 Zvino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu pano, kana apo, musatenda.

24 Nokuti kuchamuka vana kristu venhema nevaporofita venhema, vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso, zvekuti kana zvichibvira, vatsause nevasanangurwa.

25 Tarirai, ndagara ndakuudzai.

26 Naizvozvo kana vakati kwamuri: Tarirai, ari murenje, musabuda; tarirai ari mudzimba dzemukati, musatenda.

27 Nokuti semheni inobuda kumabvazuva ichipenya kusvika kumavirira, kuchava saizvozvo nekuuya kweMwanakomana wemunhu.

28 Nokuti pose-pose pane chitunha, ndipo pachaunganidzwa magora.

29 Pakarepo shure kwekutambudzika kwemazuva ayo zuva richasvibiswa, nemwedzi hauzopi chiedza chawo, uye nyeredzi dzichawa kudenga, nemasimba ekumatenga achazungunuswa.

30 Uye ipapo kuchaonekwa chiratidzo cheMwanakomana wemunhu kudenga; uye ipapo marudzi ose enyika achachema, uye achaona Mwanakomana wemunhu achiuya pamakore ekudenga nesimba nekubwinya kukuru.

31 Uye achatuma vatumwa vake nekurira kukuru kwehwamanda, vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumigumo yematenga kusvika kumigumo yawo.

Anovanyevera kurindira

32 Asi dzidzai mufananidzo kubva pamuonde: Kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha rava pedo.

33 Saizvozvo nemwi, kana moona izvozvi zvose, zivai kuti zvava pedo pamikova.

34 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri kusvika izvozvi zvose zvaitika.

35 Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.

36 Asi zvezuva iro neawa hakuna anozviziva, kwete kunyange vatumwa vekumatenga, asi Baba vangu chete.

37 Asi semazuva aNowa, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.

38 Nokuti sepamazuva akatangira mafashame, vaidya nekunwa, vachiwana nekuwaniswa, kusvika zuva Nowa raakapinda muareka,

39 uye vaiva vasingazivi, kusvika kwasvika mafashame avabvisa vose, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.

40 Ipapo vaviri vachava mumunda; umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa.

41 Vakadzi vaviri vachikuya paguyo; umwe achatorwa, neumwe achasiiwa.

42 Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaachauya.

43 Asi zivai izvi, kuti dai mwene weimba aiziva kuti inguva yekurinda ipi ichasvika mbavha, angadai airinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.

44 Naizvozvo imwiwo ivai makagadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri, Mwanakomana wemunhu anouya.

45 Ko ndiani muranda wakatendeka, wakangwara, ishe wake wakamugadza pamusoro pevaranda vake kuti avape kudya nenguva yakafanira?

46 Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika anomuwana achiita saizvozvo.

47 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achamugadza pamusoro pezvose zvaanazvo.

48 Asi kana muranda uyo wakaipa akati mumoyo make: Ishe wangu anonoka kuuya;

49 ndokutanga kurova vamwe varanda vanobata pamwe naye, nekudya nekunwa nevararadzi,

50 ishe wemuranda uyo achasvika nezuva raasingatariri neawa raasingazivi,

51 akamugura nepakati, agoisa mugove wake pamwe nevanyepedzeri; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.